Mavambo 32
32
Jakobho anogadzirira kusangana naEsau
1Jakobho akasimudzirawo rwendo rwake, vatumwa vaMwari ndokusangana naye. 2Jakobho paakavaona akati, “Inga ihondo yaMwari chaiyo!” Saka nzvimbo iyoyo akaitumidza zita rokuti Mahanaimu.#32:2 Mahanaimu: MuchiHebheru zvinoreva kuti hondo mbiri.
3Jakobho akafanotuma nhume kuna Esau mukoma wake aigara kuSeiri munyika yeEdhomu. 4Akadzirayira achiti, “Endai kuna changamire wangu Esau mumutaurire kuti, ‘Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, ndanga ndiri kwaRabhani kwandanga ndigere kusvikira iye zvino. 5Ndava nemombe namadhongi nehwai nembudzi, navaranda vechikadzi nevechirume. Zvino ndatuma nhume kunemi changamire wangu kuti mundiitire tsiye nyoro.’ ” 6Nhume idzi padzakadzokera kuna Jakobho dzakamutaurira kuti, “Takasvika kune mukoma wenyu, Esau. Zvino naiyewo ava munzira namazana mana avarume kuzosangana nemi.” 7Jakobho akabva atya akatambudzika mumwoyo zvikuru, akakamura vanhu vavaiva navo nezvipfuwo nemombe nengamera ndokuita mapoka maviri, 8achifunga kuti kana Esau akauya kune rimwe boka akariparadza, rimwe iri rinogona kutiza.
9Jakobho ndokuti, “Mwari wavasekuru vangu Abhurahamu, imi Mwari wababa vangu Isaki imi Tenzi ndimi makanditi, ‘Chidzokera zvako kunyika yako, kune hama dzako ndichaita kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka.’ 10Ini handikodzeri kuwana kunyange kai zvako kwomwoyochena wenyu, nokutendeseka kwenyu kwamakandiitira, ini muranda wenyu nokuti pandakayambuka Jorodhani urwu ndaingova iyeni ndoga netsvimbo yangu. Asi nhasi uno ndava namapoka maviri. 11Ndapota ndinunureiwo mumaoko emukoma wangu Esau. Ndava kutya ini kuti angauye akatiuraya tose akauraya madzimai navana. 12Ndimi makambonditsidzira muchiti, ‘Ndichaita kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka. Ndichakupa vana vakawanda sejecha regungwa vasingaverengeki nokuwanda kwavo.’ ”
13Jakobho akararapo usiku ihwohwo. Pazvinhu zvaaiva nazvo akasarudza chipo chokupa mukoma wake Esau 14chamazana maviri enhunzvi dzembudzi, namakumi maviri emakotora, namazana maviri enhunzvi dzehwai, namakumi maviri ehondohwe, 15namakumi matatu enghamera hadzi nemhuru dzadzo, namakumi mana emhou dzemombe, negumi rehandira, namadhongi echikadzi makumi maviri, negumi remikono yamadhongi.
16Jakobho akaisa izvi mumaoko avaranda vake kuti vatinhe zvipfuwo zvacho zviri mumapoka azvo, boka rimwe nerimwe riri paro roga. Akati, “Chifanoendai, asi musiye chinhambwe chakati kuti pakati peboka rimwe nerimwe.” 17Akarayira veboka repamberimberi achiti, “Kana mukoma wangu Esau akasangana nemi akakubvunzai achiti, ‘Muri vekwaani? Ko muri kuenda kupiko? Zvamuri kutinha ndezvaani?’ 18Imi itii, ‘Ndezvomuranda wenyu Jakobho, chipo ichi chatumirwa kunemi changamire, Esau, asi iye Jakobho pachake ari mumashure.’ ” 19Akarayirawo boka rechipiri nerechitatu navose vaitevera mapoka achiti, “Kana mukasangana naEsau muudzei zvimwechetezvo. 20Uye muudzei kuti, ‘Muranda wenyuwo Jakobho ari mushure,’ ” nokuti aifunga kuti, “Regai ndimufadze nokufanotumira chipo ichi ndigozoti ndosangana zvangu naye, zvimwe angandigamuchire.” 21Naizvozvo akafanotumira zvipo izvozvo mberi, iye ndokusara usiku ihwohwo ari pamatendhe.
Jakobho anoita tsimba nomutumwa waMwari kuPenueri
22Usiku ihwohwo Jakobho akamuka akatora madzimai ake ari maviri navaranda vake vechikadzi vaviri navana vake gumi nomumwechete, ndokundoyambuka Jabhoku napazambuko. 23Akavayambutsa rwizi, pamwechete nezvinhu zvose zvavaiva nazvo. 24Jakobho ndokusarako oga. Mumwe murume akaita tsimba naye kusvikira utonga hwabuda. 25Murume uyu paakaona kuti atadza kukurira Jakobho akamurova nechepahudyu, hudyu yake ikasvodogoka. 26Murume uyu ndokuti, “Chindirega ndiende! Utonga hwatsvuka!”
Asi Jakobho akati, “Handikurege uchienda kunze kwokunge wandikomborera!”
27Murume uyu akati, “Zita rako ndiani?” Iye ndokuti, “Ndinonzi Jakobho!”
28Murume uyu ndokuti, “Zita rako harichanzi Jakobho, rava kunzi Isiraeri#32:28 Isiraeri: MuchiHebheru zvinoreva kuti munhu anoita tsimba naMwari, kana kuti Mwari anoita tsimba. nokuti wakakwikwidzana naMwari navanhu ukakunda.”
29Jakobho akamubvunza achiti, “Iwe ndiudzeiwo zita rako.” Iye akati, “Unondibvunzireiko zita rangu?” Akamukomborera ipapo. 30Jakobho ndokubva apatumidza zita rokuti Penueri#32:30 Penueri: Zvinoreva kuti “Uso hwaMwari.” achiti, “Ndaonana naMwari uso nouso, asi ndaramba ndiri mupenyu!”
31Zuva rakamubudira muPenueri ava kubvamo achikamhina pamusana pehudyu yake. 32Ndokusaka nanhasi uno vaIsiraeri vasingadye runda rwepahudyu runogara mumbiya yepfupa rapahudyu, nokuti murume iyeyo akarova Jakobho parunda rwapahudyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Mavambo 32: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: