Mariko 15
15
Jesu anotongwa naPirato
(Mat 27:1–2,11–14; Ruka 23:1–5; Joh 18:28–38)
1Kuzoti kwangoedza, vapristi vakuru vakagara dare navakuru vakuru vavaJudha nenyanzvi dzoMutemo neDare guru rose. Vakasunga Jesu, ndokuenda naye kundomuturira kuna Pirato. 2Pirato akamubvunza achiti, “Ndiwe Mambo wavaJudha here?” Iye akapindura achiti, “Inga matozvireva wani.”
3Vapristi vakuru vakamupomera mhosva zhinji. 4Pirato akamubvunzazve achiti, “Ko hauna chaunopindura here? Inzwa kuti vanokupomera mhosva dzakawanda sei?”
5Asi Jesu haanazve chaakapindura kwete, zvokuti Pirato akashamiswa.
Jesu anotongerwa rufu
(Mat 27:15–26; Ruka 23:13–25; Joh 18:39—19:16)
6Nguva dzose, pamazuva makuru aya, Pirato aivasunungurira musungwa mumwechete wavainge vakumbira. 7Mukati mavapanduki vaiva mujeri, vakanga vauraya munhu muchimurenga, maiva nomumwe murume ainzi Bharabhasi.
8Kuzoti mhomho yavanhu yakwira kwaPirato, yakatanga kumukumbira kuti avaitire zvaaisimbovaitira. 9Zvino Pirato akavabvunza achiti, “Ko munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?” 10Nokuti akanga azviona kuti vapristi vakuru vakanga vaturira Jesu kwaari pamusana peshanje.
11Asi vapristi vakuru vakapesvera vanhu kuti avasunungurire zvavo Bharabhasi. 12Pirato akapindurazve achiti, “Ko ndoitei nowamunoti mambo wavaJudha?”
13Vakadaidzirazve vachiti, “Muroverei pamuchinjikwa.”
14Pirato ndokuti kwavari, “Nemhaka yeiko? Akapara mhosva yei?” Vakabva vatonyanya kudaidzira vachiti, “Muroverei pamuchinjikwa.”
15Zvino Pirato zvaaida kufadza mhomho yavanhu akavasunungurira Bharabhasi. Asi mushure mokurova Jesu akamuturira kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa.
Jesu anoitwa chiseko namasoja
(Mat 27:27–31; Joh 19:2–3)
16Masoja akaenda naJesu munhandare, mumuzinda womutongi wacho wainzi (Pretoriumu,) vakaunganidza boka rose ramasoja. 17Vakazomupfekedza hanzu yoruvara rwohute#15:17 Ihanzu yaipfekwa namadzishe. ndokuruka chiremba cheminzwa vakachidzika paari. 18Vakazotanga kumukwazisa vachiti, “Kwaziwaika mambo wavaJudha!” 19Vaimurova musoro norutsanga, vachimupfira mate nokumupfugamira vachimukudza. 20Pavakapedza kumuita chiseko, vakamubvisa hanzu yoruvara rwohute iya vomupfekedza hanzu dzake ndokuenda naye kundomurovera pamuchinjikwa.
Jesu anoroverwa pamuchinjikwa
(Mat 27:32–44; Ruka 23:26–43; Joh 19:17–27)
21Vakamanikidza mumwe murume aipfuura naipapo achibva kumaruwa, ainzi Simoni wokuSairini, baba vaArekizanda naRufusi, kuti atakure muchinjikwa wake. 22Vakasvika naJesu kunzvimbo inonzi Gorogota, zvinoreva kuti nzvimbo yeDehenya, 23vakamupa waini yakasanganiswa nemura asi akaramba kuinwa. 24Vakamurovera pamuchinjikwa vakagoverana hanzu dzake vachiita chin'ange kuti vaone kuti mumwe nomumwe wavo achatorei. 25Yakanga iri awa yechipfumbamwe yamangwanani pavakamurovera pamuchinjikwa. 26Chikwangwani chechiga chemhosva yaakapomerwa chaiti, “MAMBO WAVAJUDHA.” 27Pakanga pakaroverwa pamwepo naye makororo maviri, akati rimwe kurudyi rimwe kuruboshwe rwake.#15:27 Zvakanga zvakanyorwa muMagwaro Matsvene zvakazadziswa zvokuti akaverengerwa mukati mavasingachengeti murawu.
29Vanhu vaipfuura nepo vakamuseka vachidzungudza musoro vachiti, “Aha ndiweka unopaza Temberi uchiivakazve namazuva matatu, 30chizviponesaka, uburuke pamuchinjikwa ipapo!”
31Saizvozvowo vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakamusveeredza vachitaurirana vachiti, “Akaponesa vamwe asi haagoni kuzviponesa iye pachake. 32Kristu! Mambo wavaIsiraeri! Ngaaburuke iye zvino pamuchinjikwa kuti tione tigotenda.” Navaya vakanga vakaroverwa pamuchinjikwa pamwe naye vakamunyombawo.
Kufa kwaJesu
(Mat 27:45–56; Ruka 23:44–49; Joh 19:28–30)
33Zvino paawa yegumi nechimbiri yamasikati nyika yose yakati rima tiba kusvikira paawa yechitatu yamasikati. 34Neawa yechitatu yamasikati Jesu akadaidzira nezwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” Zvinoreva kuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?”
35Zvino vamwe vakanga vamirepo vachizvinzwa vakati, “Inzwai, ari kudaidza Eriya.” 36Ipapo mumwe akamhanya akanyika chifovefove muwaini inovava dzamara chazara ndokuchitungirira parutsanga ndokumupa kuti anwe vachiti, “Mirai tione kana Eriya achiuya kuzomuburutsa.”
37Ipapo Jesu akadaidzira nezwi guru ndokubva afa.
38Zvino jira rokudzikatirisa romuTemberi rakabvaruka napakati kubvira kumusoro kusvikira pasi. 39Kuzoti mutungamiri wezana akanga amirepo akatarisana naye aona kufa kwaakaita akati, “Zvechokwadi munhu uyu anga ari Mwanakomana waMwari.”
40Pakangawo paina madzimai akanga akatarira ari chinhambwe. Vamwe vaiva mukati mavo ndavana Maria Magadharena, naMaria amai vaJemusi muduku naJosesi, naSarome, 41vaimutevera achiri kuGarirea, vachimushandira, namamwe madzimai mazhinji akanga akwira naye kuJerusaremu.
Kuvigwa kwaJesu
(Mat 27:57–61; Ruka 23:50–56; Joh 19:38–42)
42Zvino kuzoti ava manheru, zvarakanga riri zuva rokugadzirira, ndiko kuti zuva rapamberi peSabata, 43kwakauya Josefi weArimatia, aiva mumwe wamakurukota airemekedzwa. Iyewo pachake aimirira umambo hwaMwari. Akatsunga mwoyo ndokuenda kuna Pirato, akamukumbira chitunha chaJesu. 44Pirato akashamiswa kuti atofa kare. Akadana mutungamiri wezana akamubvunza kuti afa here kare? 45Paakazvinzwa, zvichibva kumutungamiri wezana kuti Jesu afa, akabvumira Josefi kutora chitunha. 46Josefi akatenga fuko rerineni, akaturunura Jesu omuputira nefuko riya rerineni ndokumuradzika muguva rakanga rakacherwa mudombo. Akazokungurutsirawo dombo pamusuo weguva. 47Zvino vana Maria Magadharena, naMaria amai vaJosesi vakanyatsoona paakaradzikwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Mariko 15: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.