Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshuwa 2

2
Vasori vanotumwa kuJeriko
1Joshuwa, mwanakomana waNuni, akatuma varume vaviri vachibva kuShitimu kundosora muchiverevere achiti, “Endai mundoongorora nyika iyo, zvikurukuru muongorore Jeriko.” Vakaenda, vakasvikira mumba mepfambi yainzi Rahabhu, vakararamo. 2Mambo weJeriko akataurirwa kuti, “Kune vamwe varume vechiIsiraeri vauya muno kuzosora nyika ino.” 3Ipapo mambo weJeriko akatuma shoko kuna Rahabhu rokuti, “Buritsa varume vauya kwauri vapinda mumba mako nokuti vauya kuzosora nyika yose.”
4Asi mukadzi uyu akatora varume ava akavahwandisa akati, “Ichokwadi, varume ivavo vauya kwandiri, asi handina kuziva kwavanobva nako. 5Kuzoti kwasviba, tave kupfiga suo guru reguta, varume ivavo vabva vaenda. Zvino handisi kuziva kwavaenda nako. Vateverei nokukurumidza, munotovabata.” 6Asi iye akanga avakwidza padenga remba akavahwandisa mumashanga efurakisi aakanga arongerera pamusoro pemba. 7Saka varume vaya vakabvapo vachironda vasori vaya, vakaenda nenzira yokunaJorodhani vakasvika kumazambuko. Pavakangoti budeimo, suo guru reguta rakabva rapfigwa. 8Vasati vavata, mukadzi uyu akakwira padenga pavaiva vari, 9akati kuvarume ivavo, “Chandinoziva ndechokuti, Tenzi akakupai nyika ino uye tiri kukutyai chaizvo, vanhu vose vomunyika ino vari kukutyai. 10Chandinodariro ndechichi chokuti, takanzwa zvokuomesa kwakaitwa mvura yeGungwa Dzvuku naTenzi mberi kwenyu pamaibva kuIjipiti, tikanzwawo zvokuparadza kwamakaita Sihoni naOgu, madzimambo maviri avaAmori, kumhiri kwaJorodhani. 11Patakazvinzwa takadedera, tikarasa mwoyo pamusana penyu nokuti Tenzi, Mwari wenyu ndiye Mwari kudenga kumusoro, napanyika pasi pano. 12Saka chinditsidziraiwo mupike naTenzi kuti zvandakuitirai mwoyochena, imi muchaitirawo vemba yababa wangu mwoyochena, mundipe chiratidzo chinovimbika chemhiko iyoyo. 13Tsidzai kuti muchararamisa baba naamai vangu, nehanzvadzi, uye vakoma navanun'una vangu, navose vemhuri dzavo, mutinunure kurufu.” 14Varume ava vakapika vachimutsindidzawo kuti, “Tinosarudza zvedu kufa pane kuti imi mufe! Kana mukarega kuudza vanhu nezvenyaya yedu, tichakuitirawo mwoyochena tichichengeta shoko redu kwamuri patichapiwa nyika ino naTenzi.”
15Mukadzi uyu akavaburitsa napawindo, akavadzikisa pasi netambo nokuti imba yake yakanga yakavakirwa murusvingo rweguta iri, saka aitogara murusvingo chaimo. 16Mukadzi uyu akavati, “Endai kumakomo kuti murege kuwanikwa novokuronda. Vandai ikoko kwamazuva matatu kusvikira vokuronda vacho vadzoka mozoenda zvenyu.”
17Varume ava vakamuti, “Hatimbokunyengedza pamhiko yawatipikisa. 18Chinzwa kana tava kuzopinda munyika ino sungirira kamucheka katsvuku aka pawindo paunotiburitsa napo uchitidzikisa pasi. Unganidza vana baba naamai vako, nehanzvadzi dzako nemhuri yose yababa wako, mumba mako. 19Kuwana anobuda mumba mako imomo achitoenda zvake panze munzira, rufu rwake ndorwokuzviparira, haizovi mhosva yedu. Asi kana kukangourayiwa ani zvake anenge anewe mumba mako, mhosva ndeyedu. 20Asi ukangoudza munhu nezvenyaya yedu iyoyi, zvemhiko yako iyi zvatibva, haichatisunga.”
21Mukadzi akapindura achiti, “Ndizvozvo, ngazviitwe saizvozvo.” Ndokubva avarega voenda zvavo, iye ndokusungirira kamucheka katsvuku kaya pawindo.
22Varume ava vakabvapo, vakananga kumakomo vakagarako mazuva matatu kudzamara vaivaronda vadzoka, vakanga vavatsvaka munzira yose vakavashaya. 23Varume vaviri vaya vakaburuka mumakomo, vakayambuka, vakasvika kuna Joshuwa mwanakomana waNuni, vakamuudza zvose zvavakasangana nazvo. 24Vakataurira Joshuwa vachiti, “Chokwadi chaicho ndechokuti, Tenzi atoisa nyika iyoyo mumaoko edu, vose vageremo vapera nokutitya.”

Zvasarudzwa nguva ino

Joshuwa 2: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda