Mavambo 20
20
Abhurahamu naAbhimereki
1Abhurahamu akabva kuMamure akaenda kunyika yeNegevhu, akandogara pakati peKadheshi neShuru, akambogarawo kuGerari. 2Abhurahamu aiti, mudzimai wake, Sara ihanzvadzi yangu. Abhimereki mambo weGerari, akatuma vanhu vakandomuunzira Sara. 3Asi Mwari akauya kuna Abhimereki mukurota usiku akati kwaari, “Ndokufa uku kwawatoita pamusana pomukadzi wawandotora, mukadzi womuridzi.”
4Asi Abhimereki akanga asati atorana naye. Abhimereki akati, “Nhai Tenzi, mungaparadze rudzi rwavanhu vasina mhosva here? 5Haasiri iye pachake here akanditi, ‘Ihanzvadzi yangu.’ Mukadzi wacho pachake achiti, ‘Ihanzvadzi yangu.’ Ndakazviita mukusaziva, pasina chakaipa chandaimbofunga mumwoyo mangu.”
6Mwari akamutaurira mukurota ikoku achiti, “Ndinozviziva zvangu kuti wakazviita mukusaziva pasina chakaipa chawaimbofunga mumwoyo mako. Ndini ndakaita kuti urege kunditadzira, saka ndisina kukubvumidza kumbomugunzva zvako. 7Zvino chidzorera mukadzi womuridzi. Murume wake achakunamatira ugorarama nokuti muporofita. Asi kana ukarega kumudzorera, chinyatsoziva zvako kuti ndokufa kwawava kuita uku, iwe navanhu vako vose.”
8Saizvozvo Abhimereki akamuka mangwanani-ngwanani akadaidza makurukota ake ose ndokuaudza zvose izvozvi. Varume ivavo vakatya zvikuru. 9Abhimereki akadaidza Abhurahamu akati kwaari, “Chiiko ichi chawaita kwatiri? Ndakakutadzira zvakaita sei zvaunobva wandiunzira chitadzo chakakura chikadai ini nenyika yangu? Zvawandiitira izvi, hazvifanire kumboitwa!” 10Abhimereki akati kuna Abhurahamu, “Waifungeiko kuita zvinhu zvakadai?”
11Abhurahamu akati, “Ndakazviita ndichifunga kuti vanhu vokuno havatye Mwari, uye kuti zvimwe vangandiuraye pamusana pomudzimai wangu. 12Izvowo ihanzvadzi yangu chaiyo, baba vedu mumwechete, takangosiyana kunanamai. Akazovawo mudzimai wangu zvake. 13Mwari paakandibvisa kumusha kwababa vangu, achindiita kuti nditame-tame, ndakaudza mudzimai wangu ndichiti, ‘Ndiitirewo mwoyochena kwose kwatinoenda, upote uchinditi, ihanzvadzi yangu.’ ”
14Abhimereki akatora hwai nemombe, navaranda vechikadzi nevechirume akapa izvozvo Abhurahamu, akamudzorerawo Sara mudzimai wake. 15Abhimereki akati, “Tarisa uone, nyika yangu yose iyi yauri kuona, enda unogara pose pose paunoda.” Akataurirawo Sara achiti, 16“Ndapa hanzvadzi yako chiuru chemari yesirivha yokuratidza kuti hauna nemhosva yose nokukuchenurawo pana vamwe vako vose vaunavo navanhu vose zvavo.”
17Abhurahamu akanamata Mwari, Mwari ndokuporesa Abhimereki nomudzimai wake, navaranda vake vechikadzi kuti vave nembereko zvakare 18nokuti Tenzi akanga amisa kubereka vakadzi vose vemhuri yaAbhimereki, pamusana paSara, mudzimai waAbhurahamu.
Zvasarudzwa nguva ino
Mavambo 20: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: