Nehemiya 3
3
II: KUVAKWAZVE KWAKAITWA RUSVINGO RWEJERUSAREMU
1Eriyashibhi mupristi mukuru akasimuka nehama dzake dzechipristi vakandovakazve suo guru reHwai. Vakariteketerera kuna Mwari vakariisa magoni. Chimbimbi chavakateketerera ichi chaibvira pariri chichisvika kunharirire yeZana chichindosvikawo kuNharirire yeHananero. 2Vakagamhwa navarume vokuJeriko kuvaka kumberi kwacho ndokugamhwawo kuvaka kumberi naZakuri mwanakomana wokwaImuri.
3Vanakomana vokwaHasenaa vakavaka suo guru reHove. Vakaisa magwatidziro aro vakaisawo magonhi aro nezvihuri zvaro namazariro aro.
4Kubva ipapo, Meremoti mwanakomana wokwaUriya mwana waHakozi ndiye akagadzira zvichienda mberi. Mberi kwaiyeyu kukavakwa naMeshuramu mwanakamana waBherekiya mwana wokwaMeshezabheri. Pamberi pacho pakagadzirwa naZadhoki mwanakomana waBhaana.
5VokuTekoa ndovakavakawo chidimu chaitevera uyu asi vakuru vakuru veko havana kutakura basa ravakapiwa namadzishe avo.
6Joyadha mwanakomana waPaseya naMeshuramu mwanakomana waBhesodheya ndivo vakagadziridza suo guru reChinyakare. Vakaisa magwatidziro aro vakaisa magonhi aro nezvihuri zvaro namazariro aro. 7Mberi kwaivava kwakagadzirwa naMeratiya wokuGibheoni naJadhoni wechiMeroni navarumewo vokuGibheoni nevokuMizipa vakanga vachitongwa nagavhuna wenyika yokuMhiri kwerwizi rwaYufuratesi.
8Uzieri mwanakomana waHarihaya mhizha yendarama ndiye akagadzirawo mberi kwake.
Akagamhwawo kuvaka mberi kwake naHananiya mumwe wavagadziri vemafuta anonhuwirira. Vakagadziridza Jerusaremu kusvikira kuRusvingo rwaKapamhama.
9Mberi kwaivava kwakaitwawo naRefaya mwanakomana waHuru mutongi wechimwe chikamu cheJerusaremu. 10Jedhaya mwanakomana waHarumafu ndiye akagadzira mberi kwavo pakanangana nepamba pake. Ndokuteverwawo naHatushi mwanakomana waHashabhuneya.
11Marikiya mwanakomana waHarimu naHashubhu mwanakomana waPahatimoabhu vakavakazve chimwe chimbimbi chacho neNharirire yeZvoto.
12Akateverwa naSharumu mwanakomana waHaroheshi mutongi wechimwe chikamu cheJerusaremu kugadzira kwacho iye navakunda vake.
13Hanuni navagari vokuZanoa vakagadziridza suo guru rokuBani. Vakarivakazve vakariisa magonhi aro nezvihuri zvaro nomazariro aro. Vakagadzira chimbimbi chorusvingo chinoita mazana mana emamita ane mamita makumi mana kusvikira pasuo guru roKumarara.
14Marikiya mwanakomana wokwaRekabhu mutongi wedunhu reBhetihakeremu akagadziridza suo guru rokuMarara. Akarivakazve akariisa magonhi aro nezvihuri zvaro namazariro aro.
15Sharumu mwanakomana wokwaKoruhoze mutongi wedunhu reMizipa akagadziridza suo guru reChisipiti. Akarivakazve akariturika denga akaisawo magonhi aro nezvihuri zvaro namazariro aro. Akavakawo rusvingo rwokudziva reShera romubindu ramambo kusvikira kumadanho anodzika kuburuka muguta raDhavhidhi.
16Akagamhwawo kuvaka naNehemiya mwanakomana waAzibhuku mutongi wechimwe chikamu chedunhu reBhetitsuru akagadzirawo kusvika pakatarisana namakuva okwaDhavhidhi kudzamara kundosvika kuDziva riya rakaitwa navanhu kusvikawo kumba yemagamba.
VaRevhi vakavakawo rusvingo
17VaRevhi vakagadzira chimbimbi chaitevera uyu ndeava vanoti: Rehumu mwanakomana waBhani tevere Hashabhiya mutongi wedunhu reKeira akavaka akamiririra dunhu rake.
18Ndopanouyawo hama dzavo idzi dzaiti
Bhavhai mwanakomana waHenadhadhi mutongi
wechimwe chikamu chedunhu reKeira
19kwouya Ezero mwanakomana waJeshua
mutongi weMizipa.
Ndiye akagadziridza chimwe
chimbimbi chepakatarisana
nokunochengeterwa zvombo zvehondo pamukwidza kana kuti kona.
20Achiteverwa kuvaka chimwewo chacho naBharuki
mwanakomana waZabhai akagadziridza
kubvira paKona ipapo kusvikira
kumusuo wemba yaEriyashibhi
mupristi mukuru.
21Akateverwawo naMerimoti mwanakomana wokwaUriya
mwanakomana waHakozi akagadziridza
chimwe chidimu kutangira kumusuo
wemba yaEriyashibhi kusvikirawo
panoperera imba yacho yaEriyashibhu.
Vapristi vakavaka rusvingo
22Aiteverwawo pakugadziridza uku navapristi vakanga vakamira vakadai izvi:
paiti varume vomunharaunda iyoyo
23kwouya Bhenjamini naHashubhu,
ava vakagadziridza pakanga pakatarisana
nepane dzimba dzavo
tevere Azariya mwanakomana waMaaseya
mwanakomana waAnaniya akagadzirawo
parutivi pemba yake
24achiteverwawo naBhinai mwanakomana waBhenadhadhi
akagadzirawo chimwewo chidimu
chacho kubvira pamba paAzariya
kudzamara paKona paye
kusvikirawo paye panotenderera.
25Pararu mwanakomana waUzai akagadzirawo
pakatarisana napaKona pacho
nepanharirire iya inooneka pamusoro
pemba yamambo yapamusoro iya
munhandare yavachengetedzi.
Aiteverwa naPedhaya mwanakomana waParoshi
26nevashandi vepatemberi vainge
vachigara kuOferu, vakagadziridzawo
kubva ipapo kusvikira pakatarisana nesuo guru
rokumvura kumabvazuva nenharire iya inoonekwa nepamusoro.
Vamwewo vakavaka rusvingo
27Ndopanozouyawo vanhu vokuTekoa, vakagadziridza chimwewo chimbimbi kubvira pakatarisana nezinharirire guru riye raionekwa nepamusoro kusvika kuRusvingo rwaOferu.
28Kumusoro kwesuo guru reMabhiza kwakagadziridzwa navapristi mumwe nomumwe pakatarisana nepamba pake.
29Vaiteverwa naZadhiki mwanakomana waImeru vakagadziridza pakanga pakatarisana nepamba pake.
Vaiteverwawo naShemaya mwanakomana waShekaniya muchengetedzi wepasuo guru rokuMabvazuva akagadziridzawo.
30Akagamhwawo naHaniya mwanakomana waSheremiya naHanu mwanakomana wechitanhatu waZarafu kugadziridza chimwewo chikamu.
Aiteverwa naMeshuramu mwanakomana waBherekiya akagadziridzawo pakatarisana nepaaigara.
31Aimutevera ndiMarikiya mumwe wemhizha dzezvendarama akagadziridzawo kubvirapo kusvikira kudzimba dzavashandi vepatemberi nedzevanhu vemhindu dzokutengesa zvinhu pakatarisana nesuo guru rokuOngororera vanhu nokukamba kepamusoro kekukona.
32Mhizha dzezvendarama nevemhindu dzokutengesa zvinhu vaye vakagadzirawo chimbimbi chokubva pakamba kepamusoro kekukona kuya kusvikira kusuo guru reHwai.
Zvasarudzwa nguva ino
Nehemiya 3: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: