VaHebheru 11
11
Chitendero
1Chitendero chine chivimbo chezvinhu zvinotarisirwa uye chine chokwadi chezvinhu zvisingaoneki 2Nokuti nechitendero vanhu vakare vakanzi naMwari vanhu kwavo. 3Pamusana pechitendero tinonzwisisa kuti nyika yakasikwa nezwi raMwari zvokuti zvinooneka zvakaitwa zvichibva mune zvisingaoneki.
4Pamusana pechitendero Abhero akapira kuna Mwari chibayiro chinogamuchirika kupinda Kaini chakaita kuti anzi munhu akarurama Mwari achipupurira izvozvo nokugamuchira zvipo zvake. Akafa zvake asi nechitendero chake achiri kungotaura. 5Pamusana pechitendero Enoki akatorwa achiendeswa kudenga nokuti Mwari akanga amutora nokuti asati atorwa akanga apupurirwa kuti akafadza Mwari. 6Pasina chitendero hazvikwanisiki kumufadza nokuti munhu wose anouya anofanira kudavira kuti Mwari ariko uye kuti Mwari anopa mubayiro kune anomutsvaka. 7Pamusana pechitendero, Nowa paakayambirwa naMwari nezvezvinhu zvakanga zvisati zvaoneka, akatirimuka akavaka ngarava kuti aponese mhuri yake. Naizvozvi akapa nyika mhosva. Akava mugari wenhaka yoururami inouya pamusana pechitendero.
8Pamusana pechitendero Abhurahamu akateerera paakadaidzwa kuti aende kunzvimbo yaainzi anozogamuchira senhaka. Pamusana pechitendero akabuda achienda kwaakanga asingazivi 9akagara munyika yechipikirwa somunhu anogara munyika isiri yake achigara mumatendhe naIsaki naJakobho, vagari venhaka pamwechete naye vechipikirwa chimwechetecho. 10Chikonzero ndechokuti aitarisira guta rine ugaro hwakasimba rakavakwa naMwari rakarongwa noumhizha hwake.
11Pamusana pechitendero Sara pachake akagamuchira simba rokubata pamuviri kunyange akanga apfuura pazera rokubereka nokuti akati iye akanga avatsidzira akatendeka. 12Nokudaro kubva pamunhu mumwechete uye akanga aita somunhu akafa akabereka vana vakawanda senyenyedzi dzedenga uye vasingaverengeki sejecha rapamahombekombe pegungwa.
13Ava vose vakafa vachitenda vasati vagamuchira zvavakanga vatsidzirwa asi vakanga vazviona vakazvikwaziza vachiri kure. Vakanga vazviona kuti vaenzi navatorwa panyika. 14Vanhu vanotaura vachidaro vanoratidza pachena kuti vari kutsvaka nyika yavo. 15Dai vakanga vachifunga nenyika yekwavakabva vangadai vakakwanisa kuwana mukana wokudzokerako. 16Asi sezvazviri vari kutosuwira nyika iri nani zvichireva nyika yokudenga. Ndokusaka Mwari asinganyari kunzi Mwari wavo nokuti akavagadzirira guta.
17Pamusana pechitendero Abhurahamu paakaedzwa akapira Isaki; nezvo munhu akanga atsidzirwa akanga oda kupira mwanakomana wake mumwechete oga 18iye akanga ambonzi zvizvarwa zvako zvichatumidzwa zita nokuna Isaki. 19Akafunga kuti Mwari anokwanisa kumutsa vanhu kunyange kurufu. Naizvozvo pakutaura, tingati akamugamuchirazve. 20Nechitendero Isaki akakumbirira Jakobho naEsau zvikomborero mune ramangwana. 21Pamusana pechitendero, Jakobho paakanga ava kufa akakomborera vana vaJosefi vose vari vaviri akakotamira pamusoro petsvimbo yake achinamata. 22Pamusana pechitendero Josefi, pakuguma koupenyu hwake akataura nezvekubuda kwavaIsiraeri akavaraira nezvamapfupa ake. 23Pamusana pechitendero Mosesi paakaberekwa akavanzwa navabereki vake kwemwedzi mitatu nokuti vakaona kuti aitarisika zvakanaka. Havana kutya chirevo chamambo. 24Pamusana pechitendero Mosesi paakanga akura akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao. 25Akatosarudza kuitirwa zvakaipa pamwechete navanhu vaMwari panze pokunakidzwa namafaro echitadzo. 26Akafunga kuti kuzvidzirwa Kristu upfumi hukuru kupinda upfumi hweIjipiti nokuti mwoyo wake wakanga uri kumubayiro. 27Pamusana pechitendero akasiya Ijipiti asingatyi hasha dzamambo achiita somunhu ari kuona iye Asingaoneki. 28Pamusana porudaviro akachengeta Pasika akasasa ropa kuitira kuti muparadzi wamatangwe arege kumbovabata–bata. 29Pamusana porudaviro vanhu vakayambuka Gungwa Dzvuku sokunge vari pasi pakaoma asi vaIjipiti pavakaedza kuita zvimwechetezvo vakanyura. 30Pamusana pechitendero rusvingo rweJeriko rwakaputsikira pasi mushure mokuritenderera mazuva manomwe. 31Pamusana pechitendero Rahabhu haana kuparara pamwepo navakanga vasingateereri nokuti akanga agamuchira zvakanaka vasori vaya.
32Ko ndotaura zvimwe zvipiko? Nguva haimbondibvumira kuti nditaure nezvaGidheoni naBharaki naSamusoni naJefuta nezvaDhavhidhi naSamueri uye nezvavaporofita 33vakakurira umambo noumambo pamusana pechitendero vakamanikidzira kuti pave noruenzaniso; vakagamuchira zvakanga zvatsidzwa. Vazarira 34miromo yeshumba vakadzima moto unoririma vapunyuka hondo yebakatwa vakawana simba muutera. Vakava nechivindi muhondo. Vakadzvamutsa hondo dzevechirudzi. 35Vakadzi vakagamuchira vakafa vavo vamuka muvakafa. Vamwe vavo vakaoneswa nhamo vachitoramba rusununguko kuti vazomuka vava noupenyu huri nani. 36Vamwe vavo vakatambura kunyombwa nokurohwa vakasungwa nengetani nokuiswa mujeri. 37Vakatakwa namatombo vakachekwa napakati vakauraiwa namapakatwa. Vakafamba vakapfeka matehwe ehwai neembudzi vasina chokubata. Vakaoneswa nhamo vachiitirwa zvakaipa. 38Nyika yakanga isingakodzeri kuva navo nezvo vakadzungaira mugwenga nomumakomo muzviro#11:38 Muzviro: Kana zvirau zvinogara matiro. nomapako enyika.
39Ivava vose kunyange zvavo vakanzi vanhu kwavo pamusana perutendo rwavo havana zvavo kugamuchira zvakatsidzirwa 40nokuda kokuti Mwari akanga afanoona zviri nani kwatiri kuti havakwanisi kururamiswa vasinesu.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 11: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.