VaHebheru Zviri mutsamba yokuvaHebheru
Zviri mutsamba yokuvaHebheru
Tsamba yokuvaHebheru ina manyorerwo ayowo ayakaitwa ari oga. Inoratidza mairi kuti yakanyorerwa vateveri vaJesu vakanga vavakuda kudzokerazve kuchiJudha kwavakanga vabva. Kuitira kuti munyori wetsamba iyi akwanise kuita izvi, anotaura mutsamba iyi nezvaJesu, achiratidza pachena kuti Jesu ndiye Mesia akanga akamirirwa navaJudha uye kuti iye pachake mukuru kuna vanhu vose vanotaurwa muBhaibhiri. Mukuru pana vatumwa vaMwari, mukuru pana vaporofita, mukuru pana Mosesi naJoshuwa. Upristi hwake hukuru pane upristi hwechitenderano chakare. Mukuru kuna Merekizedheki kunyange ari wegovero rake. Chitenderano chake chiri nani pano chakare. Basa rake raakaita iguru pana ose nokuti kare Mwari aitaura nokuvaporofita asi iye zvino akazotaura nokuMwanakomana wake uyo akauya akanunura vanhu nechibayiro chaiye pachake chinokunda zvose. Kuratidza ukuru hwake, Jesu akaenda akandogara kurudyi rwaMwari Samasimbaose achiratidza kuti iye ndiMwari.
Pamusana paizvozvi zvose tsamba iyi inokurudzira vanhu kuramba vakabatisisa chitendero chavo sezvakaitwa navazhinji vanodomwa namazita mutsamba iyoyi (11).
Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yokuvaHebheru
Kusuma: (1:1–4)
I: Mwanakomana mukuru kuna vatumwa vaMwari (1:5—2:18)
II: Jesu mupristi mukuru ane tsitsi akatendeka (3:1—5:10)
III: Upristi hwechokwadi hwaJesu Kristu (5:11—6:20)
a) Upristi hwaJesu hukuru pano upristi hwavaRevhi (7:1–28)
b) Upristi hwaJesu hukuru (8:1—9:28)
Chibayiro chaJesu chikuru kune zvibayiro zvomutemo waMosesi
Zvibayiro zvakare hazvichina basa (10:1–18)
IV: Kutsungarara muchitendero (10:19—12:29)
Nhamhidzirwa (13:1–25)
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru Zviri mutsamba yokuvaHebheru: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.