Nehemiya 2
2
Rwendo rwavaNehemiya kuJerusaremu
1Mumwedzi waNisani mugore rechimakumi maviri rokutonga kwamambo Atakizesesi, akagadzikirwa waini ini ndakachera waini ndikaiperekera kuna mambo. Zvino ndakanga ndisati ndambosuruvara paari. 2Mambo akanditi, “Uso hwako hwakangosuwa-suwa neiko kudai? Inga hausi kurwara wani? Hapana chimwe apa asi kusuruvara mwoyo uku.” Ndakatya zvikuru kwazvo.
3Ndakapindura mambo ndichiti, “Mambo zvoumambo hwenyu ngazvirambe zvakadaro. Chingatadzise uso hwangu kusuruvara chii iro guta rina makuva amadzibaba angu rakadaro kuita dongo. Misuwo yaro mikuru yakaroromeswa kutsva nomoto kudaro.”
4Mambo akanditi, “Chichemo chako ipapa ndechei?” Ini ndakati namatei zvangu kuna Mwari Wedenga, 5ndokupindura mambo ndichiti, “Kana zvichikufadzai, mambo uye kana manzwireni muranda wenyu tsitsi nditumirei zvangu kwaJudha kuguta remakuva amadzibaba angu ndindorivakazve.”
6Mambo akati kwandiri, izvozvo vahosi vakanga vagere zvavo munyasi mavo, “Uchaveko kwenguva yakadii? Kudzoka uchadzoka rini?” Mambo akazviona zviri zvinhu zvakanaka akandituma, ndikatarirana naye nguva yacho.
7Ndakati kuna mambo, “Kana zvichikufadzai mambo dai mukati ndipiwe matsamba anonyorerwa magavhuna enyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuretesi kuti vandirege ndichipfuura nomavo kudzamara ndasvika kwaJduha 8netsambawo inonyorerwa Asafu, muchengeti wesango rokwamambo yokuti andipe matanda okugadzirisa mapango epamusuwo enhare yeTemberi uye erusvingo rweguta neemba yandichagara.” Mambo akandipa zvandakakumbira nokuti ruoko rutsvene rwaMwari wangu rwakanga rwuri pandiri.
9Ndakaenda kumagavhuna okunyika yekuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi ndikavapa matsamba amambo. Izvozvo mambo akandituma navakuru vakuru vekuhondo navachairi vamabhiza. 10Izvozvi pazvakasvika munzeve dzaSanibharati muHoroni nerimwewo jinda rainzi Tobhiya muAmoni zvakavatsamwisa kwazvo kuti kune mumwe atouya achivavarira kuti zvinhu zvifambire vanhu vechiIsiraeri zvakanaka vabudirire.
11Saizvozvo ndakasvika kuJerusaremu ndikagarako mazuva matatu. 12Ndakamuka usiku ini navamwe varume vashomanini. Hapana wandainge ndaudza zvakanga zvaiswa mupfungwa dzangu naMwari wangu kuti ndiitire Jerusaremu. Ndakanga ndisina chimwe chipfuwo kusiya chandakanga ndakatasva. 13Ndakabuda usiku ihwohwo napasuo rokuBani ndakananga kutsime reMakava nokusuo rokuMarara ndichiongorora tsvingo dzeJerusaremu dzakanga dzakoromorwa nemisuo yaro mikuru yakanga yaparadzwa nomoto. 14Ndakazoenda kusuo guru reChisipiti nokuDziva raMambo asi pakanga pasina mukana wokuti chipfuwo chandakanga ndakatasva chipfuure napo. 15Ndopandakazokwira nebani usiku ihwohwo ndichiongorora rusvingo. Ndakadzoka ndokupinda nepasuo guru rokuBani ndokudzoka zvangu.
16Makurukota haana kuziva kwandakanga ndaenda kana zvandaiita. Ndakanga ndisati ndataurira vaJudha kana vapristi nevekumbahuru, kunyange machinda kana vamwe vose vaizoita basa iro.
17Ndopandakazovataurira kuti murikungoonawo dambudziko ratinaro rokuti Jerusaremu rangova dongo kudai, Misuo yaro mikuru yakapiswa. Uyai tivakire Jerusaremu rusvingo tirege kunge ticharamba tiri vanhu vakafumuka. 18Ndakavataurira nezveruoko rwaMwari wangu rwaiva pandiri kuti zvindifambire zvakanaka namazwiwo andakataurirwa namambo. Ivo vakati, “Ngatisimukei tivake.” Vakagwinyisa maoko avo kuita basa rakanaka.
19Asi Sanibharati muHoroni nejinda riya Tobhiya muAmoni naGeshemu muArabhu pavakazvinzwa vakatisveeredza vachitishora vachiti, “Chamuri kuita ndochii ichochi? Kupandukira mamboka uku?” 20Ndakavapindura ndichiti, “Mwari wedenga ndiye achaita kuti tibudirire. Isu varanda vake tichasimuka tivake, chenyu imi muJerusaremu hapana, ungave mugove zvawo kana chamungatiwo zvacho chenyu kunyange chirangaridzo zvacho.”
Zvasarudzwa nguva ino
Nehemiya 2: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: