Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zefaniya 3

3
CHITADZO CHEJERUSAREMU NOKUNUNURWA KWAYO
1Rine nhamo
guta rakapanduka rakan'ora,
guta rinoonesa vanhu ndondo.
2Hakuna izwi rarinoteerera,
indambakuudzwa zvayo yeguta.
Harivimbi naTenzi
hariswederiwo pedyo naMwari waro.
3Vakuru vakuru varo vari mariri
ishumba dzinodzvova,
vatongi varo imhumi dzamanheru
dzisina chadzinosiya chinosvika mangwanani.
4Vaporofita varo havana hunhu,
vanhu vasina kutendeka.
Vapristi varo vanon'oresa
zvinhu zvinoera
vachityora havo mutemo.
5Tenzi ari mukati maro akarurama,
hapana chaanokanganisa.
Mangwanani ari wose
anoratidza ruenzaniso rwake,
mambakwedza oga oga haakundikani.
Asi vanhu vasina ruenzaniso
havazivi chinonzi kunyara.
6“Ndakatsakatisa dzindudzi,
zvokuzvidzivirira nazvo kuhondo
zvasara zvava matongo.
Ndakaparadza migwagwa yavo
zvokuti hapana achatsikamo.
Maguta avo ava matongo
asina munhu kana anogaramo.
7Ndaiti ini, zvimwe richanditya
rikabvuma kutsiurwa
rikarega kurasikirwa
nezvose zvandakaripa.
Ndopavaibva vatoita
zviito zvavo zvakaipa zvose.
Kununurwa kweJerusaremu
8“Naizvozvo chindimirirai,”
ndizvo zvinotaura Tenzi
mumirire zuva randichasimuka sechapupu
nokuti chandiri kufunga
ndechokuunganidza marudzi
nokukokorodza dzinyika
kuti ndipedzere pavari shungu dzangu,
kuviruka kwangu kwose nehasha
nokuti nyika yose icharoromeswa
mumoto wehasha dzeshanje yangu.
ZVITSIDZO ZVAMWARI
9“Eeka panguva iyoyo
ndichapindura matauriro evechirudzi
kuti vaite mutauriro mutsvene
kuitira kuti vose zvavo
vanamate zita raTenzi
vamushandire nemwoyo mumwechete.
10Kubvira kumhiri kwenzizi dzeItiopia
vangu ini vanondinamata,
vana vavanhu vangu
vakapararira nenyika;
vachandivigira mipiro yangu.
Vanozvirereka vanenge vasara muIsiraeri.
11Pazuva iroro hamuchazonyadziswi
nezviito zvamakandipandukira nazvo
nokuti ipapo ndichabvisa pakati penyu
vose vanozvikudza vachizvibhebhesa.
Hamuzozvitutumadza mugomo rangu.
12Chiripo ndechichi chokuti
ndichasiya pakati penyu
vanhu vanozvidukupisa vanozvirereka.
Vachapona nokupotera nezita raTenzi.
13Vanhu vanenge vasara muIsiraeri
havana uipi hwavachazoita
kana kureva nhema.
Mumuromo mavo hamuchazowanikwa
rurimi rune unyengedzi
nokuti vacharara zvavo
kusina anovatyityidzira.”
Rwiyo rwokufara
14Imbisa zvikuru kwazvo
iwe mukunda guta reZioni.
Daidzira iwe Isiraeri.
Pembera kufara nomwoyo wako wose
iwe mukunda guta reJerusaremu!
15Tenzi abvisa
kurangwa kwako kwakakumirira,
vavengi vako avadzinga.
Mambo weIsiraeri, Tenzi
ari pakati pako
hapana chakaipa chauchazotyazve.
16Nomusi iwoyo kuchanzi nezveJerusaremu,
“Rega zvako kutya iwe Zioni
rega zvako kurukutika maoko ako.
17Tenzi, Mwari wako
ari mukati mako,
murwi wehondo anoita kuti ukurire
achakufarira zvikuru aine rufaro,
achakumutsirudza murudo rwake#3:17 Murudo rwake: RechiHebheru rinoti achati zvake mwiro kunyarara.
achakupemberera achiimbisa zvikuru kwazvo
18sezvinoitwa pazuva guru.”
“Ndichakubvisira nhamo pauri
zvokuti hauzonyara nazvo.
19Chinzwa, panguva iyoyo,
ndichaonana nevanokurwadzisa
ndigonunura zvirema
ndikokorodze vanosemwa.
Ndichapindura kunyara kwavo
ndichikuita kuti kuve kurumbidza
kuzivikanwe pasi pose.
20“Panguva iyoyo
ndichakudzorerai kumusha,
panguva yacho yandinenge
ndakuunganidzai pamwechete.
Honguka ndichaita kuti
muve nembiri nokurumbidzwa
pakati pamarudzi ose avanhu vepanyika
pandinenge ndokudzorerai
kubudirira kwenyu muchitozviona.”
Ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Zvasarudzwa nguva ino

Zefaniya 3: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda