Isaya 22
22
Zvaizowira Jerusaremu mumafaro aro
1Herino shoko rakanangana neBani Rechiratidzo.
Ndochii chamaita ichochi chokukwira mudenga,
mose zvenyu pamatenga pedzimba kudaro
2iyewe uzere mheremhere
guta rebongozozo
guta ramafaro?
Vako vakaurayiwa,
havana kuita zvokuurayiwa nebakatwa
kana kufira muhondo.
3Vatongi vako vose zvavo
vati ware kutiza pamwechete,
asi vabatwa pasina kana kumboshandiswa uta.
Vako vose vangowanikwa, vabatwa,
kunyange vanga vatizira kure kure.
4Naizvozvo ini ndati,
“Ndifuratirei zvenyu
ndicheme zvangu misodzi yeropa.
Regai kuzvinetsa nokundinyaradza
pamusana pokuparara kwomukunda
wevanhu vokwangu, Jerusaremu.”
5Chiripo ndechokuti,
Tenzi Mwari wehondo nehondo
ane zuva rebongozozo
nokutsokodzera nemanyongori
mubani rechiratidzo,
rokuwondomorera pasi rusvingo
nokudaidzira kumakomo.
6Eramu ndoyakapakata mukutu
iine ngoro dzehondo nevarwi vemabhiza,
uye vaKiri voisa nhoo pachena.
7Mapani enyu akanakisisa
achiti shutu nengoro dzehondo,
varwi vemabhiza vamira panzvimbo dzavo
pamusuo mukuru.
8Abvisa changa chichidzivirira
vokwaJudha.
Nomusi iwoyo makandotarisa zvombo zvokurwisa nazvo zvokuImba yezvokuimbayesango 9mukaona kuti zvikanganiso zveGuta raDhavhidhi zvakanga zvakawanda mukandoteka mvura yokudziva rezasi. 10Mukaverenga dzimba dzomuJerusaremu mukapaza dzimba movakiridza rusvingo kurusimbisa. 11Makagadzira zigaringiro rokuchengetera mvura pakati petsvingo mbiri rokubata yomudziva rekare riya. Asi hamuna kutarisa kwaari iye nyakuriita kana kumbokendenga zvenyu nezvaiye akaronga kareko kuti rizoitwa.
12Pazuva iroro
Tenzi Mwari wehondo nehondo
akati vanhu vaungudze kuchema
vaine miparavara vakapfeka hanzu dzamasaga.
13Hoko kupembera nokusasana
pachibayiwa mombe nehwai
nokudyira-dyira nyama
nokunwira-nwira waini vachiti,
“Ngatidyei tinwe
nokuti mangwana tinofa.”
14Tenzi wehondo nehondo pachake
akandizivisa ndikazvinzwa nenzeve dzangu idzi kuti,
“Havambofa vakaregererwa
uipi ihwohwu
vanofa vakadaro,”
ndizvo zviri kutaurwa
naTenzi Mwari wehondo nehondo.
Kuyambirwa kwaShebhuna naMwari
15Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Chiuya uende kuna Shebhuna mutariri wokumuzinda umubvunze kuti, 16‘Chii chauri kuita pano? Waunovimba naye ndiani chaizvo kutozvicherera zvako guva mudombo kudai, iwe unotozvicherera zvako guva mudombo pamusorosoro kudaro uchitozvivezera imba mudombo nhai?’ 17Chinzwa, Tenzi achanyatsokuti hupukupu kukukanda kure, iyewe mukweshwa werume. Achanyatsokuti dzvi kukubata agokuvheyesa chamudzungururu 18agokupotsera sebhora munyika yakapamhama. Ikoko ndokwauchafira, ikoko ndokuchava nengoro dzako dzehondo dzamandiriri, iyewe nyakufumura imba yatenzi wako. 19Ndichakudzinga pabasa, ndigokubvisa pachigaro chako chaunacho. 20Pazuva iroro ndichadaidza muranda wangu Eriyakimu mwanakomana waHirikiya 21ndigomupfekedza gemenzi rako bhanhire rako ndirisunge paari ndigoisa ukuru hwako mumaoko ake, iye achizova baba wavagari vomuJerusaremu nevemba yokwaJudha. 22Iye ndiye wandichatakudza pamafudzi basa rokuva nekiyi dzemba yaDhavhidhi.
“Kana azarura,
hapana anokwanisa kuzarira,
Kana azarira
hapana anogona kuzurura.
23Ndichamuroverera sehoko panzvimbo yakanyatsosimba, achave noumambo hunopa mukurumbira kuimba yababa vake. 24Vemba yababa vake vachamuti memete vakarembera vose paari vana navazukuru semidziyo midiki yose yomumba kubvira kumakapu kusvikira kuzvirongo zvose zvikuru. 25Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, nomusi iwoyo hoko yakanga yarovererwa panzvimbo pakasimba ichazunguzika, ichatemwa igowa. Ipapo mutoro wakanga wakaiswa pairi uchaparadzwa, nokuti ndozvataurwa naTenzi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 22: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.