Nziyo 52
52
Muimbisi, iyi inhetembo yaDhavhidhi pakauya Dhoegi muEdhomu akataurira Sauro kuti Dhavhidhi auya kumba kwaAbhimereki.
Mugumo wowakaipa
1Nhai iwe gamba unozvikudzireiko
nezvakaipa uchiti
Mwari akanaka misi yose.
2Saka zuva rose
uchitoronga zvako zvokuparadza.
Rurimi rwako rwakaita sechisvo chinopinza,
iwe murongi wounyengedzi.
3Unoda zvakaipa kupinda zvakanaka,
unoda nhema
kupinda kutaura zvakarurama.
Dzepfunde
4Unoda mazwi anokuvadza
iwe munyengedzi.
5Asi Mwari achakukoromora nokusingaperi
achakubata agokubvuta mutendhe rako.
Achakutipura kubva munyika yavapenyu.
Dzepfunde
6Vakarurama vachizviona vachakatyamara
vakamuseka vachiti,
7“Tarisai muone munhu
asina kuda kupotera muna Mwari;
asi akavimba nokuwanda kwoupfumi hwake
akapotera muupfumi hwake.”
8Asi ini ndakaita somuorivhi munyoro
mumba maMwari.
Ndinovimba nemwoyochena waMwari
narini narini.
9Ndichakutendai nokusingaperi
nokuti makazviita.
Ndicharumbidza zita renyu
pana vakarurama nokuti rakanaka.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 52: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.