Nziyo 56
56
Muimbisi, imbisa muimbiro erwiyo rwenjiva iri mumuti womumuoki uri kure, inhetembo yaDhavhidhi yaakaita paakabatwa navaFirisitia kuGati.
Munamato wokuvimba naMwari
1Ndinzwireiwo tsitsi, Mwari
nokuti vanhu vanonditsika-tsika
nokuti vavengi vangu vanondionesa nhamo zuva rose.
2Mhandu dzangu dzinonditsika-tsika zuva rose
nokuti vanondirwisa vakawanda
Wokumusorosoro wee!
3Wokumusorosoro pandinenge ndavakutya ndinovimba nemi.
4Ndinovimba naMwari
ana mashoko andinorumbidza.
Ndinovimba naMwari ndisingatyi.
Vanhu vangandiiteiko?
5Zuva rose vanoisa napasipo zvandinotaura,
zvavanofunga ndezvokundikuvadza chete.
6Vanoungana pamwechete kundivandira
vachitarisa mafambiro angu
vachigaririra kuti vandiuraye.
7Naizvozvo varangirei mhosva yavo,
Mwari putsirai marudzi pasi.
8Munoziva kuyaura kwangu.
Chingidzirai misodzi yangu muguchu renyu redehwe.
Handiti zvakanyorwa mubhuku renyu here?
9Ipapo vavengi vangu vachadzoserwa shure
pazuva randinodanidzira.
Izvi ndinozviziva kuti Mwari
ari kudivi kwangu.
10Ndinovimba naMwari
ana mashoko andinorumbidza,
naTENZI ana mashoko andinorumbidza.
11Ndinovimba naMwari ndisingatyi.
Vanhu vangandiiteiko.
12Ndinofanira kuita zvakandatsidza
kwamuri Mwari.
Ndichapira kwamuri mupiro wangu wokutenda.
13Nokuti makandinunura kurufu
uye makumbo angu kuti arege kudzadzarika
kuti ndifambe pana Mwari
muchiedza choupenyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 56: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.