Jeremiya 45
45
Chivimbiso chaTenzi kuna Bharuku
1Shoko romuporofita Jeremiya raakataurira Bharuku mwanakomana waNeriya paakanyora mashoko aya mubhuku achiaudzwa naJeremiya mugore rechina rokutonga kwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha, 2achiti, “Zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri, kwauri iwe Bharuku: 3wakati iwe, ‘Ndine nhamo ini nokuti Tenzi akawedzera kusuwa pakurwadziwa kwangu. Ndaneta nokugomera kwangu, handiwani zororo.’ 4Saka taura izvozvo kwaari uchiti, Zvanzi naTenzi, Chinzwa, zvandakavaka zviya ndava kuzozvipaza uye zvandakasima ndava kuzozvidzura zvichireva nyika yose. 5Imi munozvitsvakira zvinhu zvikuru here? Regai kuzvitsvaka nokuti chionai, ndava kuzounza nhamo kuzvisikwa zvose, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Asi iwe ndichaita kuti upunyuke noupenyu hwako.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 45: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: