Nziyo Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Bhuku reNziyo ndiro bhuku rakakura kupinda mamwe ose uye ibhuku rakakwanisa kududza namazwi zvinodiwa nomunhu kana zvinogona kuva mumwoyo womunhu zvakaita sokufara, hondo noruenzaniso norugare nokunamata nokutongwa kuchauya nokurumbidza nepfungwa yokuva naMesia netariro nokuungudza nezvimwe zvakadaro. MuchiHebheru rinonzi Bhuku Rokurumbidza rakaumbwa kana kuti rina mabhuku mashanu mariri. Mabhuku mashanu aya ari mubhuku iri ane misoro gumi yezvinhu zvarinotaura nezvazvo zvinoti: 1 kuungudza komunhu mumwechete, 2 kuungudza kwavazhinji, 3 kutenda Mwari uri woga, 4 kutenda Mwari makawanda, 5 kurumbidza Mwari, 6 nziyo dzinorumbidza Mwari dzichitsanangura, 7 nziyo dzokugadza nadzo mambo, 8 nziyo dzeZioni kana kuti dzavaifamba vachiimba vachikwira kuJerusaremu kumazuva makuru, 9 nziyo dzoumambo (hwaMwari nohwavanhu), 10 nziyo dzoungwaru nedzokudzidzisa.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku reNziyo
Bhuku iri rine nziyo 150 dzakakamuraniswa mumabhuku mashanu aya:
Nziyo (1—41)
Nziyo (42—72)
Nziyo (73—89)
Nziyo (90—106)
Nziyo (107—150)
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo Zviri mubhuku rino: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.