Mavambo 31
31
Jakobho anotiza kwaRabhani
1Jakobho akanzwa vanakomana vaRabhani vachiti, “Jakobho akatora zvinhu zvose zvakanga zviri zvababa vedu. Upfumi hwose uhwu akahuwana pazvinhu zvaiva zvababa vedu.” 2Jakobho akaonawo muuso kuti Rabhani akanga asisamufarire sapakutanga. 3Tenzi akataurira Jakobho kuti, “Chidzokera kunyika yamadzibaba ako, kunyika yokwako. Ini ndichava newe.” 4Jakobho akatuma munhu kundodaidza Rakeri naRea kuti vauye kumafuro kwaiva nezvipfuwo zvake. 5Akavati, “Ndava kuona muuso hwababa venyu kuti havachandifarira sapakutanga. Asi Mwari wababa vangu anga achingova neni. 6Munozviziva kuti ini ndakashandira baba venyu nesimba rangu rose, 7kunyange zvakadaro ivo vakandinyengedza. Vakaramba vachisandura mubayiro wangu kagumi kagumi. Asi Mwari haana kuvabvumidza kuti vasvike pokunditsvata nokuti 8baba venyu pavaiti, ‘Zvipfuwo zvine makamba makamba zvichava mubayiro wako,’ zvipfuwo zvose zvaibva zvabereka vana vane makamba makamba. Pavaizotiwo, ‘Zvine mitsetse mitsetse ndizvo zvichava mubayiro wako,’ zvipfuwo zvose zvaibva zvabereka vana vaiva nemitsetse mitsetse. 9Nokudaro Mwari akatorera baba venyu zvipfuwo zvavo achindipa.
10“Nguva iya yokunge mikono yezvipfuwo yava kutanda hadzi, ndakarota ndichiona kuti mikono yazvo yakanga ichitanda hadzi yaiva ine mitsetse mitsetse namavara mavara namakamba makamba. 11Mukurota ikoko mutumwa waMwari akanditi, ‘Jakobho!’ Ini ndikati, ‘Ndiri pano!’ 12Iye akati, ‘Tarisa uone mikono yose yezvipfuwo iri kutanda hadzi ine mitsetse mitsetse namakamba makamba namavara mavara. Chikonzero ndechokuti ndakaona zvose zvauri kuitirwa naRabhani. 13Ndini Mwari wokuBhetieri kuya kwawakadira ibwe mafuta, ukaita mhiko kwandiri. Saka chirongedza ubve munyika ino udzokere kunyika yawakaberekerwa.’ ”
14Rakeri naRea vakati, “Ko munoti tichine cheduwo here pamusha wababa vedu kunyange nhaka zvayo? 15Tangova vatorwa isu. Handiti vakatitengesa here vakadya mari yose yatakaroorwa nayo. 16Upfumi ihwohu hwakatorerwa baba vedu naMwari ndochedu chatakatoburawo isu navana vedu. Saka chiitai zvenyu chiri chose chamakaudzwa naMwari.” 17Jakobho akarongedza, ndokukwidza vana vake namadzimai avo panghamera. 18Akatorawo upfumi hwake hwose. Vakatinha zvipfuwo zvavo zvose zvavakanga vawana kuMesopotamia, vakaenda nazvo kunyika yeKanani, kuna baba vavo Isaki. 19Rabhani akanga aenda kundoveura makushe ehwai dzake, Rakeri sarei oba tumwari twokuveza twababa vake Rabhani. 20Jakobho akanyengedza Rabhani muAramu, nokurega kumuudza kwaakaita kuti akanga afunga zvokuenda. 21Nokudaro akatiza nezvose zvaakanga anazvo akayambuka rwizi rwaYufuratesi, akafamba akananga kunyika yeGireadhi yamakomo.
Rabhani anoronda Jakobho
22Kuzoti kwapera mazuva matatu, Rabhani akaudzwa kuti Jakobho akatiza. 23Rabhani akatorana nehama dzake akamuronda kwerwendo rwamazuva manomwe, akamubatira kumakomo eGireadhi. 24Kuzoti hwave usiku, Mwari akauya mukurota kuna Rabhani muAramu akamuyambira achiti, “Usambotaura zvako kana chii zvacho chakaipa kuna Jakobho.”#31:24 Jakobho: Chaipa muchiHebheru munoti chakanaka kana chakaipa.
25Rabhani akasvika paiva naJakobho akanga adzika matendhe ake mumakomo. Rabhani nehama dzake akadzikawo matendhe ake mumakomo eGireadhi. 26Rabhani akati kuna Jakobho, “Ndicho chii ichochi chawandiitira, kundinyengedza kudai, uchitutana navabvana vangu senhapwa dzokubatira mapfumo? 27Sei waita zvokusvova uchindinyengedza kudai, usinganditaurire? Ko unoti ndingadai ndisina kukuitirawo mabiko takafara tichipembera, tichiimba zvedu tichiridza ngoma nezvipendani? 28Ungabva watorega nokundiwanisa kana mukana wokuti nditsvode vazukuru vangu navabvana vangu ndichionekana navo? Zvawaita izvi ndezvoupenzi. 29Izvozvi ndinogona zvangu kukuita chimwe chinhu, dai pasina Mwari wababa vako ataura neni usiku hwanhasi achiti, ‘Usambotaura zvako kana chii zvacho chakaipa kuna Jakobho.’ 30Ko zvawakatiza pamusana pokuda kudzokera kumusha kwababa wako, wakagobireiko vamwari vangu?”
31Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndaitya kuti zvimwe mungandibvutire vanasikana venyu. 32Kana mukawana paine munhu ane vamwari venyu ngaaurayiwe. Zvino, hama dzenyu dzichizviona kudai, nyatsotsvakai chenyu chandinacho, mutore.” Asi Jakobho akanga asingazive kuti Rakeri ndiye akanga aba vamwari ivavo.
33Rabhani akatsvaka mutendhe raJakobho nomutendhe raRea nomutendhe ravaranda vechikadzi vaviri vaya, asi haana chaakawana. Akabuda mutendhe raRea akandotsvaka mutendhe raRakeri. 34Rakeri akanga atora vamwari vacho akavaviga muchityaro chengamera ndokubva agara pamusoro pacho. Rabhani akaparapatika kutsvaga pose pose mutendhe umu, asi hapana chaakawana. 35Rakeri ndokutaurira baba vake achiti, “Musanditsamwire zvenyu shewe. Ini handisi kukwanisa kukusumukirai nokuti ndiri panguva yangu yokutevera.” Rabhani akatsvakisisa asi haana kuwana vamwari vake.
36Jakobho akabva atsamwa kwazvo akapopotera Rabhani achiti, “Ko chandakakutadzirai chii? Ko chakaipa chandakaita ndechipi, zvamanditevera muchitoita zvokuvhima kudai? 37Zvamaparapatika mukagwedebudza mikwende yangu yose, zvino chenyu chamawana ndechipi? Tiratidzei pano apa, hama dzedu nemi dzichionewo, dzititonganise. 38Ndakagara nemi makumi maviri amakore, hwai nembudzi dzenyu hadzina kumbosvodza. Handina kubaya hondohwe dzamatanga enyu ndichidya. 39Zvipfuwo zvainge zvarumwa nezvikara handaikuudzai imi, asi ndaizvitsiva nezvangu pachangu. Zvipfuwo zvainge zvabiwa masikati kana usiku maindiripisa. 40Masikati ndaitsva nezuva, usiku ndichidedera nechando ndichirara ndakasvunura. 41Kwamakore makumi maviri aya, ndakagara mumusha menyu. Ndakakushandirai kwamakore gumi namana ndichiitira vana venyu vaviri ava ugariri. Kwamakore matanhatu ndakachengeta zvipfuwo zvenyu kuti ndiwanewo ufudzi, asi mairamba muchisandura mubayiro wangu kagumi kagumi. 42Dai Mwari wababa wangu, Mwari waAbhurahamu, Mwari anonamatwa naIsaki akanga asineni, chokwadi chokwadi mungadai makandirega ndichienda zvangu ndisina nechii chose. Mwari akaona kutambura kwangu nokushanda kwandakaita, saka akuyambirai usiku hwanhasi.”
Chitenderano chaJakobho naRabhani
43Rabhani akapindura Jakobho achiti, “Vabvana ava vana vangu ini, vana ava vazukuru vangu, zvipfuwo izvi zvipfuwo zvangu. Zvose zvazvo zvauri kuona ndezvangu. Ko zvino chii chandingaonekwe ndoita nhasi uno kuvabvana vangu kana kuvana vavo vokubereka. 44Iwe neni ngatichiitai chitenderano, tigoitawo chinhu chichagara chichitiyeuchidza zvatatenderana.”
45Jakobho akatora ibwe akarimisa kuti rive ibwe rechiyeuchidzo. 46Iye Jakobho akaudzawo vanhu vake kuti, “Unganidzai mabwe.” Vakaunganidza mabwe akaita murwi. Vakadyira pamurwi ipapo. 47Rabhani akautumidza zita rokuti Jegarisahudhuta.#31:47 Zvinoreva kuti murwi wemabwe wechiyeuchidzo. Asi Jakobho akautumidza zita rokuti Gareedhi.#31:47 Gareedhi: Zvinoreva kuti murwi wemabwe wechiyeuchidzo.
48Rabhani akati, “Nhasi uno murwi uyu wava chiyeuchidzo pakati pedu.” Saka vakatumidza murwi iwoyo zita rokuti Gareedhi. 49Rimwe zita rawo rakanzi Mizipa#31:49 Mizipa: Zvinoreva kuti nharirire. nokuti Rabhani akati, “Zvako iwe neni ngatichizvisiya mumaoko aTenzi, patinenge takati uyu kwake uyu kwake Mwari ndiye anenge achiona.
50“Kana ukazoshusha vabvana vangu kana kuroora vamwe vakadzi, kunyange vamwe vose vakasazviona, Mwari ndiye chapupu chedu.” 51Rabhani akatizve, “Tarisa chitata chemurwi wamatombo ichi, neibwe iri randamisa pakati pangu newe. 52Murwi wamatombo uyu neibwe iri ndiyo micherechedzo ichatipupurira kuti ini handizoidarika ndichiuya kuzokurwisa, newewo hauzodarikawo murwi wamatombo iwoyu neibwe irori uchiuya kuzondirwisa. 53Mwari waAbhurahamu naMwari waNahori naMwari wababa wavo ngavave ivo vatongi pakati pangu newe.” Jakobho ndokupika naMwari anonamatwa nababa vake Isaki. 54Jakobho akapira chibayiro kuna Mwari mugomo muya, akadaidza hama dzake kuzodya mabiko. Vakadya vakapedza usiku hwose vari mugomo imomo. 55Rabhani akafumomuka ndokutsvoda vazukuru vake navabvana vake vachionekana navo, akavakomborera ndokusimuka odzokera kumusha kwake.
Zvasarudzwa nguva ino
Mavambo 31: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: