Isaya 31
31
Mwari ndiye anodzivirira nyika kwete munhu
1Vane nhamo vanhu
vanodzika kuIjipiti
kundotsvaka rubatsiro
vachivimba namabhiza,
vanovimba nengoro dzehondo
pamusana pokuwanda kwadzo,
vanovimba navarwi vamabhiza
pamusana pokuti vakasimba kwazvo
asi vasingatarisi
kuna iye Anoera weIsiraeri
kana kubvunza Tenzi.
2Asi ariye ane ungwaru,
ariiye anounza nhamo
anoti raareva ndiroro asingasanduke.
Achamukira imba yevaiti vezvakaipa
achirwisa vabatsiri vevanoita zvakaipa.
3VaIjipiti vanhu,
havasi Mwari
uye mabhiza avo ndinyama,
haasiri mweya.
Tenzi akatambanudza ruoko rwake
mubatsiri iye achatatarika
iye anobatsirwawo wacho achaputsika
vagoparara pamwechete;
4nokuti Tenzi akanditi,
“Sezvinoita shumba
kana kuti shumba ichiri kuzvinzwa
inohon'era mhuka yayabata
kana vafudzi vakokerwa kurwisa
haityisidzirwe nokuzhamba kwavo
kana kuvhundutswa noruzha rwavo.
Ndizvozvowo zvichaitwa
naTenzi wehondo nehondo,
achaburukira paGomo reZioni
kuzorwisa pachikomo charo.
5Sezvinoita shiri kudzengerera mudenga,
ndizvowo zvichaita Tenzi wehondo nehondo
achidzivirira Jerusaremu,
acharidzivirira achirinunura
achirichengetedza achiriponesa.”
6“Imi vanhu veIsiraeri pindukirai kuna iye wamakapandukira zvisingatauriki 7nokuti nezuva iroro munhu wose acharasa zvifananidzo zvake zvokunamata zvesirivha nezvifananidzo zvenyu zvokunamata zvendarama zvamakatadzira Mwari nazvo muchizviumbira imi namaoko enyu.
8“VaAsiria vachaparadzwa nebakatwa
asi risiri bakatwa romunhu richavaparadza,
vachatiza bakatwa
majaya avo agoiswa kubasa rechibharo.
9Iye dombo ravo achapfuura achitya
vakuru vakuru vavo vomuhondo
vachapomoka mureza nokutya,”
ndizvo zviri kutaurwa naTenzi
ane moto uri muZioni
ane vira romoto muJerusaremu.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 31: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.