Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 28:16-20

Mateu 28:16-20 SCLBD

Vane gumi nomumwechete vakaenda kuGarirea, kugomo ravakanga vataurirwa naJesu. Pavakamuona vakamugwadamira asi vamwe vakanga vasina chokwadi nazvo. Jesu akauya akati kwavari, “Simba rose pasi nokudenga rakapiwa kwandiri. Naizvozvo endai mundodzidzisa marudzi ose avanhu muvaombeke muzita raBaba neroMwanakomana neraMweya Mutsvene muchivadzidzisa kuchengeta zvose zvandakuudzai. Uye tarisai muone, ndinemi nguva dzose kusvikira kuguma kwapasi.”

Verenga chikamu Mateu 28