Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hagai Zviri mubhuku rino

Zviri mubhuku rino
Hagai (538 K.A.A) mumwe wavaporofita vakatumwa naMwari kuvanhu veIsiraeri panguva yavakadzoka kuutapwa. VaIsiraeri pavakadzoka kuutapwa vakasvikoiswa pasi poutungamiri hweSamaria. Vakatangisa kuvaka Temberi yaMwari, asi vakangoti vake vakei ndokubva varegera votangisa kuzvivakira dzimba dzakanakisisa. Apa ndipo pakauya Hagai achitsoropodza izvozvi (1:1–11) uye achivakurudzira kuenderera mberi nebasa rokuvaka Temberi yaMwari. Akavayeuchidza kuti Mwari anoda ururami nokuteerera achivataridza kuti kuipa kwavamwe vanhu kunotapukira nyika yose. Asi akavayeuchidza kuti Mwari ndiMwari mupenyu ane simba (2:6–9) achakomborera vanhu vake
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raHagai
Temberi yaMwari (1:1—2:9)
Tarisai upenyu hwenyu. Imba yangu yakaita sedongo (1:1–15)
Kunaka kuchaita Temberi yaMwari (2:1–9)
Chikomborero chaMwari (2:10–23)
Mwari achakukomborerai (2:10–19)
Mwari achazunza matenga nenyika (2:20–23)

Zvasarudzwa nguva ino

Hagai Zviri mubhuku rino: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda