Joshuwa 21
21
Maguta evedzinza rokwaRevhi
1Vakuru vakuru vemhuri dzokwaRevhi vakaenda kune vanhu ava vanoti; mupristi Ereazari naJoshuwa mwanakomana waNuni navakuru vakuru vemhuri dzavaIsiraeri. 2Vakataura navo vari kuShiro munyika yeKanani vachiti, “Tenzi akaudza Mosesi kuti isu tinofanira kupiwa maguta okugara ana mafuro emombe dzedu.” 3Saka sokutaura kwaTenzi vaIsiraeri vakapa vaRevhi nhaka yavo yamaguta ano aya namafuro awo.
4Mugove wakagoverwa vokwaKohati mhuri nemhuri ndiwo wakatanga kubuda pachin'ange. Saka vaRevhi vemba yomupristi Aroni vakapiwa maguta gumi namatatu omudzinza rokwaJudha nerokwaSimeoni nerokwaBhenjamini. 5Vamwe vose zvavo vemhuri yokwaKohati vakapiwa gumi ramaguta omunyika yokwaEfuraimu neyokwaDhani neyechimwe chikamu chevokwaManase.
6VokwaGerishoni vakagoverwa nechin'ange maguta gumi namatatu omunyika yokwaIsakari neyokwaAsheru neyokwaNafutari neyechimwe chikamu chevokwaManase vokuBhashani.
7VokwaMerari vakapiwa mhuri nemhuri maguta gumi namaviri omunyika dzevedzinza rokwaRubheni nerokwaGadhi nerokwaZebhuruni.
8Saka vaIsiraeri vakagovera vaRevhi nechin'ange maguta iwayo namafuro awo sezvakanga zvaudzwa Mosesi naTenzi.
9Mudzinza rokwaJudha neraSimeoni vakapiwa maguta akaita zvokudomwa namazita. 10Maguta iwayo akapiwa vemhuri yokwaAroni, vaRevhi vemba yokwaKohati nokuti mugove wavo ndowakatanga kubuda pachin'ange. 11Vakavapa Kiriatiaribha, ndiro guta reHebhuroni. (Aribha uyu aiva baba waAnaki.) Vakapiwa guta irori riri munyika yamakomo yokwaJudha pamwechete namafuro akaripoteredza. 12Asi minda yaro nemisha yaro zvakanga zvapiwa kare kuna Karebhu mwanakomana waJefune kuti zvive zvake.
13Vakapa vemhuri yomupristi Aroni maguta aya anoti Hebhuroni, guta rokuti munhu anenge auraya mumwe awane kwokupotera, pamwechete namafuro aro vakavapawo guta reRibhuna namafuro aro; 14kwouyawo reJatiri namafuro aro nereEshitemoa namafuro aro, 15neHoroni namafuro aro neDhebhiri namafuro aro; 16kwoti guta reAini namafuro aro neJuta namafuro aro neBhetishemeshi namafuro aro. Ose pamwechete aiva maguta mapfumbamwe omudzinza rokwaJudha nerokwaSimeoni. 17Maguta avakapiwa omudzinza rokwaBhenjamini ndeaya kunoti guta reGibheoni namafuro aro neGebha namafuro aro; 18kwouya Anatoti namafuro aro neArimoni namafuro aro pamwechete aiva maguta mana. 19Saka maguta akapiwa vapristi vemba yokwaAroni ose pamwechete aiva gumi namatatu, namafuro awo.
20Kune vamwe vose vokwaKohati vakanga vasara vemhuri dzevokwaKohati vomudzinza rokwaRevhi wakapiwa maguta omudzinza rokwaEfuraimu. 21Vakapiwa maguta aya anoti: Shikemu guta romunyika yaEfuraimu yemakomo, namafuro aro rokuti munhu anenge auraya mumwe awane kwokupotera, kwouya Gezeri namafuro aro, 22neKibhuzaimu namafuro aro, neBhetihoroni namafuro aro, ose pamwechete aiva maguta mana. 23Maguta avakapiwa omudzinza rokwaDhani ndeaya:
kunoti guta reEriteke namafuro aro,
neGibhetoni namafuro aro,
24kwoti Aijaroni namafuro aro,
neGatirimoni namafuro aro,
Ose pamwechete aiva maguta mana.
25Maguta avakapiwa mune chimwe chikamu
chedzinza rokwaManase ndeaya.
Kunoti guta reTanaki namafuro aro
neGatirimoni namafuro aro, aiva
maguta maviri.
26Maguta emhuri idzi dzokwaKohati
dzakanga dzasara ose zvawo pamwechete aiva gumi,
aiva namafuro awo.
27VaRevhi vemhuri yokwaGerishoni
vakagoverwa maguta mune chimwe
chikamu chevedzinza raManase anoti:
guta reGorani rokuBhashani namafuro aro, rokuti munhu
anenge auraya mumwe awane kwokupotera kwouya Beeshitera
namafuro aro, aiva maguta maviri.
28Mudzinza rokwaIsakari vakapiwa maguta aya anoti guta reKishioni namafuro aro, nereDhabherati namafuro aro, 29neJarimuti namafuro aro, neEniganimu namafuro aro, ose pamwechete aiva maguta mana.
30Mudzinza rokwaAsheri vakapiwa maguta aya anoti:
guta reMishori namafuro aro,
neAbhudhoni namafuro aro.
31Kwouya reHerikati namafuro aro,
neRehobhu namafuro aro,
ose pamwechete aiva maguta mana.
32Mudzinza rokwaNafutari vakapiwa maguta aya anoti: Kedheshi riri kuGarirea namafuro aro, rokuti munhu anenge auraya mumwe awane, kwokupotera, kwouya guta reHamatidhori namafuro aro, neKaritani namafuro aro, ose pamwechete aiva maguta matatu. 33Maguta emhuri dzose dzokwaGerishoni ose zvawo pamwechete aiva gumi namatatu aivawo namafuro awo.
34Kune vose vaRevhi vakanga vasara vemhuri dzokwaMerari vakapiwa maguta mudzinza rokwaZebhuruni aya anoti: guta reJokineamu namafuro aro neKarita namafuro aro; 35Kwoti Dhimuna namafuro aro neNaharara namafuro aro ose pamwechete aiva maguta mana. 36Mudzinza rokwaRubheni vakapiwa maguta aya anoti: guta reBhezeri namafuro aro neJahazi namafuro aro 37kwouya Kedhemoti namafuro aro neMefaati namafuro aro. Ose pamwechete aiva maguta mana. 38Mudzinza rokwaGadhi vakapiwa maguta aya anoti: guta reRamoti riri kuGireadhi namafuro aro, rokuti munhu anenge auraya mumwe awane kwokupotera. 39Kwouya reMahanaimu namafuro aro neHeshibhoni namafuro aro neJazeri namafuro aro; ose pamwechete aiva maguta mana. 40Saka maguta emhuri dzavamwe vaRevhi vose, vakanga vasara vemhuri dzokwaMerari ose pamwechete aiva gumi namaviri.
41Naizvozvo maguta avaRevhi avakapiwa pamwechete namafuro awo mukati menyika yavaIsiraeri yenhaka aiva makumi mana ana masere. 42Pamaguta ose iwaya, guta roga roga rakanga rakapoteredzwa namafuro; ndozvakanga zvakaita maguta iwayo ose.
VaIsiraeri vanotora nyika kuiita yavo.
43Nokudaro Tenzi akapa vaIsiraeri nyika yose yaakatsidzira kupa kumadzibaba avo. Vakaitora ikava yavo ndokubva vagaramo. 44Tenzi akavapa runyararo kumative ose sokutsidza kwaakaita kumadzibaba avo. Hakuna kana nomumwe wavavengi vavo akagona kumirisana navo nokuti Tenzi akaisa vavengi vavo vose mumaoko avo. 45Hakuna kana chinhu chimwechete chakanaka chakanga chatsidzirwa vaIsiraeri naTenzi chisina kuzoitika, zvose zvakaitika.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshuwa 21: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.