Johani 17:1-26
Johani 17:1-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati ataura izvi, akatarira kudenga akanyengetera achiti: “Baba, nguva yasvika. Kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyu akukudzei. Nokuti makamupa simba pamusoro pavanhu vose kuti ape upenyu husingaperi kuna vose vamakamupa. Zvino uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuti vakuzivei imi, Mwari oga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma. Ndakauyisa kukudzwa kwamuri panyika nokuti ndakapedza basa ramakandipa kuti ndiite. Zvino, Baba, ndikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako ndinemi nyika isati yavambwa. “Ndakaratidza zita renyu kuna avo vamakandipa panyika. Vakanga vari venyu; mukavapa kwandiri uye vakateerera shoko renyu. Zvino vanoziva kuti zvinhu zvose zvamakandipa zvinobva kwamuri. Nokuti ndakavapa mashoko amakandipa uye vakaagamuchira. Vakaziva zvechokwadi kuti ndakabva kwamuri, uye vakatenda kuti makandituma. Ndinovanyengeterera. Handisi kunyengeterera nyika, asi avo vamakandipa nokuti ndevenyu. Zvose zvandinazvo ndezvenyu, uye zvose zvamunazvo ndezvangu. Uye kukudzwa kwakauya kwandiri kubudikidza navo. Ini handichagarizve munyika, asi ivo vachiri munyika, uye ini ndiri kuuya kwamuri. Baba Vatsvene, vadzivirirei nesimba rezita renyu, zita ramakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe. Pandainge ndiinavo, ndakavadzivirira uye ndikavachengeta zvakanaka nezita ramakandipa. Hakuna akarasika kunze kwouyo akatongerwa kuparadzwa kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe. “Zvino ini ndiri kuuya kwamuri, asi ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri munyika, kuitira kuti vave nomufaro wangu wakazara mukati mavo. Ndakavapa shoko renyu uye nyika yakavavenga, nokuti havachisiri venyika sezvandisiri wenyika. Munyengetero wangu hausi wokuti muvabvise panyika asi kuti muvadzivirire pane akaipa. Havasi venyika, seni ndisiri wenyika. Vaitei vatsvene nechokwadi chenyu; shoko renyu ndiro chokwadi. Sezvamakandituma munyika, neniwo ndakavatuma munyika. Nokuda kwavo ndinozviita mutsvene, kuti naivowo vaitwe vatsvene muzvokwadi. “Munyengetero wangu hausi waava voga. Ndinonyengetererawo avo vachazotenda kwandiri kubudikidza nemharidzo yavo, kuti vose vave vamwe, Baba, sezvo imi muri mandiri uye ini ndiri mamuri. Naivowo ngavave matiri kuitira kuti nyika igotenda kuti makandituma. Ndakavapa kubwinya kuya kwamakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe: imi mavari uye imi mandiri. Ngavakwaniswe muhumwe kuti nyika izive kuti makandituma uye makavada kunyange sezvamakandida ini. “Baba, ndinoda kuti vaya vamakandipa vave neni pandinenge ndiri, uye kuti vaone kubwinya kwangu, iko kubwinya kwamakandipa nokuti makandida nyika isati yasikwa. “Baba vakarurama, kunyange nyika isingakuziviyi, ini ndinokuzivai, uye ivo vanoziva kuti makandituma. Ndakakuzivisai kwavari, uye ndicharamba ndichiita kuti vakuzivei kuitira kuti rudo rwamakandida narwo rwuve mavari uye kuti ini pachangu ndive mavari.”
Johani 17:1-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akataura izvozvi, akatarira kudenga, akati, “Baba, nguva yasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana akukudzei imi, sezvamakamupa simba pamusoro pevanhu vose, kuti vose vamakamupa, avape upenyu husingaperi. Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari ari oga wechokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma. Ndakakukudzai panyika, ndapedza basa ramakandipa kuti ndiriite. Zvino imi baba, mundikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako kwamuri, nyika isati yavapo. “Ndakaratidza vanhu, vamakandipa panyika, zita renyu. Vakanga vari venyu, mukandipa ivo, vakachengeta shoko renyu. Zvino vanoziva kuti zvose-zvose, zvamakandipa, zvinobva kwamuri. Nokuti ndakavapa mashoko amakandipa, vakaagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabva kwamuri, vakatenda kuti ndakatumwa nemi. “Ndinovanyengeterera ivo; handinyengetereri nyika, asi ivo vamakandipa, nokuti ndivo venyu. Zvose zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; ndakudzwa mavari. Ini handichiri munyika, asi ivo vari munyika; ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, muvachengete muzita renyu, ramakandipa, kuti vave vamwe, sesu. Ndichiri navo, ini ndaivachengeta muzita renyu, ramakandipa; hapana mumwe wavo wakarasika, asi mwanakomana wokuraswa, kuti Rugwaro ruitike. Asi zvino ndouya kwamuri; ndinotaura izvi panyika, kuti vave nomufaro wangu, wakazadzika mavari. “Ini ndakavapa shoko renyu nyika ikavavenga, nokuti havasi venyika, seni ndisi wenyika. Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete panowakaipa. Havasi venyika, seni ndisi wenyika. “Muvaite vatsvene muchokwadi; shoko renyu ichokwadi. Sezvamakandituma panyika imi, saizvozvo neni ndakavatuma panyika. Ndinozviita mutsvene nokuda kwavo, kuti naivo vaitwe vatsvene muchokwadi. “Handinyengetereri ava bedzi, asi naivo vanotendawo kwandiri neshoko ravo, kuti vose vave vamwe; semi baba muri mandiri, neni mamuri; kuti naivo vave matiri, kuti nyika itende kuti makandituma. “Neni ndakavapa kubwinya kwamakandipa; kuti vave vamwe, sesu tiri vamwe; ini mavari, nemi mandiri, vakwaniswe kuva vamwe; kuti nyika izive kuti makandituma, uye kuti makavada sezvamakandida ini. “Baba ndinoda kuti avo vamakandipa, vavewo neni apo pandiri, kuti vaone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida nyika isati yavambwa. “Baba vakarurama, nyika haina kukuzivai; asi ini ndakakuzivai, naivava vakaziva kuti makandituma. Ndakavazivisa zita renyu, uye ndicharizivisa, kuti rudo, rwamakandida narwo, ruve mavari, neni ndive mavari.”
Johani 17:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakapedza kutaura izvi akatarisa kudenga akati, “Baba nguva iya yazosvika. Chipai Mwanakomana mukurumbira kuti iyewo Mwanakomana akuwanisei mukurumbira nokuti makamupa simba pamusoro pavanhu vose kuti ape upenyu husingaperi kuna vose vamakamupa. Uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuziva imi Mwari mumwechete wechokwadi naJesu Kristu wamakatuma. Ndakakuwanisai mukurumbira panyika nokupedza kwandakaita basa ramakandipa kuti ndiite. “Zvino Baba chindipaiwo mbiri mberi kwenyu mbiri iya yandaiva nayo ndiinemi pasi pasati pavapo. “Ndakakuzivisai kuvanhu vamakandipa panyika; vakanga vari venyu mukavapa kwandiri uye vakachengeta izwi renyu. Zvino vavakuziva kuti zvose zvamakandipa zvakabva kwamuri. Nokuti ndakavapa mazwi amakandipa uye vakaagamuchira, vakaziva kuti zvechokwadi ndakabva kwamuri uye vakadavira kuti ndimi makandituma. Ndiri kuvanamatira, handisi kunamatira pasi asi avo vamakandipa nokuti ndevenyu. Zvose zvangu ndezvenyu uye zvenyu ndezvangu uyezve ndinowana mbiri mavari. Zvino handichisiri pasi pano asi ivo vari pasi pano ini ndavakuuya kwamuri. Baba vatsvene, vanhu vamakandipa vachengetei muzita renyu. Pandakanga ndiinavo vanhu vamakandipa ndakavachengeta muzita renyu. Ndakavachengetedza zvokuti hapana akarasika kusiya uya wekashambwa kokuraswa kuti Magwaro Matsvene azadzikiswe. Asi zvino ndavakuuya kwamuri ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri pasi pano kuti kufara kwangu kunyatsozara chaizvo mavari. Inini ndakavapa shoko renyu, pasi pakavavenga nokuti havasi vapasi pano sezvandisiriwo wapasi pano. Handisi kunamatira kuti muvabvise pasi pano asi kuti muvadzivirire kune wakaipa uya. Havasi vapasi pano sezvandisiriwo wapasi pano. Vaitei kuti vave vatsvene muchokwadi izwi renyu ichokwadi. Sokundituma kwamakaita pasi pano neniwo ndavakuvatuma kupasi pose. Nokuda kwavo ndinozvipira kuti ivo vazvipirewo kuchokwadi. “Handinamatire ava bedzi asi ndinonamatira avo vachatenda mandiri pamusana pezwi ravo. Kuti vose zvavo vave vamwechete sezvakangoita kuti imi Baba muri mandiri ini ndiri mamuri ivowo ngavave matiri kuti pasi padavire kuti imi ndimi makandituma. Mbiri yamakandipa ndakavapawo kuti vave vamwechete sesu tiri vamwechete. Ini ndiri mavari imi muri mandiri vanyatsova vamwechete, kuti pasi pazive kuti imi ndimi makandituma mukavada sokundida kwamakaita. “Baba ndinodawo kuti avo vamakandipa vave kwandinenge ndiri vaonewo mbiri yangu yamakandipa pamusana porudo rwenyu kwandiri pasi pasati pavapo. Baba makarurama, pasi hapana kukuzivai asi ini ndakakuzivai uye ava vanoziva kuti makandituma. Ndakaita kuti vazive zita renyu uye ndichaita kuti rizivikanwe kuti rudo rwamakandida narwo ruvewo mavari uyewo kuti iniwo ndive mavari.”
Johani 17:1-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu wakataura iɀoɀi, akatarira kuɗeŋga, akati: Ƃaɓa, ŋguʋa yaȿika; kudzai Mŋanakomana wenyu, kuti Mŋanakomana akukudzei imi, seɀamakamupa simba pamsoro penyama yose, kuti ʋose ʋamakamupa, aʋape ʋupenyu bgusiŋgaperi. Ʋupenyu bgusiŋgaperi ndibgo, kuti ʋakuziʋei imi, Mŋari uri woga waɀokwaɗi, naJesu Kristu, wamakatuma. Ndakakukudzai panyika, ndapedza ɓasa ramakandipa kuti ndiriite. Ɀino imi Ƃaɓa, mundikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiʋa nako kwamuri, nyika isati yaʋa’po. Ndakaratidza ʋanhu, ʋamakandipa panyika, zita renyu. Ʋakaŋga ʋari ʋenyu, mukandipa iʋo, ʋakaceŋgeta shoko renyu. Ɀino ʋanoziʋa kuti ɀose‐ɀose, ɀamakandipa, ɀinobva kwamuri. Nokuti ndakaʋapa mashoko amakandipa, ʋakaagamucira, ʋakaziʋa ɀirokwaɀo kuti ndakabva kwamuri, ʋakatenda kuti ndakatumŋa nemi Ndinoʋanyeŋgeterera iʋo; handinyeŋgetereri nyika, asi aʋo ʋamakandipa, nokuti ndiʋo ʋenyu. Ɀose ɀaŋgu ndeɀenyu, neɀenyu ndeɀaŋgu; ndakudzwa maʋari. Ini handiciri munyika, asi iʋo ʋari munyika; ini ndinoʋuya kwamuri. Ƃaɓa ʋatȿene, muʋaceŋgete muzita renyu, ramakandipa, kuti ʋaʋe ʋamŋe, sesu. Ndiciri naʋo, ini ndaiʋaceŋgeta muzita renyu, ramakandipa; ndakaʋarinda, hapanomumŋe waʋo wakarashika, asi mŋanakomana wokurashwa, kuti Rugwaro ruitike. Asi ɀino ndoʋuya kwamuri; ndinotaura iɀi panyika, kuti ʋaʋe nomufaro waŋgu, wakazadzika maʋari. Ini ndakaʋapa shoko renyu, nyika ikaʋaʋeŋga, nokuti haʋazi ʋenyika, seni ndisi wenyika. Handinyeŋgeteri kuti muʋabvise panyika, asi kuti muʋaceŋgete panowakaipa. Haʋazi ʋenyika, seni ndisi wenyika. Muʋaite ʋatȿene muɀokwaɗi; shoko renyu iɀokwaɗi. Seɀamakandituma panyika imi, saiɀoɀo neni ndakaʋatuma panyika. Ndinoɀiita mutȿene nokuɗa kwaʋo, kuti naiʋo ʋaitwe ʋatȿene muɀokwaɗi. Handinyeŋgetereri aʋa ɓedzi, asi naiʋo ʋanotenda ʋo kwandiri neshoko raʋo, kuti ʋose ʋaʋe ʋamŋe; semi Ƃaɓa muri mandiri, neni mamuri; kuti naiʋo ʋaʋe matiri, kuti nyika itende kuti makandituma. Neni ndakaʋapa kubginya kwamakandipa; kuti ʋaʋe ʋamŋe, sesu tiri ʋamŋe; ini maʋari, nemi mandiri, ʋakwaniswe kuʋa ʋamŋe; kuti nyika iziʋe kuti makandituma, ʋuye kuti makaʋaɗa, seɀamakandiɗa ini. Ƃaɓa, ndinoɗa kuti aʋo ʋamakandipa, ʋaʋe ʋo neni apo pandiri, kuti ʋaʋone kubginya kwaŋgu, kwamakandipa, nokuti makandiɗa nyika isati yaʋambga. Ƃaɓa ʋakarurama, nyika hainakukuziʋai; asi ini ndakakuziʋai; naiʋaʋa ʋakaziʋa kuti makandituma. Ndakaʋaziʋisa zita renyu, ʋuye ndicariziʋisa, kuti ruɗo, rwamakandiɗa narwo, ruʋe maʋari, neni ndiʋe maʋari.
Johani 17:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)