Mavambo 46
46
Jakobho anoenda kuIjipiti
1Isiraeri akarongedza zvose zvaakanga anazvo ndokupinda munzira. Paakasvika kuBheerishebha akapira chibayiro kuna Mwari waIsaki baba wake. 2Usiku ihwohwo Mwari akaratidza Jakobho chiratidzo, akamudaidza achiti, “Jakobho Jakobho!” Jakobho akati, “Ndiri pano.”
3Mwari ndokuti, “Ndini Mwari, Mwari wababa vako. Usatye hako kuenda kuIjipiti nokuti vana vako ndichavaita rudzi rukuru ikoko. 4Ndichaenda newe kuIjipiti, ndichazodzosazve vana vako kuno. Pakufa kwako Josefi ndiye achakudzora maziso achikupeta.”
5Jakobho akabva kuBheerishebha ndokupinda munzira. Vana vaJakobho vakakwidza baba wavo pamwechete namadzimai avo navana vavo mungoro dzakanga dzatumirwa naFarao kundovatakura. 6Vakaenda nezvipfuwo zvavo noupfumi hwose hwavakanga vawana munyika yeKanani, vakandosvika kuIjipiti. Jakobho akasvikako nemhuri yake yose, 7aine vana vake vakomana navasikana navazukuru vake vakomana navasikana. Akaenda nemhuri yake yose kuIjipiti.
8Haanoi mazita avana vaIsiraeri, Jakobho navanakomana vake vaakasvika navo kuIjipiti. Dangwe raJakobho ndiRubheni. 9Vanakomana vaRubheni ndiHanoki naParu naHezironi naKarumi. 10Vanakomana vaSimeoni ndiJemueri naJamini naOhadhi naJakini naZohari naShauru mwana womukadzi wechiKanani. 11Vanakomana vaRevhi ndiGerishoni naKohati naMerari. 12Vanakomana vaJudha ndiEru naOnani naShera naFerezi naZera. Asi Eru naOnani vakafira kunyika yeKanani. Vanakomana vaFerezi ndiHezironi naHamuri. 13Vanakomana vaIsakari ndiTora naPuwa naJobhu naShimuroni. 14Vanakomana vaZebhuruni ndiSeredhi naEroni naJahireeri. 15Ivava ndivo vanakomana vaRea vaakaberekera Jakobho achiri kuMesopotamia. Rea akaberekawo mwanasikana ainzi Dhina. Vana vaRea navazukuru vake vaiva makumi matatu navatatu.
16Vanakomana vaGadhi ndiZefoni naHagi naShuni naEzibhoni naEri naArodhi naAreri. 17Vanakomana vaAsheru ndiImuna naIshivha naIshivhi naBheria nehanzvadzi yavo Sera. Vanakomana vaBheria ndiHebheru naMarikieri. 18Ava ndivo vana navazukuru vaZiripa, uya akapiwa naRabhani kuna Rea mwanasikana wake. Ziripa akaberekera Jakobho vana navazukuru gumi navatanhatu.
19Zvino vanakomana vaRakeri mudzimai waJakobho ndiJosefi naBhenjamini. 20Josefi ava munyika yeIjipiti akabereka Manase naEfuremu. Amai vavo ndiAsinati mwana waPotifera mupristi aigara muguta reOni. 21Vanakomana vaBhenjamini ndiBhera naBhekeri naAshibheri naJera kwouya Naamani naEhi naRoshi naMupimu naHupimu naAridhi. 22Ava ndivo vana navazukuru vaRakeri mudzimai waJakobho vose vari gumi navana.
23Mwanakomana waDhani ndiHushimu. 24Vanakomana vaNafutari ndiJazieri naJuni naJezeri naShiremu. 25Ivava ndivo vana vaBhiriha, uya akapiwa naRabhani kuna Rakeri mwanasikana wake. Vose pamwechete akaberekera Jakobho vana vanomwe.
26Vanhu vose vokwaJakobho vakaenda Ijipiti, zvizvarwa zvake zvaiva makumi matanhatu ane vatanhatu kusingaverengwi varoora vaJakobho. 27Vanakomana vaJosefi vakaberekerwa kuIjipiti vaviri. Saka vanhu vose vemba yaJakobho vakatanga kugara muIjipiti vaiva makumi manomwe.
Jakobho nemhuri yake anosvika muIjipiti
28Jakobho akafanotuma Judha kuna Josefi achiti Josefi azondosangana navo kuGosheni ndokubva vaenda zvavo kudunhu reGosheni. 29Ipapo Josefi akapinda mungoro yake akaenda kuGosheni kundochingura baba vake, Isiraeri. Akasvikoona baba vake akatora nguva ndefu akavambundira achihwihwidza kuchema. 30Isiraeri akazoti kunaJosefi, “Zvino ndingachifa zvangu nokuti ndakuona uri mupenyu!”
31Josefi akataura navakoma navanun'una vake navamwe vose vemba yababa vake achiti, “Ini ndava kundoudza Farao kuti, ‘Vakoma navanun'una vangu nemhuri yababa vangu vaye vaigara kunyika yeKanani vauya kwandiri.’ 32Basa rehama dzangu idzodzo nderokupfuwa zvipfuwo. Zvino vauya nemombe nezvimwe zvipfuwo zvavo nezvose zvavaiva nazvo. 33Kana imi mazodaidzwa naFarao achikubvunzai kuti, ‘Basa renyu ndereiko?’ 34Imi itii, ‘Isu varanda venyu takagara tichingova vanhu vokupfuwa zvipfuwo kubvira pahuduku hwedu kusvikira zvino iyesu tose namadzibaba edu.’ Kana madaro Farao achakubvumirai kugara mudunhu reGosheni,” nokuti vaIjipiti vakanga vakarimirana kumuganho nomunhu wose anoita basa rokupfuwa zvipfuwo.
Zvasarudzwa nguva ino
Mavambo 46: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.