Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya Zviri mubhuku rino

Zviri mubhuku rino
Muporofita Jeremiya akadaidzwa naMwari kuti azotaura zvaainge atumwa naMwari kutaura kuvanhu vake vechiIsiraeri. Pane zvinhu zviviri zvikuru zvaitsoropodza nazvo vanhu seshoko raibva kuna Mwari. Chokutanga chaiva kutyora chitenderano chokuSinai. Chechipiri chaiva kunamata vamwari vasiriivo. Jeremiya aivayambira kuti vachaona nhamo yokutapwa. Bhabhironi yakauya ikaparadza Jerusaremu ikatapa vanhu iye achizviona mumakore 597 na 587 K.A.A.
Zvikuru zvikuru zvaanodzidzisa zvinowanikwa mundima idzi. Imomo anotsoropodza chitendero chavo chisina maturo, kusateerera nokusachengeta chitenderano naMwari, kusatendeka kwavo sepfambi pamusana pokupfugamira vachinamata vamwe vamwari vasingachengeti Sabata uye kuteerera vaporofita venhema. Aiti nyika ichawana Sabata kana vanhu vatapwa pamwechete namadzimambo avo kwamakore makumi manomwe (2—45). Pamusana pokutaura kwake akavengwa namadzimambo, navapristi navaporofita (26–45) zvichizoita kuti Jeremiya ave zvechokwadi munhu wenhamo.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raJeremiya
Kudaidzwa kwaJeremiya (1:1–19)
Kuporofita kwaJeremiya munguva yaJosiya naJekoniya naJehoyakini naZedhekiya (2:1—25:38)
Zvakaitika muupenyu hwaJeremiya (26:1—45:5)
Chiporofita chakanangana namarudzi ose (46:1—51:64)
Kuparara kweJerusaremu (52:1–34)

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda