Ezekieri Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Ezekieri akatakurwa akaendwa naye kuutapwa kuBhabhironi asati ambodaidzwa naMwari kuti ave muporofita waMwari. Saizvozvo iye ndiye muporofita wokuutapwa. Nezvo bhuku raakanyora rinotanga nokutaura kuvanhu vari munhamo youtapwa ikoko achivanyaradza. Asi rinotsoropodzawo vaJudha vakanga vasara kuJerusaremu richiti vaporofita variko vaporofita venhema, vakuru vakuru vavo vanonamata vamwe vamwari, vaJudha vava somukadzi asina kutendeka kana somugirepisi usingabereki. Ivo ndivo vane mhosva yezvitadzo zvavo zvavacharangirwa kwete zvamadzibaba avo. Nyika dzakavakidzana neIsiraeri (Amoni, neMoabhu, neEdhomu neFirisitia) (25–28) neIjipiti (29:32), kunyange zvadzo dzichiseka dzimwe nyika dzichakombwawo dzigoparadzwa. Mushure mokuparadzwa kweJerusaremu, Ezekieri anotangisa kunyaradza vaIsiraeri nemienzaniso; sewebani ramapfupa (37). Panze pokuwana vafudzi venhema, Isiraeri ichawana mufudzi chaiye wechokwadi.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raEzekieri
Kudaidzwa kwaEzekieri (1:1—3:27)
Shoko rokuparara kuchaita Jerusaremu (4:1—24:27)
Mwari anotonga vechirudzi (25:1—32:32)
Chitsidzo chaMwari kuvanhu vake (33:1—37:28)
Chiporofita chakanangana naGogu (38:1—39:29)
Chiratidzo cheTemberi itsva (40:1—48:33)
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri Zviri mubhuku rino: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.