Mavambo 21
21
Kuberekwa kwaIsaki
1Tenzi akazoshanyira Sara sezvaakanga ataura, akamuitira zvaakanga amuvimbisa. 2Sara akava napamuviri akaberekera Abhurahamu mwana mukomana panguva yakatemwa naMwari paakataura naAbhurahamu. Izvozvo Abhurahamu akanga ava harahwa. 3Abhurahamu akatumidza mwana waaberekerwa naSara zita rokuti Isaki. 4Abhurahamu akadzingisa Isaki mwana wake ava namazuva masere okuberekwa sezvakanzi naMwari aite. 5Abhurahamu akanga ava namakore zana panguva yakaberekwa Isaki. 6Ipapo Sara akati, “Mwari andipa kuti ndiseke zvangu chikwe-e, vose vachazvinzwa vachasekawo neni.” 7Akati, “Ndianiwo zvake aimbozvifunga kuti Abhurahamu angaberekerwewo zvake vana neni Sara? Asi hezvika ndamuberekera mwana mukomana achembera kudai.”
8Mwana akazokura, akarumurwa. Abhurahamu akaita mabiko makuru kwazvo pamusi wakarumurwa Isaki.
Hagari naIshimaeri vanodzingwa
9Zvakaitika kuti Sara akaona Ishimaeri mwanakomana waHagari muIjipiti, mwana waakaberekera Abhurahamu achiita jee naIsaki. 10Akataurira Abhurahamu kuti, “Dzinga muranda uyu nomwanakomana wake nokuti mwana womuranda uyu haafanire kudya nhaka pamwechete nomwanakomana wangu Isaki.” 11Abhurahamu akashungurudzwa kwazvo mumwoyo nenyaya iyoyi yemwanakomana wake. 12Asi Mwari akataurira Abhurahamu achiti, “Rega kushungurudzwa zvako mumwoyo nezvomukomana uyu kana nezvomuranda uyu. Ita zvako zvose zvaunenge waudzwa naSara nokuti zvizvarwa zvako zvichadaidzwa nezita raIsaki. 13Ndichaitawo kuti mwana womuranda wako abereke vana vakawanda zvokutova rudzi rwavanhu nokuti mwana wakowo.”
14Naizvozvo Abhurahamu akafumomuka akatora chingwa neguchu redehwe rine mvura, akapa Hagari, akamuberekesa mwana kumusana akati aende zvake. Hagari akasumuka akaenda akandodzungaira ari murenje reBheerishebha. 15Kuzoti mvura iye yomuguchu yapera, Hagari akaisa mwana mune chimwe chigwenzi. 16Hagari akaenda chinhambwe chingasvike dombo rokukanda nemaoko, akagara pasi achichema ari pakanga pakatarisana napaya paiva nomwana nokuti aiti, “Handingadi zvangu kuona mwana achifa ndakatarisa.”
17Mwari akanzwa kuchema kwomukomana uyu, mutumwa waMwari, ari mudenga, akadaidzira kuna Hagari achiti kwaari, “Ko chanetsa chiiko Hagari? Usatye zvako nokuti Mwari anzwa kuchema kwemwana paari ipapo. 18Simuka utore mwana unyatsomubata noruoko nokuti ndichaita kuti ave navana vakawanda zvokutova rudzi rukuru.” 19Mwari akapengenutsa maziso aHagari akaona tsime remvura. Akaenda akazadza guchu riya nemvura akapa mwana. 20Mwari aiva naIshimaeri akakura achigara murenje, akazova nyanzvi yokupfura nouta nemiseve. 21Aigara murenje reParani. Amai vake vakazondomutorera mukadzi kuIjipiti.
Chibvumirano chaAbhurahamu naAbhimereki
22Panguva iyoyo Abhimereki naFikori mukuru mukuru wehondo yake vakataurirana naAbhurahamu vachiti, “Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita, 23saka ipo pano chipika naMwari kwandiri kuti hauzombonyengedza ini kana vana vangu, kana zvizukuru zvangu, sokutendeseka kwandakaita kwauri ugovawo wakatendeseka kwandiri nokunyika yaugere somutorwa.”
24Abhurahamu akati, “Ndinopika.” 25Abhurahamu paakanyunyutira Abhimereki nezvetsime remvura rakanga rapambwa navaranda vaAbhimereki, 26Abhimereki akati, “Handizive akaita izvozvo. Iwe hauna kumbondiudzawoka. Ndatotangisa kuzvinzwa nhasi uno.” 27Abhurahamu akatora hwai nemombe ndokupa Abhimereki, vakabva vasunga chibvumirano pauviri hwavo. 28Abhurahamu akatsaurawo nhunzvi nomwe dzehwai ndokudziisa padzo dzoga. 29Abhimereki akabvunza Abhurahamu achiti, “Ko nhunzvi nomwe idzi dzawatsaura dzinoreveiko?”
30Abhurahamu akati, “Gamuchirai nhunzvi nomwe idzi sechiratidzo chokundipupurira kuti ndini ndakachera tsime iri.” 31Naizvozvo nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti Bheerishebha nokuti ipapo vakaitirana mhiko pauviri hwavo. 32Kuzoti vaita chitenderano chavo kuBheerishebha, Abhimereki naFikori, mukuru mukuru wehondo yake, vakasumuka vakadzokera zvavo, kunyika yevaFirisitia. 33Abhurahamu akasima muti womutamarisiki kuBheerishebha, akanamata Tenzi, Mwari Chidzachepo. 34Abhurahamu akagara munyika yevaFirisitia kwenguva ndefu.
Zvasarudzwa nguva ino
Mavambo 21: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: