Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 124

124
Rumbo rwaDhavhidhi rwokukwira kumusoro.
Mwari mudziviriri wavanhu vake
1Dai pasina kuti TENZI
aiva kudivi kwedu
Isiraeri ngaiti,
2“Dai pasina kuti TENZI
aiva kudivi kwedu
patakamukirwa navanhu,
3vangadai vakatimedza tiri vapenyu
pavakativirukira nehasha.
4Ipapo mafashamo emvura
angadai akatiyeredza,
mapopopo angadai akatitsvaira.
5Mvura ine simba ingadai
yakatiti fushe fushe.”
6TENZI ngaarumbidzwe
asina kutirega tichiwira
mukanwa mavo senyama.
7Takapunyuka seshiri
pamusungo wavatei veshiri,
musungo wadambuka
tikapunyuka.
8Rubatsiro rwedu rwuri muzita raTENZI
akasika denga napasi.

Zvasarudzwa nguva ino

Nziyo 124: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda