Kubuda 25
25
IV: MAVAKIRO ANOFANIRA KUITWA NZVIMBO INOERA
Mipiro yomuNzvimbo Inoera
(Kub 35:4–7)
1Tenzi akataurira Mosesi achiti, 2“Udza vaIsiraeri vapire zvipo kwandiri. Munhu mumwe nomumwe ngaapire kwandiri chipo chaanoda nomwoyo wakasununguka, iwe uchindigamuchirira. 3Zvipo zvaungagamuchire kwavari ndezvizvi zvinoti; ndarama nesirivha nendarira, 4kwouya machira erineni akanakisisa nezvivhimbo zveruvara rwedenga nezveruvara rwehute nezvitsvuku nemvere dzembudzi, 5kwoti matehwe ehondohwe akatsvukiswa kwotiwo matehwe etahashi,#25:5 tahashi Zita rechiHebheru rokuti tahashi imhuka isisina anoziva kuti imhukai. Asi vamwe vanoti imhuka yomugungwa. namapango omuunga, 6uyewo mafuta okuisa mumarambi netunonhuhwirira twamafuta okuzodzesa notwomurusenzi, 7ndokuzotiwo tumabwe tunokosha tweonikisi notumwe tumabwe tunokosha twokuisa pahanzu yeefodhi napanyembe yapadundundu. 8VaIsiraeri ngavandigadzirire nzvimbo inoera kuti ndigare pakati pavo. 9Unofanira kugadzira tendhe rinoera iroro pamwechete nemidziyo yaro nomutoo chaiwo wandinokuratidza.
Bhokisi rechitenderano
(Kub 37:1–9)
10“Vanofanira kugadzira bhokisi rechitenderano ramapuranga omuunga. Urefu hwaro huri masendimita zana rine gumi, upamhi hwaro huite masendimita makumi matanhatu, kudzika kwaro ngakuitewo masendimita makumi matanhatu namatanhatu. 11Ngarinamirirwe nendarama chaiyo yakanakisisa mukati nokunze, uritenderedze kumusoro kwaro nomukombero wendarama. 12Unorigadzirira maringi mana endarama ugoaisa pamakumbo mana ebhokisi. Maringi maviri ngaaiswe kurutivi rumwe, mamwe maviri aiswewo kurutivi rumwe. 13Unoveza mapango omuunga, woanamirira ndarama, 14wopinza mapango iwayo mumaringi aya ari pamativi ebhokisi kuti uwane chokuritakurisa nacho. 15Mapango iwayo anofanira kugara ari mumaringi ebhokisi, arege kubviswamo. 16Unozoisa mafendefa echitenderano andichakupa mubhokisi imomo.
17“Unofanirawo kugadzira hwidibiro yendarama#25:17 yendarama Hwidibiro iyi muchiHebheru inonziwo chigaro chetsitsi. chaiyo yakanakisisa. Urefu hwayo huite masendimita zana rine gumi. Upamhi hwayo huite masendimita makumi matanhatu ane matanhatu. 18Unofanira kutora ndarama wogadzira mifananidzo miviri yezvisikwa zvinonzi makerubhu, woita zvokuzvipfura wozviisa pamativi maviri ehwidibiro. 19Unoita makerubhu pahwidibiro iyoyo akati uku rimwe uku rimwe, uagadzire akabatana nayo ari kumapeto maviri ehwidibiro. Ndiko kuagadzira kwauchaaita. 20Makerubhu iwayo ngaasimudzire mapapiro awo kumusoro akafukidza hwidibiro namapapiro awo akatarisana iwo akatarisa pahwidibiro, 21woisa mafendefa echitenderano andichakupa mubhokisi, uripfige nehwidibiro. 22Ipapo ndipo pandichauya kuzosangana newe. Ndichataura newe ndiri pakati pamakerubhu maviri anenge ari pahwidibiro yebhokisi rechitenderano, ndichikuudza zvandinoda kuti vaIsiraeri vaite.
Teburu yechingwa chepana Mwari
(Kub 37:10–16)
23“Unofanira kugadzira teburu yamapuranga omuunga. Kureba kwayo ngakuite masendimita makumi masere ana masendimita masere, kufara kwayo kuchiita masendimita makumi mana ana masendimita mana, udzami hwayo huite masendimita makumi matanhatu ana masendimita matanhatu. 24Ngarinamirirwe nendarama chaiyo yakaisvonaka, uitenderedze nomukombero wendarama. 25Unoigadzirira mupendero unoipoteredza une upamhi sehwechanza, uise kamutsetse kendarama kunze kwawo kakapoteredza mupendero iwoyo. 26Unogadzira maringi mana endarama woaisa pamakona mana ari pamakumbo ayo. 27Maringi anopfekerwa mapango okutakurisa teburu ngaaiswe pedyo nomupendero uyu. 28Unozoveza mapango omuunga okutakurisa teburu yacho woanamirira nendarama, 29woigadzirira ndiro dzayo namadhishi ayo orusenzi, namajagi ayo nemidziyo yayo yokushandisa pamupiro wokuteura. Midziyo yose iyoyi ngaigadzirwe nendarama chaiyo yakanakisisa. 30Pateburu ipapo, ndipo paunozoisa chingwa chepandinenge ndiri chinogara chiri pandichange ndiri misi yose.
Chigadzikiro chomwenje chinonzi minora
(Kub 37:17–24)
31“Unofanira kugadzira minora, chigadzikiro chomwenje chendarama chaiyo yakanakisisa. Chigadzikiro ichocho pamwechete negaro racho nehunde yacho, ngazvigadzirwe nendarama yakapfurwa. Ugadzire makapu acho namaruva acho akazaruka namamwe asati azaruka, uanamire pachigadzikiro zvibatane. 32Pamativi acho ngapave namapazi matanhatu, achiti uku matatu, uku matatu. 33Bazi rokutanga kune rumwe rutivi, ngarigadzirirwe makapu matatu anenge maruva omuarimondi akazaruka nemamwewo asati azaruka. Bazi rechipiri kune rumwe rutivi, ngarigadzirirwewo makapu anenge maruva akazaruka neasati azaruka. Ngazviitwe zvimwechetezvo pamapazi ose ari matanhatu. 34Hunde yechigadzikiro ngainamirwe makapu mana anenge maruva omuarimondi akazaruka neasati azaruka. 35Pose pose panosangana hunde namapazi maviri nechepasi pawo ose ari matanhatu, ngapanamirwe ruva rimwechete rendarama risati razaruka. 36Chigadzikiro namapazi acho namaruva acho, ngazvinamirwe zvive chinhu chimwechete chakapfurwa nendarama chaiyo. 37Unozogadzira marambi manomwe echigadzikiro uanamire pachiri kuti avhenekere mberi kwacho. 38Unofanira kugadzira zvigero zvokuchekesa tambo dzacho, ugadzirewo tireyi dzacho duku, ngazvive zvendarama chaiyo yakanakisisa. 39Chigadzikiro chomwenje nemimwe midziyo yacho yose, ngazvigadzirwe nendarama chaiyo yakanakisisa inorema makirogiramu makumi matatu namashanu. 40Unofanira kugadzira zvinhu izvozvi usingasiyanisi nezvandakuratidza mugomo muno.
Zvasarudzwa nguva ino
Kubuda 25: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.