Jeremiya 46
46
V: ZVAAKAONESWA JEREMIYA ZVINONANGANA NEVECHIRUDZI UDORONGOSHWA HWEZVAAKAONESWA
1Izwi raTenzi rakauya kuna Jeremiya richitaura nezvevanhu vechirudzi.
Zvakaoneswa Jeremiya nehondo yakazokurira vaIjipiti
2Zvakanangana neIjipiti: shoko rakataura richinangana nehondo yavarwi yaFarao anonzi Neko, mambo weIjipiti yakanga iri pedyo nerwizi rwaYufuratesi paKarikemishi, hondo iya yakazokurirwa naNebhukadhireza mambo weBhabhironi mugore rechina rokutonga kwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha; rakauya richiti:
3“Gadzirirai nhoo duku nehuru
muende kundorwa hondo!
4Sungai mabhiza,
chitasvai imi vatasvi vamabhiza.
Mirai makarongana mumutsetse
heremende dzenyu dziri mumusoro.
Nyatsokwenenzverai kurodza mapfumo enyu.
Shongai mademautare enyu
okuzvidzivirira nawo muhondo!
5“Ko zvandava kuonazve izvi?
Vapazama musoro,
yava tsoka ndibereke kutiza.
Varwi vavo vakurirwa
chava chipatapata kutiza.
Zvokucheuka hapasisina,
zvinotyisa zvavakomberana
ndozviri kutaura Tenzi.
6“Shasha dzokumhanya semhepo
hadzimbogona kupatiza,
kana murwi wehondo haapapunyuki,
kuchamhembe kurwizi rwaYufuratesi
vari kugumburwa vachiputsika.
7“Ndiani uyu ari kututumuka seNairi,
senzizi dzafashukira nemvura mhiri nemhiri?
8Ijipiti yatutumuka saNairi
senzizi dzafashukira mhiri nemhiri.
Yakazviti ndichasumuka
pasi pano ndipati fuse fuse kukwidibira
ndichiparadza maguta navagari vemo.
9“Imi mabhiza chipindai muhondo,
imi ngoro dzehondo chitii sika sika.
Varwi vehondo ngavabudewo,
vanhu vokuItiopia nokuPuti
vanopakata nhoo
navanhu vokuRudhi
nyanzvi dzokupakata uta.”
10Musi iwoyo, izuva raMwari,
Tenzi wehondo nehondo,
zuva rokutsividza
rokuti iye azvitsividze vavengi vake.
Bakatwa richaparadza rikatoguta haro,
richaguta kudutira ropa ravo.
Nokuti Tenzi Mwari wehondo nehondo
ari kupira chibayiro
anoriita zuva guru rechibayiro kunyika yokuchamhembe
pedyo nerwizi rwaYufuratesi.
11Kwidzai kuGireadhi
mundotorako mushonga webharimu
iwe mwanasikana mhandara, Ijipiti.
Inga wakatamburira pasina
kuzvirapa nemishonga yakawanda,
zvokuti upore hazviiti.
12Ndudzi dzavanhu dzakanzwa
guhu rokunyadziswa kwako;
pasi pano pazara mhere yako
nokuti varwi vehondo vakaita mawiramombe
vachibva vati pamwechete pasi rikiti.
Kufanotaura zvokuuya kwamambo Nebhukadhineza
13Shoko iri rakataurwa naTenzi kumuporofita Jeremiya richireva nezvokuuya kwaNebhukadhireza, mambo weBhabhironi kuzorova nyika yeIjipiti, rakati:
14“Paridzai muIjipiti
muzivise vanhu muguta reMigidhori
muudze vanhu muMemufisi
nomuTahipanhesi muti,
‘Mirai makagadzirira, sungai dzisimbe
nokuti bakatwa richaparadza
munharaunda menyu kutenderera.’
15Zvauya sei kuti Apisi utize.
Handira yako yakatadza
kumira sei?#46:15 Yakatadza kumira sei: Mutsara iwoyu muchiGiriki unonzi, “Ko Apisi azopatizirei?”
Nokuti yakarigirwa pasi naTenzi.
16“Aita kuti vazhinji venyu
vatatarike vachiwira pasi#46:16 Vatatarike vachiwira pasi: Kana kuti, “Vazhinji venyu vatatarika...”
vakataurirana vachiti,
‘Ngatisimukei tidzokere kune vokwedu
kunyika yedu kwatakaberekerwa.
Pamusana pebakatwa romudzvinyiriri.’
17“Daidzai Farao,
mambo weIjipiti zita rokuti,
‘Nyamheremhereanopedzeranguvamukuzuwa.’
18“Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kureva Mambo
ane zita rinonzi Tenzi wehondo nehondo
kune mumwe achauya akati dzu-u
segomo reTabhori mukati memakomo
uye segomo reKameri pedyo negungwa?
19“Imi vagari veIjipiti sungai mikwende
mugadzirire kuenda kuutapwa
nokuti Memufisi ichava zvayo
dongo risina ageremo.
20Ijipiti itsiru rinoyevedza
asi imwe mbuwo #46:20 Mbuwo: Vamwe vanoti, “Mbuve, wawo.” yokuchamhembe
yachiti naro tsvome tsvome.
21“Kunyange varwi vanorwira kubhadhara
vava sezvigondora zvakakodzwa.
Hongu, vapira gotsi,
vachiti ware kutiza pamwechete,
havana kumbopamira
nokuti zuva ravo renhamo ravasvikira,
nguva yokurangwa kwavo.
22“Ijipiti, iri kushona
senyoka yozvongonyoka ichienda
nokuti vavengi vayo,
varivinga vakabopa
vari kuuya vakaribatira matemo savatemi vemiti.
23Vachatema sango rake,
ndizvo zviri kutaura Tenzi,
kunyange zvazvo risingadimuriki nomo
nokuti ivo pasi mhashu dzinosara kuwanda, havaverengeki.
24“Iye mukunda, Ijipiti achafumurwa
achaiswa mumaoko mavanhu vokuchamhembe.”
25Tenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri ati: “Chinzwai, ndava kuunza shamhu yangu yokuranga Amoni anoereswa kuTebhesi pamwechete naFarao neIjipiti navamwari vayo namadzimambo ayo, pana iye Farao navanovimba naye. 26Ndichavaisa mumaoko mavanhu vanovavira kuvapfuudza upenyu, mumaoko maNebhukadhireza mambo weBhabhironi namakurukota ake. Gare gare Ijipiti ichazogarwa zvayo sapamazuva ayo akare ndizvo zvareva Tenzi.”
Tenzi anonunura vanhu vake
27Asi rega hako kutya
iwe Jakobho muranda wangu
kana kukangaidzwa zvako
iwe Isiraeri
nokuti tarira, ndichakununura kure ikoko
uye zvizvarwa zvako
kunyika yavari youtapwa.
Jakobho achadzoka
agova muchechetere mvura yeguvi;
pasisina anomutyisidzira.
28Zvanzi naTenzi,
“Usatye hako iwe Jakobho muranda wangu
nokuti ndinewe.
Ndichanyatsoparadza ndudzi dzose,
dzokwandakakutinhira.
Asi iwe handibva ndanyatsokuparadza
Ndichakuranga zviri pamwero chaipo
Handimborega kukuranga.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 46: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: