Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 50

50
Rwiyo rwaAsafu
Kunamata kwepachokwadi
1Iye Samasimbaose TENZI Mwari
anotaura, anodaidzira pasi pose
kubvira kumabvazuva
kusvikira kumadokero.
2Mwari anopenya ari mugomo reZioni,
gomo rakanakisisa kwazvo.
3Mwari wedu anouya haanyarari.
Pamberi pake pane moto unoririmisa
akatenderedzwa nedutu remhepo.
4Anokoka matenga kusoro
nenyika kuti atonge vanhu vake.
5“Ndiunganidzirei vakazvipira kwandiri
vakaita chitenderano nechibayiro neni.”
6Matenga anotaura nezvoururami hwake
nokuti iye Mwari ndiye mutongi.
Dzepfunde
7“Teererai munzwe imi vanhu vangu
ini ndichataura
imi vaIsiraeri ndichakupai mhosva
ndini Mwari, Mwari wenyu.
8Handikutsiurirei zvibayiro zvenyu,
mipiro yenyu yokupisa
inogara iri pamberi pangu.
9Handichagamuchiri handira
kubva kumba yenyu
kana chikotora mudanga renyu
10nokuti mhuka yose zvayo yesango ndeyangu
kana idzo mombe
mumakomo akazanirana.
11Shiri dzose dzomumakomo ndinodziziva
uye zvose zvinofamba musango ndezvangu.
12Dai kuri kuti ndaita nzara,
handaiudza iwe
nokuti pasi pose nazvose zviripo ndezvangu.
13Ko ini ndinodya nyama yehandira here
kana kunwa ropa rembudzi here?
14Kutenda#50:14 Kutenda: Pira kuna Mwari chibayiro chokutenda. kwako ngakuve chibayiro chako
uite zvawakatsidza kuita
kunoWokumusorosoro.
15Pakadaro daidzira kwandiri
pazuva renhamo
ndichakununura ukatozondirumbidza.”
16Kune wakaipa Mwari anoti,
“Unodetemberei mitemo yangu,
kana kutaura pamuromo pako
chitenderano changu?
17Zvokudzorwa haudi
uye unofuratira mazwi angu.
18Ukaona mbavha
unobva waita ushamwari nayo
uye unoita usahwira nemhombwe.
19Unotopa muromo wako manyemwe
okutaura zvakaipa.
Rurimi rwako runoronga unyengedzi
20Unogara pasi uchitaura zvakaipa
nezvemukoma kana munun'una wako
uchinyeya mwana wamai vako chaiye.
21Wakaita izvi,
asi inindikanyarara zvangu,
wakafungaka iwe kuti ndakafanana newe;
zvino ndinokutsiura ndichikupa mhosva.
22Nzwisisai izvi,
imi munokanganwa Mwari
ndingadaro ndikabvarura munhu
pagoshaya anonunura.
23Chibayiro chokutenda#50:23Chibayiro chokutenda: ndicho chibayiro chokutenda chambotaurwa muna 50:14. chinondiremekedza
uye munhu anogadziridza upenyu hwake
ndichamuratidza ruponeso rwaMwari.”

Zvasarudzwa nguva ino

Nziyo 50: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda