Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nahumu Zviri mubhuku rino

Zviri mubhuku rino
Bhuku raNahumu rakanyorerwa kupemberera kuparara kwakanga kwavakuda kuita Ninivhe, guta guru ravaAsiria muvengi mukuru weIsiraeri. Kuparara kweNinivhe kwaionekwa sechirango chaMwari pamusana pokuipa kwakanga kwaita rudzi urwu. Zvinotaurwa naNahumu zvinoratidza umambo hwaMwari pamusoro pamarudzi ose zvawo. Rinoratidzazve kuti hapana rudzi kana uipi hunokunda Mwari. Bhuku raNahumu rine zvidimbu zvikuru zviviri. Mune chokutanga, Mwari anotonga Ninivhe (1:1–15), mune chechipiri, kuparara kweNinivhe (2:1—3:19).
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raNahumu
Kutongwa kweNinivhe (1:1–15)
Kuparara kweNinivhe (2:1—3:19)

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda