Isaya 16
16
Kupotera kwevokwaMoabhu kwaJudha
1Vanhu veMoabhu vari kuguta reSera riri kurenje
vakatumira hwayana kumutongi wenyika,
kugomo romukunda, guta reZioni.
2Seshiri dziri kupupurika,
samanyana amwararidzwa,
ndozvangoitawo vakunda veMoabhu
kumazambuko aArinoni, vachiti,
3“Tipeiwo mazano
mutiitirewo zvino ruenzaniso,
mumvuri wenyu uti gude gude sousiku
zuva richirova panhongonya,
mungovigiridzawo waro vasemwi,
musaburitse pachena vanenge vapotera.
4Regai zvenyu vasingadiwe kuMoabhu
vambotiwo garei zvavo pakati penyu
muve diziro ravo
rokuhwanda muparadzi.
Pachazenge zvamuperera
wokudzvinyirira vamwe uyu,
zvokuparadza izvi kusisina,
naiye nyakutsokodzera vamwe netsoka
atsakatika panyika,
5ndopachagadzikwa chigaro choumambo
chichimiswa nenyasha.
Pachiri, mumwe akatendeseka
wetendhe rokwaDhavhidhi achagarapo.
Iyeyo anenge ari munhu
anotonga akanangana noruenzaniso
uye anokurumidza kuita zvakarurama.”
6“Takanzwa nezvokuzvikudza kweMoabhu
nokudada kukuru kwayaiita;
nezvokuzvitutumadza kwayo
nokuzvitora kwainoita, nokutafura kwayo
kuzvizuwidza kwayo, hakuna chakunobatsira.”
7Naizvozvo Moabhu ngaizvicheme,
rungairai chaizvo kuchema,
munhu wose ngaacheme Moabhu,
ngavacheme zvambwa zvamagirepisi okuKirihareseti
8nokuti minda yokuHeshibhoni
neminda yamagirepisi yokuSibhuma yosvava,
madzishe edzindudzi
akakwazhura mapazi ayo
aisvika kana nokuJazeru
achirasikira nokugwenga uko;
nhungirwa dzacho dzichitandira uko nouko
dzichitopfuura zvadzo napamusoro pegungwa.
9Naizvozvo ndochema ini
sokuchema kuri kuita vokuJazeru,
kuchema minda yamagirepisi yokuSibhuma.
Ndinonyorovesa nemisodzi,
iwe guta reHeshibhoni newe guta reEreare
nokuti michero yako nezvaunokohwa muminda
zvawirwa nehondo.
10Zvokupembera nokufara izvi
zvabviswa mumunda unobereka.
Muminda yamagirepisi
hamuna rwiyo ruri kuimbwa
kana mhururu dzinorira
wokusvina waini, mokusvinira hapasisina
huro dzepajakwara rokusvina
dzachiti zii kunyarara.
11Naizvozvo mweya wangu uri kudandaura
sechipendani kuchema Moabhu,
nomwoyo wangu uchishungurudzirwa Kiriheresi.
12Moabhu painouya
ichizvitambudza kuuya
panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira
painouya kunzvimbo yayo inoera kuzonamata,
hapana chimuko kwairi.
13Iroro ndiro shoko rakanga rataurwa kare naTenzi rakanangana neMoabhu. 14Asi zvino Tenzi anoti,
“Mumakore matatu,
sezvinoita makore omunhu anoita marikicho,
mbiri yeMoabhu ichashorwa
kunyange zvazvo aine gurumwandira ravanhu iroro,
vachapunyuka rufu vacho
vachange vari vashoma
dziri ndonda zvadzo.”
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 16: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.