Vatongi 1
1
I: KUSUMA ZVIRI MUBHUKU IRI KWOKUTANGISA
NHOROONDO MUCHIDIMU YOKUGOVERWA KWAVAISIRAERI POKUGARA MUKANANI
Kukurira kwakaita vedzinza rokwaJudha nerokwaSimeoni Adhonibhezeki
1Zvino kuzoti Joshuwa afa, vaIsiraeri vakabvunza kuna Tenzi vachiti, “Ndivanaani pakati pedu vanofanira kutanga kundorwisa vaKanani?” 2Tenzi akapindura achiti, “VokwaJudha ndivo vanoenda. Izvozvi ndakatoisa nyika iyoyo mumaoko avo.” 3VokwaJudha vakati kuhama dzavo dzokwaSimeoni, “Hendei tose kunyika yatakagoverwa, tindorwisa vaKanani, isu tizondorwawo saizvozvo pamwechete nemi kunyika yenyu yamakagoverwa.” VokwaSimeoni ndokubva vaenda navo. 4VokwaJudha vakaenda, Tenzi akaisa mumaoko avo vaKanani navaPerizi. Vakauraya varume gumi rezviuru kuBhezeki. 5Vakasvikira Adhonibhezeki ari kuBhezeki vakamurwisa vakakurira vaKanani navaPerizi. 6Adhonibhezeki ndokuti ware kutiza, asi vakamudzingirira, vakamubata, vakamudimura zvara zvake nezvigunwe zvake zvikuru.
Otineri anokurira guta reDhebhiri
7Adhonibhezeki akati, “Ndaiva namakumi manomwe amadzimambo andakanga ndakadimura zvara#1:7 Zvara: Ndizvo zvinonzi zvigunwe zvokumaoko navamwe. zvawo mumaoko nezvigunwe zvawo zvikuru, chokudya vachiita chokutonongerera pasi petafura yangu yandaidyira. Nhasi uno Mwari anditsiva zvandakavaitira.” Vakaenda naye kuJerusaremu akandofirako.
Vedzinza rokwaJudha vanokurira Jerusaremu neHebhuroni
8Varume vokwaJudha vakarwisawo Jerusaremu vakarikurira vakauraya vanhu vomo namapakatwa, vakaripisa nomoto.
9Shure kwaizvozvo varume vokwaJudha vakadzika, vakandorwisa vaKanani vaigara kunyika yamakomo, kuNegevhu nokunyika yokumanhika. 10Vakavinga vaKanani vaigara muguta reHebhuroni, raimbonzi Kiriatiaribha, vakakurira Sheshai naAhimani naTarimai.
11Vakabva ipapo vakavinga vanhu vaigara muguta reDhebhiri raimbonzi Kiriatiseferi. 12Karebhu akanga ati, “Anenge arwisa Kiriatiseferi akarikurira ndinomupa mwana wangu Akesa kuti ave mukadzi wake.” 13Otinieri mwanakomana waKenazi munun'una waKarebhu ndiye akarikurira. Karebhu ndokumupa mwanasikana wake Akesa kuti ave mukadzi wake.
14Akesa paakauya kwaari, akamukurudzira kuti akumbire baba vake munda. Mukadzi iyeye akajitika padhongi rake, baba vake vakati, “Unodeiko mwanangu.”
15Mukadzi uyu akati, “Zvamakandipa munda kuNegevhu, ndiitireiwo mwoyochena, mundipe zvisipiti zvemvura.” Karebhu ndokumupa zvisipiti zvemvura zveko zvokumusoro nezvisipiti zvezasi.
Kukurira kwaita dzinza raJudha neraBhenjamini
16VaKeni zvizvarwa zvokwavatezvara vaMosesi vakabva kuguta remirara#1:16 Guta remirara: Ndiro Jeriko. pamwechete nevokwaJudha, vakaenda kurenje rokwaJudha riri kuNegevhu pedyo neAradhi vakandogara pamwechete navanhu voko. 17VokwaJudha vakaenda nehama dzavo dzokwaSimeoni vakakurira vaKanani vaigara muguta reZefati, vakariparadza zvokuparadza zviya. Saka guta iroro rakazonzi Horuma. 18VokwaJudha ivava vakakurirawo guta reGaza namatunhu aro neAshikeroni namatunhu aro, neEkironi namatunhu aro. 19Tenzi akava nevokwaJudha vakatora nyika yamakomo ikava yavo. Asi vakatadza kudzinga vanhu vokumapani nokuti vakanga vaine ngoro dzehondo dzesimbi. 20Guta reHebhuroni rakapiwa kuna Karebhu sokutaura kwakanga kwaita Mosesi. Karebhu akadzingamo vanakomana vaAnaki vatatu. 21Asi vokwaBhenjamini vakatadza kudzinga vaJebhusi vaigara muguta reJerusaremu. Saka vaJebhusi vagere muJerusaremu pamwechete nevokwaBhenjamini nanhasi uno.
Vedzinza raEfuraimu neraManase vanokurira Bhetieri
22Vemba yokwaJosefi vakakwira kundorwisa Bhetieri Tenzi aiva navo. 23Vemba yokwaJosefi ivava vakatuma vanhu kundosora muguta reBhetieri. Kare zita reguta irori raimbonzi Ruzi. 24Vasori ivavo vakaona murume akanga achibuda muguta imomo vakati kwaari, “Tiratidzewo panopindwa napo muguta, isu tigozokunzwirawo tsitsi.” 25Akavaratidza paipindwa napo muguta iroro. Vakauraya vomuguta imomo namapakatwa. Asi vakarega murume uya kuti aende zvake nemhuri yake. 26Murume uyu akaenda kunyika yavaHiti. Akavaka guta ikoko, akaritumidza zita rokuti Ruzi ndiro zita raro nanhasi uno.
Vanhu vasina kudzingwa munyika dzavo navaIsiraeri
27VokwaManase havana kudzinga vagari vomumaguta aya anoti: Bhetisheani nemisha yaro, kwouya Taanaki nemisha yaro, kwochiti Dhori nemisha yaro kwoti Ibhereamu nemisha yaro kwozoti Megidho nemisha yaro. Asi vaKanani vakaramba vangotsungisawo mwoyo kugara munyika imomo. 28VaIsiraeri pavakanga vava vanhu vane simba vakaitisa vaKanani basa rechibharo. Asi havana kubva vavadzinga zvokuvapedzeredza.
29VokwaEfuraimu havanawo kudzinga vaKanani vaigara muGezeri. Asi vaKanani vakagara zvavo muGezeri mukati mavo.
30VokwaZebhuruniwo havana kudzinga vagari vomuKitironi, kana vagari vomuNaharori. Asi vaKanani vakagara mukati mavo vokwaZebhuruni vakavabatisa chibharo.
31VokwaAsheri havanawo kudzinga vagari vomuAko kana vagari vomuSidhoni, kanawo vagari vomuAhirabhu, kanawo vomuAkizibhu, kana vomuHeribha kana vomuAfiki, kunyange vomuRehobhu. 32Asi vokwaAsheri ivava vakatogara zvavo mukati mavaKanani, vagari vomunyika iyoyo nokuti havana kuvadzinganisa.
33VokwaNafutari havana kudzinga vagari vomuguta iri reBhetishemeshi, kana vagari vomuBhetianati, asi vakatogara zvavo mukati mavaKanani, vagari vomunyika iyoyo. Asi ivo vagari vomuBhetishemeshi nevomuBhetianati vaibatiswa chibharo.
34VaAmori vakasundira vokwaDhani kunyika yamakomo nokuti havana kuvabvumidza kuburuka kubani. 35VaAmori vakaramba vakatsungisa mwoyo kugara kugomo reHeresi nomuAijaroni nomuShaaribhimu. Asi vemba yokwaJosefi vakavakurira vakavabatisa chibharo.
36Muganho wenyika yevaAmori waibvira kumupata weAkirabhimu woenda nokuSera zvichingokwira zvakangodaro.
Zvasarudzwa nguva ino
Vatongi 1: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.