Jobhu 20
20
Hurukuro yechipiri yaZofa
1Zofa muNaamati akapindura achiti,
2“Pfungwa dzangu dzinondipa kuti
ndipindure pamusana peshungu dzandibata.
3Pfungwa dzandanzwa dzinondishatirisa,
mweya unopfuura kunzwisisa kwangu
ndiwo unondipa minduro.
Mufaro waasiri munamati mupfupi
4“Unoziva wani kuti kubvira pasi chigare,
kubvira pakaiswa munhu panyika,
5rufaro rwavakaipa rupfupi.
Kupembera kwavakang'ora ndekwechinguvana chete.
6Kunyange akati dzuu kumira
kusvika kumatenga,
musoro wake uchisvika kumakore,
7anoparara sendove yake.
Vakambomuona vanenge vavakutoti, ‘Aripi?’
8Anobhururuka sechiroto asingazowanika,
anonyangarika sechioniso chousiku.
9Ziso raimbomuona harizomuonazve.
Haazomboonekwazve panzvimbo pake.
10Vana vake ndivo vanotozoripa varombo,
ivo namaoko avo vachadzorera upfumi hwake.
11Mapfupa ake azere simba rouduku,
asi richazoti rakata kurara pamwechete naye.
12Kunyange uipi huchimbonaka mukanwa make,
achihuviga pasi porurimi rwake,
13achinyatsohuchengetedza asingahurasi,
achihuchengetedza mukanwa make.
14Asi chokudya chake chinosanduka mudumbu make
chichiita sechepfu yemvumbi.
15Anomedza upfumi asi anozohurutsa.
Mwari anomurutsisa upfumi ihwohwo.
16Aiyamwa chepfu yemvumbi
rurimi rwechiva runomuuraya.
17Haachazoonazve hova dzamafuta
kana tukova twouchi neruomba.
18Achadzorera muchero webasa rake asina kumboudya.
Zvaanowana pashawo dzake hazvimbomupa mufaro.
19Akabata varombo zvisina kunaka
akavasiya vasisina chavanacho,
akapamba imba yaasina kuvaka.
20Kudokwairira zvinhu
kwaimushaisa zororo,
chaainge atorwa mwoyo nacho
haaichirega chichimupunyuka.
21Haaisiya chinhu mundiro
saka zvokubudirira kunoenda mberi hapana.
22Paanenge ane zvose zvaanoda
kuzvidya mwoyo kunobva kwamupinda
ndopaanowirwa chaizvo nenhamo.
23Angazadze zvake dumbu
asi Mwari anomuvirukira nehasha
shamhu dzigonaya paari sechokudya chake.
24Achatiza zvako chombo chokurwa chesimbi
achibva anzi mbetete nomuseve wendarira.
25Unonoburitsa muromo wawo neseri
uchinyiminya muromo wabva nomunduru agongweda nokutya.
26Rima rakati kwirindindi rakamumirira,
moto usingafutidzwi uchamuroromesa
zvinenge zvasara mutendhe zvichaparadzwa.
27Denga richaratidza pachena uipi hwake,
nyika ichamupandukira.
28Upfumi hwemba yake huchayeredzwa
hugokukurwa pazuva rehasha dzaMwari.
29Uyu ndiwo mugove waMwari kumunhu akaipa
ndiwo mubayiro waanotemerwa naMwari.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jobhu 20: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.