Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemiya 1

1
1Zvino idzi ndidzo nyaya dzaNehemiya mwanakomana waHakariya.
I: KUDZOKERA KWANEHEMIYA KUJERUSAREMU
Shungu yaNehemiya nezveJerusaremu
Zvino zvakaitika kuti mumwedzi waKisirevhu mugore rechimakumi maviri ndiri muguta guru reSusa, 2hama yangu Hanani akasvikako achibva kwaJudha aina vamwe varume. Ini ndakamubvunza nezvevaJudha vakanga vachiri vapenyu vaye vakapunyuka muutapwa uyewo nezveJerusaremu. 3Iye akandipindura achiti, “Vapenyu vacho vari uku kunyika iyoyo vakapunyuka muutapwa vaye, vari munhamo huru kwazvo inonyadzisa. Rusvingo rweJerusaremu rwakapazirwa pasi, misuo yaro mikuru ikaroromeswa nomoto.”
4Pandakanzwa mazwi iwaya ndakagara pasi ndikahwihwidza kuchema ndichiungudza kwamazuva akati kuti. Ndakaramba ndichitsanya ndichinamata kuna Mwari Wedenga 5ndichiti,
“Tenzi, Mwari Wedenga. Muri Mwari
mukuru anotyisa anochengeta chitenderano
chake navanomuda vanochengeta mitemo yenyu.
6Tarisaiwo nemeso enyu muone,
murerekere zvenyu nzeve yenyu munzwe
munamato wangu ini muranda wenyu
wandava kuita mberi kwenyu siku nesikati
ndichinamatira vanhu veIsiraeri
varanda venyu ndichireurura zvitadzo
zvavanhu veIsiraeri zvatakakutadzirai nazvo,
zviri zvokutadza izvi ini namadzibaba emhuri
yokwangu, takatadza.
7Takakutadzirai zvokutadza zviya.
Hatina kuchengeta mitemo nemirao
nezvirevo zvamakaudza
muranda wenyu Mosesi.
8Moyeukawo chirevo chamakareva kune muranda
wenyu Mosesi muchiti,
‘Kana imi mukazova vanhu vasina kutendeka,
ini ndichazokumwararidzai mukati memarudzi.
9Asi mukange mazotendeukira kwandiri
mukateerera mitemo yangu moichengeta
kunyange zvazvo manga
makamwararidzirwa kure kwakaperera denga chaiko;
ndichazovakokorodza ikoko ndouya navo
kunzvimbo yandakasarudza kuti
ndiise zita rangu ipapo.’
10Varanda venyu ava, vanhu venyu
vamakanunura namasimba enyu
makuru noruoko rune simba.
11Nhai Tenzi rerekeraiwo nzeve yenyu kumunamato
weni muranda wenyu nokumunamato
wavaranda venyu vanofarira kutya zita renyu.
Muitewo kuti ini muranda wenyu
ndibudirire nhasi uno, mupewo kuti
ndiitirwe tsiye nyoro nomurume iyeyu.”
Izvozvo ndini ndaiva wokuona nezvewaini yokwamambo.

Zvasarudzwa nguva ino

Nehemiya 1: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda