Joshuwa 17
17
Nyika yokwaManase yokumadokero
1Nyika yakagoverwawo vedzinza rokwaManase nokuti iyeyu ndiye aiva dangwe raJosefi. Makiri dangwe raManase baba waGireadhi vakapiwa nyika yeGireadhi neyeBhashani nokuti akanga ari munhu wehondo. 2Dzimwe mhuri dzosewo dzedzinza rokwaManase dzakagoverwawo nyika dzaiti: mhuri yokwaAbhihezeri naHereki naAsirieri naShikemu naHeferi naShemidha. Ndovechirume vedzinza rokwaManase mwana waJosefi mhuri nemhuri.
3Zvino Zerofehadhi mwanakomana waHeferi mwanakomana waGireadhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase, akanga asina vana vakomana achingova navasikana chete vaiti: Mahira naNowa naHogira naMirika naTiriza. 4Vakaenda kuna vava vaiti: mupristi Ereazari naJoshuwa mwana waNunu navatungamiri vakati, “Tenzi akaudza Mosesi kuti tinofanira kupiwa nhaka pakati pehanzvadzi dzedu.” Naizvozvo sokutaura kwakaita Tenzi akavapa nhaka pakati pavakoma navanun'una vababa vavo. 5Zvakazoitika ndezvokuti dzinza rokwaManase rakazowana migove gumi tisingaverengere nyika yeGireadhi neyeBhashani iri kumhiri kwaJorodhani, 6pari pamusana pokuti vanasikana ivava vokwaManase vakagoverwawo nhaka pakati pavana vokwaManase vechikomana. Nyika yeGireadhi ndiyo yakagoverwa vamwe vokwaManase.
7Muganhu wenyika yokwaManase iyi unobvira Asheru kusvikira kuMikimetati kumabvazuva kweShekemu wodzika kumaodzanyemba kuvanhu vokuEnitapua. 8Nyika yeTapua ndeyevokwaManase asi guta reTapua riri pamuganhu waManase nderevokwaEfuraimu. 9Muganhu iwoyu waizodzika wosvika kukakova keKana. Maguta ose okumaodzanyemba kwekakova ikaka ndokwaEfuraimu kunyange zvazvo ari mukati memaguta okwaManase. Muganhu uyu wokwaManase waizokwidza nokuchamhembe kwekakova ikaka uchindoperera kugungwa reMediterenieni. 10Nyika yokumaodzanyemba kwako ndeyokwaEfuraimu yokuchamhembe kwako ndeyokwaManase, ukuwo gungwa ririwo muganhu, kuchamhembe kwayo inondosvika kunyika yevokwaAsheru, kumabvazuva ichindoganhurana novokwaIsakari. 11VokwaManase ivava vaivawo namaguta munyika yevokwaIsakari neyokwaAsheru aiti: Bhetisheani nemisha yaro, nereIbhureamu nemisha yaro. Vagotiwo maguta ano aya navagari vawo anoti: guta reDhoru nemisha yaro nereEndori nemisha yaro neTaanaki nemisha yaro neMegidho nemisha yaro pane aya rechitatu rawo ndiro Nafati. 12Asi vokwaManase havana kukwanisa kukurira maguta iwayo nokuti vaKanani vakarambira munyika iyoyo. 13VaIsiraeri pavakazenge vava namasimba vakazovaitisa basa rechibharo, asi havana kubva vavadzinga zvokuvapedzeredza.
Vedzinza raManase rokumadokero neraEfuraimu vanokumbira kuwedzerwa nyika.
14Vemba yokwaJosefi vakati kuna Joshuwa, “Ko madarireiko kungotipa mugove wenhaka mumwechete chete kudai isu takawanda kwazvo kudai mudzinza medu nokukomborerwa kwatakaitwa naTenzi.”
15Joshuwa akavati, “Kana zvirizvo kuti makawanda kudaro, nyika iyoyo yemakomo yokwaEfuraimu yakuitirai duku duku, chiendai zvenyu kumasango kunyika yavaPerizi neyavaRefaimu muzvitemere makombo.” 16Vedzinza raJosefi vakati, “Nyika yemakomo haitikwaniri. Chimwewo ndechokuti vaKanani vagere kubani vane ngoro dzehondo dzesimbi, kunoti: vamwe vagere kuBhetisheani nemisha yaro kwouya vamwe vari kubani reJezireeri.” 17Joshuwa akaudza vemba yokwaJosefi, vedzinza reEfuraimu neraManase achiti, “Makawanda imi uye mune simba guru. Hazvingaiti kuti muve nomugove wenhaka mumwechete chete. 18Zvino nyika yemakomo ichava yenyu. Kunyange zvazvo iri sango kudaro, ritemei muiite yenyu kusvikira kwokupedzesera chaiko kwemiganhu yavo nokuti munofanira kudzinga vaKanani kunyange zvazvo vakasimba vaine ngoro dzehondo dzesimbi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Joshuwa 17: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.