Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 30

30
C: BHUKU ROKUNYARADZA VANHU VAMWARI
Tenzi anovimbisa kusunungura nhapwa
1Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi richiti, 2“Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, nyora mubhuku mashoko ose andakakutaurira 3nokuti zvanzi naTenzi mazuva ari kuuya andichadzosera vanhu vangu vokwaIsiraeri nevokwaJudha makomborero, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Uye ndichavaunzazve kunyika yandakapa kumadzibaba avo vagoiitazve yavo.”
4Aya mazwi akataurwa naTenzi achireva nezvevokwaIsiraeri novokwaJudha:
5“Zvanzi naTenzi,
‘Takanzwa mhere inodederesa
inotyisa isina rugare.’
6“Imbobvunzai zvenyu muzvione,
munhurume angapone mwana here?
Zvamboita sei chaizvo kuti ini ndione
murume wose akabata chiuno namaoko
somukadzi ari pakusununguka?
Uso hwomunhu wose kuchenuruka kudai
zvaita sei chaizvo?
7“Hezvino ndakadai,
‘Zuva iroro izuva guru,
hakuna kana nerimwe rakaita sairoro,
inguva yenhamo chaiyo kune vokwaJakobho
asi vachanunurwa zvavo mariri.’ ”
8Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Musi iwoyo zvichaitika ndezvokuti ndichatyora joko ndichiribvisa mumutsipa mavo uye ndichagwishura tambo dzenyu,#30:8 Dzenyu: ChiGiriki nechiRatini chinoti... “Dzavo...” vechirudzi havazombova madzichangamire avo.
9“Asi kutoti vachashandira Tenzi, Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo wandichavamutsira.
10“Zvino iwe Jakobho,
muranda wangu,
rega zvako kutya,
kana kudumbirwa nazvo iwe Isiraeri,
ndizvo zviri kutaurwa naTenzi,
nokuti, chionai, ndichakununurai
ikoko kunzvimbo iri kure.
Vana vako ndichavanunura
munyika youranda hwavo.
VokwaJakobho vachadzoka
vavave norunyararo norudekaro,
hapana achavatyisidzira
11nokuti ndinemi
kuitira kuti ndikununurei,
ndizvo zvinorehwa naTenzi.
Nokuti marudzi ekwandakakumwararidzai ndichaaparadza
imi handisi kuzokuparadzai zvachose,
asi ndichakurangaiwo nemwerowo wakafanira,
handisi kuzokuregai musina kurangwa.”
12Chikonzero ndechokuti, zvanzi naTenzi,
“Kukuvara kwenyu hakucharapiki,
ronda renyu rakakurisisa.
13Chichemo chako hachina achapipirira,
hapana mushonga weronda rako,
zvokupora haupore.
14“Vadiwa vako vose vakukanganwa,
havana kana hanya newe
nokuti ndakakurova nokurova kwomuvengi,
chirango chomuvengi ane utsinye
nokuti mhosva yako ihuru,
nokuti zvitadzo zvako zvakawanda.
15Chaunochema kukuvadzwa kwako chii?
Marwadzo ako haachapora
Pamusana pokukura kwemhosva yako,
pamusanawo pokuwanda kwezvitadzo zvako,
ndokusaka ndakaitawo izvozvi kwauri.
16“Naizvozvo vose vanokuparadza vachaparadzwawo,
uye vavengi vako vose zvavo,
mumwe nomumwe wavo vachaenda kuutapwa.
Vanokupamba iwe vachavawo nhapwa.
Vose vanokuita nyama yamagora
ini ndichavaitawo nyama yamagora
17nokuti ndichakudzosera utano hwako
maronda ako ndichiaporesa
ndizvo zviri kutaura Tenzi pamusana pokuti
vakakutumidza kuti ‘Musemwa.’ Vachitokuti,
‘Zionimurambwanavose.’ ”
18Zvanzi naTenzi,
“Chionai, ndichadzosera makomborero
omumatende evokwaJakobho
ndichiitira ngoni mavo mavagere.
Guta richavakwa pachimudhuri charo
muzindawo uchamira pawaiva.
19“Mazviri muchabuda nziyo dzokutenda
nezhowezhowe ravaiti vemafaro.
Ndichaita kuti vawande
havasi kuzombova vashoma.
Ndichaita kuti varemekedzwe
vachange vasiri vanhuwo zvavo.
20Vana vavo vachaita zvavakanga vari kare,
gungano ravo richadzikazve midzi paneni
iniwo ndicharanga vose vanovaonesa nhamo.
21“Jinda ravo richange riri mumwe wavo ivo,
mutongi wavo achimuka mukati mavo imomo.
Ndichamuswededza pedyo iye agobvawo asvika pandiri
nokuti ndiani chaizvo angabva atofemera hake
kusvika pandiri? Ndozviri kutaura Tenzi.
22Muchavawo vanhu vangu
ini ndichivawo Mwari wenyu.”
23Hero dutu remhepo raTenzi
rovhuvhuta rakashatirwa chaizvo
riri chamupupuri chaicho chine simba
chichaputikira musoro wavanhu vakaipa.
24Hasha dzinotyisa dzaTenzi hadzimboserera
kusvikira atopedza kuita
zvaakaronga mumwoyo make.
Mumazuva anotevera acho
munozonyatsozvinzwisisisa kwazvo.

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremiya 30: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda