Nehemiya 4
4
Nehemiya akakurira makakatanwa epabasa rokuvaka rusvingo
1Zvino pakanzwa Sanibharati kuti tavakuvaka rusvingo akashatirwa akapaka nehasha akashora vaJudha. 2Akataura pameso pehama dzake nehondo yeSamaria achiti, “Ko tundonda twechiJudha twavakuiteiko izvozvi? Tungagadziredzewo chinhu here? Kutozopirawo nhai chaizvo chibayiro chaicho? Vanozvipedza nezuva rimwechete izvozvi? Vangagadziridze nhai mabwe akangoti pamwechete nemarara mirwi chu namamwe akatsva aya?”
3Tobhiya muAmoni waakanga anaye akati, “Zvavari kuvaka zvachoka kana gava zvaro rikakwirapo rinotokoromotsera pasi masvingo iwayo.”
4“Nhai Mwari wedu, chinzwaiwoka munzwe.
“Kushorwa kwatiri kuitwa. Itai kuti
rushambwa rwacho rwavareva ruvapfukire
ivo vakare muite kuti vapambwe
kunyika yavanenge vari muutapwa.
5Regai kuti mhosva dzavo dzifusirwe
kana kumbodzima zvako pameso
penyu chitadzo chavo nokuti
zvavaita izvi kutodenha hasha dzenyu
ikoku pana vavaki.”#4:5 Vavaki: Nokuti vakashatirisa vavaki.
6Takazovaka isu rusvingo. Rusvingo rwacho rwose rwakazobatanidzwa pamwechete, kureba kwarwo kukwira mudenga rwakanga rwatosvitswa pahafu chaipo nokuti zvebasa izvi vanhu vakanga vanyatsozvida.
7Kuzoti Sanibharati naTobhiya navaArabhu navaAmoni navokuAshidhodhi vanzwa kuti basa rokugadziridza masvingo eJerusaremu riri kufambira mberi uye kuti makanga mapazika muri kutodzivirwa-dzivirwa, vakaviruka kwazvo nehasha. 8Vose pamwechete vakaita bangano rokundorwisa Jerusaremu nokumutsa manyongori imomo. 9Takanamata kuna Mwari wedu tikaisa vagariri siku nesikati vokudzivirira.
10Asi Judha yakati:
“Vabasa vokutakura, simba rava kuita shoma,
ukuwo mavhu okukoromoka aye
kuungana hewo matutu matutu,
kuti tivake rusvingo,
tava kutozvitadzirira isu.”
11Vavengi vedu vaiti, “Ngativasvikirei pasina chavari kuziva vasingatione tingoerekana tava pakati pavo chaipo tigovauraya basa rimire.”
12Kuzoti kwauya vaJudha vainge vari vavakidzani navo vakatiudza kagumi kagumi vachiti, “Chero kupi nokupi zvako kwamunotendeukira vanotimukira.” 13Ipapo ndakaisa vanhu vokugaririra kuseri kwerusvingo panzvimbo dzorusvingo dzakanga dzakanyanyisa kuderera vaina mapakatwa avo namapfumo avo nouta hwavo.
14Ndakati nde-e kutarisa ndikasimuka ndokutaurira vokumba huru namakurukota navamwewo vanhu vose kuti, “Regai zvenyu kumbovatya. Rangarirai kuti Tenzi, iyeyu mukuru, anotyisa murwire hama dzenyu navana venyu vakomana navasikana navakadzi venyu nemisha yenyu.” 15Vavengi vedu pavakanzwa kuti bangano racho takange tariziva uye kuti Mwari akanga arikangaidza, takadzokera tose kurusvingo munhu wose pabasa rake. 16Kubvira musi iwoyo chimwe chikamu chavashandi vokwangu vechirume ndovakange vava vokuita basa rokuvaka chimwewo chikamu chavo vava vokunge vakabipitira mapfumo nenhoo nouta namademautare zvokuzvidzivirira nazvo muhondo. Vatungamiriri vakatsigira vose vemba yokwaJudha vainge vachivaka parusvingo. 17Vaye vebasa rokutakura zvinhu vainge vakati uku ruoko rumwe ruri pabasa rokuvaka uku rumwe rwakabata chombo chokurwa. 18Muvaki wose ainge aine bakatwa rake mumuhara muchiuno. Achivaka wokuridza hwamanda aingewo ari parutivi pangu. 19Ndakataurira vokuimbahuru namakurukota navamwewo vanhu vose kuti, “Basa iguru iri uye takatarangana kwazvo tiri kure nakure parusvingo pacho apa takati uyu uko uyu uko. 20Kwamunenge manzwa kuti ndokuri kurira hwamanda imi unganai ikoko kwatinenge tiri. Mwari wedu achatirwira.” 21Saizvozvo takaita basa chimwe chikamu chavo chaiswera chakabipitira mapfumo kubvira mambakwedza kudzamara nyenyedzi dzabuda.
22Panguva iyoyo ndakataurirawo vanhu kuti, “Munhu ngaarare mukati meJerusaremu nomushandiwo wake kuitira kuti usiku huve hwokuchengetedza, masikati ave okushanda.” 23Sokudaro ini nehama dzangu navashandi vangu navarume vokundichengetedza vaya vainditevera hapana akabvisa hanzu dzake munhu wese aigara akabatira muruoko zvombo zvokurwa nazvo.
Zvasarudzwa nguva ino
Nehemiya 4: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.