Kubuda Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Kubuda kana kuti Ekisodho MuchiHebheru, Bhuku rino rinonzi “Mazita.” (Shemoth) nokuti rinotangisa nokutaura mazita avana vaJakobho vakaenda kundogara kuIjipiti panguva yakaitika nzara munyika yeIjipiti nenyika dziri munharaunda yeIjipiti. Isu tinoshandisa zita rokuti KUBUDA. Zita iri rinoburitsa pachena nyaya huru iri mubhuku rino. Rinotaura nezvokubuda kwavana vaJakobho muIjipiti vachienda kunyika yeKanani. Pakubuda kwavakazoita muIjipiti kwakanga kusisina chakanaka. Kwakanga kwava kwokutotiza muuranda hwavakanga vava. Vakanga vava kushandiswa basa rechibharo. Bhuku raKubuda rine misoro mikuru mitatu inoti.
(1) Kubuda kwakaita vaIsiraeri muIjipiti
Ndima iyoyi inoratidza simba raMwari rokugona kununura vanhu vake mukati merudzi rwaiva nehondo dzarwo. Rinoratidzawo rudo rwaMwari kuna vanhu vake vaIsiraeri.
(2) Chitenderano chakaitwa pakati paMwari navaIsiraeri paGomo reSinai
Ipapa ndipo pakabva paumbika vana vaJakobho kuva rudzi rwatinoti nhasi uno “VaIsiraeri” kana kuti “VaJudha.” Ipapo ndipo pavakapiwa mitemo gumi nemimwe mitemo yokuvatungamirira muupenyu hwavo hwezvokunamata nehwezvematongerwo enyika, uyewo nemitemo yaivabatsira kuti vazvibate savanhu.
(3) Rwendo rwavaIsiraeri murenje nokuvakwa kwakaitwa Tendhe raMwari
Mundima iyi ndimo matinonzwa nezvokuvakwa kwaifanira kuitwa Tendhe raMwari rokusanganirana navanhu vake. Tinoudzwawo nezvemitemo yakawanda inofanira kuteverwa navapristi vavanhu pakupira Mwari zvibayiro nemipiro.
Pane zvimwewo zvinhu zviviri zvinofanira kudomwa zviri mubhuku roKubuda zvinoti.
(a) Zita raMwari
Mubhuku rino ndimo makabva zita chairo raMwari raakazvipa iye pachake rokuti Yahweh. Ndiro rimwechetero rinodomwa napamwe richinzi Jehovha muBhaibhiri ra 1949.
(b) Mwari anoregerera vanhu kana vamutadzira
Mwari paakapedza kupa vanhu mitemo gumi, ndipo pavakamutadzira voumba chimhuru chendarama. Asi Mwari akavaregerera akaita navo chimwe chitenderano.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raKubuda
Uranda hwavaIsiraeri muIjipiti (1:1–22)
Mwari anogadzirira kubudisa vaIsiraeri muuranda hwavo (2:1—6:30)
Kuberekwa kwaMosesi (2:1–10)
Mosesi anotizira kuMidhiani (2:11–25)
Kudaidzwa kwaMosesi, Gwenzi raipfuta moto, zita raMwari (3:1—4:17)
Mosesi naFarao (4:18—6:30)
Njodzi dzakawira Ijipiti (7:1—13:16)
Kubuda muIjipiti nokuyambuka kwakaita vaIsiraeri Gungwa Dzvuku (13:17—15:21)
Rwendo rwavaIsiraeri kusvika kuGomo reSinai (15:22—18:27)
Zvakaitwa paGomo reSinai nemitemo yakapiwapo naMwari (19:1—40:38)
Chitenderano (19:1—24:18)
Mitemo inorerekera kuna vapristi (25:1—31:18)
Chimhuru chendarama (32:1–35)
Kudzokererwa kwakaitwa Chitenderano (34:1–35)
Kutevedza kwakaita vaIsiraeri zvavakanga vaudzwa (35:1—40:38)
Zvasarudzwa nguva ino
Kubuda Zviri mubhuku rino: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.