Jeremiya 21
21
C: KUPOROFITA ZVOKUKUNDWA KWEJERUSAREMU NANEBHUKADHIREZA
1Herinoi shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi, mambo Zedhekiya paakatuma kwaari Pashuri mwanakomana wokwaMarikiya nomupristi Zefaniya mwanakomana wokwaMaaseya neshoko rokuti, 2“Tibvunzireiwo kuna Tenzi tinzwe kuti anoti kudii nokuti Nebhukadhireza mambo weBhabhironi ari kurwa hondo nesu. Zvimwe Tenzi angadaro akatiitira zvinoshamisa zvose zvaanosiita akaita kuti asiyane nesu aende.”
3Jeremiya akabva ati kwavari, 4“Endai mundotaurira Zedhekiya kuti, zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ndichaita kuti zvombo zvehondo zvamakapakata mumaoko menyu zvamuri kurwisa nazvo mambo weBhabhironi muchirwisa vanhu vechiKaradhia vakakukombai nechokunze kwetsvingo zvikupindukirei. Ndichazviunganidza pamwechete mukati meguta rino. 5Ini ndichakurwisai noukuru hwangu nesimba guru roruoko rwangu ndakaviruka nehasha ndakashatirwa zvikuru kwazvo. 6Izvozvo ndicharova vagari veguta rino, vanhu pamwechete nemhuka zvichafa nedenda guru. 7Zvanzi naTenzi, mushure mezvo ndichaisa Zedhekiya mambo wokwaJudha namakurukota ake navanhu vomuguta rino vachapunyuka kudenda nokubakatwa nokushangwa yenzara mumaoko maNebhukadhireza mambo weBhabhironi, uye mumaoko mavavengi vavo, nomumaoko mavanhu vanotsvaga kupfuudza upenyu hwavo. Achavarakasha nebakatwa asinganzwire tsitsi kana kuvasiya vari vapenyu kana kuvaitira tsiye nyoro.”
8Kuvanhu ivava ava enda undoti, “Zvanzi naTenzi, chinzwai, ndaisa pamberi penyu, uku nzira yokuupenyu uku nzira yokurufu. 9Anenge agara muguta rino achafa nebakatwa neshangwa yenzara nedenda. Asi anenge abuda kundozviisa mumaoko avaKaridhea vakakukombai achararama uye upenyu hwake ndohwaachawana somubayiro wehondo 10nokuti zvino ndanyatsotarisana chaizvo neguta rino kuti ndiripinze nhamo kwete kuriitira zvakanaka. Ndizvo zviri kutaura Tenzi, richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi acharipisa nomoto.”
Zvakatemerwa vokumba huru yokwaJudha
11Kune vemba yamambo wokwaJudha, “Inzwai shoko raTenzi 12imi vemba yokwaDhavhidhi! Zvanzi naTenzi:
“Tongai zvine ruenzaniso
achiri mangwanani,
mununure waro mumaoko
omunhu anoonesa vamwe ndondo;
munhu anenge apambwa
ndingadaro ndikaviruka nehasha somoto
unopisa usina angaudzimure
pamusana pezviito zvenyu zvakaipa.
13“Zvanzi naTenzi, chinzwa,
izvozvi handichawirirana newe
iwe mugari womubani,
iwe dombo romubani.
Imi munozviti,
‘Ndiani chaizvo angadzike kuzotidenha,
ndiani chaizvo angapinde mudzimba dzedu isu?’
14“Ndichakuranga zvakakodzerana
nezvinobva mukuita kwako,
ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Ndichabatidza moto mumasango mako#21:14 Mumasango mako: ChiHebheru chinoti mumasango ake.
ucharoromesa zvose zviri munharaunda yako.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 21: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.