Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 17:1-26

Johani 17:1-26 SCLBD

Jesu paakapedza kutaura izvi akatarisa kudenga akati, “Baba nguva iya yazosvika. Chipai Mwanakomana mukurumbira kuti iyewo Mwanakomana akuwanisei mukurumbira nokuti makamupa simba pamusoro pavanhu vose kuti ape upenyu husingaperi kuna vose vamakamupa. Uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuziva imi Mwari mumwechete wechokwadi naJesu Kristu wamakatuma. Ndakakuwanisai mukurumbira panyika nokupedza kwandakaita basa ramakandipa kuti ndiite. “Zvino Baba chindipaiwo mbiri mberi kwenyu mbiri iya yandaiva nayo ndiinemi pasi pasati pavapo. “Ndakakuzivisai kuvanhu vamakandipa panyika; vakanga vari venyu mukavapa kwandiri uye vakachengeta izwi renyu. Zvino vavakuziva kuti zvose zvamakandipa zvakabva kwamuri. Nokuti ndakavapa mazwi amakandipa uye vakaagamuchira, vakaziva kuti zvechokwadi ndakabva kwamuri uye vakadavira kuti ndimi makandituma. Ndiri kuvanamatira, handisi kunamatira pasi asi avo vamakandipa nokuti ndevenyu. Zvose zvangu ndezvenyu uye zvenyu ndezvangu uyezve ndinowana mbiri mavari. Zvino handichisiri pasi pano asi ivo vari pasi pano ini ndavakuuya kwamuri. Baba vatsvene, vanhu vamakandipa vachengetei muzita renyu. Pandakanga ndiinavo vanhu vamakandipa ndakavachengeta muzita renyu. Ndakavachengetedza zvokuti hapana akarasika kusiya uya wekashambwa kokuraswa kuti Magwaro Matsvene azadzikiswe. Asi zvino ndavakuuya kwamuri ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri pasi pano kuti kufara kwangu kunyatsozara chaizvo mavari. Inini ndakavapa shoko renyu, pasi pakavavenga nokuti havasi vapasi pano sezvandisiriwo wapasi pano. Handisi kunamatira kuti muvabvise pasi pano asi kuti muvadzivirire kune wakaipa uya. Havasi vapasi pano sezvandisiriwo wapasi pano. Vaitei kuti vave vatsvene muchokwadi izwi renyu ichokwadi. Sokundituma kwamakaita pasi pano neniwo ndavakuvatuma kupasi pose. Nokuda kwavo ndinozvipira kuti ivo vazvipirewo kuchokwadi. “Handinamatire ava bedzi asi ndinonamatira avo vachatenda mandiri pamusana pezwi ravo. Kuti vose zvavo vave vamwechete sezvakangoita kuti imi Baba muri mandiri ini ndiri mamuri ivowo ngavave matiri kuti pasi padavire kuti imi ndimi makandituma. Mbiri yamakandipa ndakavapawo kuti vave vamwechete sesu tiri vamwechete. Ini ndiri mavari imi muri mandiri vanyatsova vamwechete, kuti pasi pazive kuti imi ndimi makandituma mukavada sokundida kwamakaita. “Baba ndinodawo kuti avo vamakandipa vave kwandinenge ndiri vaonewo mbiri yangu yamakandipa pamusana porudo rwenyu kwandiri pasi pasati pavapo. Baba makarurama, pasi hapana kukuzivai asi ini ndakakuzivai uye ava vanoziva kuti makandituma. Ndakaita kuti vazive zita renyu uye ndichaita kuti rizivikanwe kuti rudo rwamakandida narwo ruvewo mavari uyewo kuti iniwo ndive mavari.”

Verenga chikamu Johani 17