Ezekieri 5
5
Tsama nhatu dzevhudzi raEzekieri.
Zvikwata zvitatu zvevanhu veIsiraeri
1“Zvino iwe mwanakomana womunhu tora bakatwa rakapinza urishandise sechisvo chokuveurisa uveure musoro wako nendebvu dzako. Wozotora zviyereso zvokuyeresa wokamuranisa vhudzi iroro. 2Chimwe chezvikamu zvitatu zvevhudzi iroro unofanira kuchipisa mumoto pakati chaipo peguta. Kana mazuva okukombwa kwaro azopera, unotora chimwewo chikamu charo chiya wochidimura-dimura nebakatwa kutenderera guta iroro. Zvino chimwewo chikamu charo chechitatu unochimwaya kumhepo uye ndichavaburitsira bakatwa muhara rivaronde. 3Unofanira kutsamhura katsama kaduku pana irori woripfundira kumucheto wegemenzi rako. 4Uye pavhudzi irori unofanira kutora rimwe worikanda mumoto woripisa mumoto. Kubva ipapo moto uchauya uchitungidza imba yeIsiraeri yose.”
5Zvanzi naTenzi Mwari, “Ndirorika guta reJerusaremu iri randadai kumisa pakati pamarudzi avanhu nenyika dzakaikomberedza. 6Asi rakapandukira zvirevo zvangu zvakaipa kupinda mamwe marudzi uye mirao yangu kutopfuura nyika dzakaikomberedza nokuramba zvirevo zvangu uye nokusatevedza mirao yangu kwavakaita. 7Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, pamusana pokuti iwe unotutumara kudarika marudzi akakukomberedza uchiregera kutevedza mirao yangu kana kuchengeta zvirevo zvangu asi wakachengeta zvirevo zvamarudzi akakukomberedza, 8ndokusakawo zvanzi naTenzi Mwari, chiona, iniwo ndava kukumukira ini iyeni uye ndichaita zvandakatema kuita pakati pako marudzi achiona. 9Uyewo pamusana pezvinosemesa zvako zvose ndichaita kwauri zvandisati ndamboita uye zvinhu zvakadaro handimbofa ndakazviitazve. 10Ndizvozvo, vabereki vachadya vana vavo mukati menyu navanawo vachidya vabereki vavo ndoita zvandakatema kuita pamuri; kuwana vanenge vangopunyuka ndichavamwararisa kumativi ose.
11“Naizvozvo, sezvandiripo kudai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari, zvedi, pamusana pokuti wakan'oresa nzvimbo yangu inoera nezvinhu zvenyu zvisingadiwe nezvose zvinosemesa zvenyu; naizvozvowo ini ndichakuparadzai. Handimbokuitirai tsiye nyoro kana kukuitirai tsitsi. 12Chimwe chezvikamu zvenyu zvitatu zvavanhu chichafa nedenda kana kuparara nenzara pakati penyu, chimwe chacho chichaurayiwa nebakatwa munharaunda yenyu. Chikamu chechitatu ndichachimwararisa kumativi ose chakabatirwa bakatwa mumaoko.
13“Ndiwo maperero achaita hasha dzangu, pandichapedzera shungu dzangu pavari ndobva ndagutsikana. Ndipo pavachaziva kuti ini ndakataura ndiine shanje, kana ndapedzera shungu dzangu pavari. 14Uyezve ndichaita kuti usare wangova nyikawo zvayo nechinhu chinoshoreka pakati pemarudzi ari munharaunda yako nomumaziso avapfuuri nenzira vose zvavo.
15“Iwe uchava chinhu chinozvidzwa nechitukiso neyambiro chaiyo nechinhu chinokatyamadza kumarudzi omunharaunda yako pandichaita zvandakatema kuita pamuri ndakashatirwa ndakapaka uye nechirango chinorwadza kwazvo. Ini iyeni Tenzi ndini ndazvireva. 16Ipapo ndichavakanda miseve inouraya yeshangwa yenzara nemiseve yokuparadza yandichavatepfenurira kuti ndikuparadze ndichiita kuti pauri shangwa yenzara irambe yongotsviriridza ndikushayisei chokudya chokukuraramisai nacho. 17Ndichakutumirai shangwa yenzara nezvikara zvesango, zvichakurozvai vana, denda richakuvingai ropa richideuka pakati penyu ndichikuuyisirai bakatwa pamuri iyemi. Ini Tenzi ndini ndazvireva.”
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 5: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.