Tobhiti 6
6
VI: ZIHOVE
1Mukomana uyu akapinda munzira pamwechete nomutumwa uya imbwa ndokutevera mushure. Vaviri ava vakaramba vachifamba vakazondoita musasa pedyo neTigirisi mauro ezuva rokutanga racho. 2Mukomana akadzika kurwizi irworwo kundoshamba makumbo ndopakasvetuka zihove mumvura ndokungomedza tsoka yake yose. Mukomana akazhamba, 3mutumwa ndokuti, “Bata hove iyoyo! Usairege ichienda!” Mukomana ndokuti zihove racho kweshu ndokurikakaritsira kumahombekombe. 4Mutumwa akati, “Ritsemure ubvise nduru nemwoyo nechiropa uzviise pazvo zvoga urase zvimwe zvomukati nokuti nduru nemwoyo nechiropa chacho zvinogona kurapa.” 5Mukomana akatsemura zihove riya akabvisa nduru nemwoyo nechiropa. Akakanga nhindi yezihove riya yokudya, ndokuisa munyu imwe yokusasika, ndokusimudzira rwendo rwavo vakafamba vari vaviri kudaro kudzamara vava kusvika kuMidhia.
6Mukomana akabvunza mutumwa kuti, “Nhai mukoma Azariya ko, mwoyo wehove nechiropa nenduru yacho zvinorapei?” 7Iye akati, “Unopisa mwoyo wehove nechiropa chacho, utsi hwacho hunoshandiswa pamunhu murume kana mukadzi anenge achioneswa nhamo nedhimoni kana mweya wakaipa, nhamo dzakadaro dzinobva dzatopera zvachose zvokusamboonekwa zvakare. 8Nduruwo yacho inoshandiswa samafuta okurapa munhu anenge ane zvidoi zvichena mumaziso ake. Mushure mokunge waushandisa, zvidoi zvacho, unozongoita zvokufuridza kuti arapike.”
9Vakapinda muMidhia zvokunge votoda kusvika kuEkibhatana, Rafaeri ndokuzoti kumukomana uyu, “Tobhiya, munun'una.” Iye akati, “Mukoma!” Mutumwa ndokuti, “Usiku hwanhasi ticharara kwaRagueri, ihama yako. Vane mwana wavo musikana anonzi Sara. 10Kunze kwaSara havana mumwe mwana musikana kana mukomana. Zvino iwe ndiwe hama yake yepadyo. Musikana iyeyo ndewako, iwe ndiwe unofanira kuva wokutanga pano vanhu vangade kumuroora. Kunyange nhaka yababa vake chaiyo unotova nemvumo yokuireva. 11Musikana anofunga, ane chivindi, ane chimiro chakanaka uye anodiwa nababa vake zvikuru. 12Une mvumo yokumuroora. Chinzwa munun'una, manheru anhasi chaiwo ndichataura nezvemusikana iyeyu kuna baba wake kuti pave nechibvumirano chokuti muwanane. Patinozodzoka kubva kuRagesi tinozogona kutamba muchato wacho. Ndine chokwadi chokuti Ragueri haana mvumo yokukurambira izvozvo kana yokumupa kuno mumwe kuti amuroore. Vakadaro kungave kukoka rufu sokunyorwa kwazvakaitwa muBhuku raMosesi pavanenge vangoziva chete kuti ukama hwacho hunokupa mvumo yokutangatanga chaiyo yokuti uroore mwanasikana wavo. Saka, chinzwa munun'una, usiku hwanhasi hwakarehu ndichataura nezvomusikana iyeyo tichimukumbira kuti awanane newe. Patichadzoka kuRhagesi tinosvikomutora toenda naye kumusha kwako.”
13Tobhiya akapindura Rafaeri omuti, “Mukoma Azariya ndakanzwa ini zvichinzi akatomboroorwa kanosvika kanomwe uye kuti nguva yaaingopinda chete mumba nomurume, murume wacho aibva afira mumba imomo. Aifa usiku ihwohwo paaingopinda mumba yomusikana iyeyo. Ndakanzwa vanhu vachiti idhimoni raivauraya. 14Zvino, zvinondipa kakutya izvi. Iye musikana uyu harimukuvadze nokuti rinomuda. Asi kungowana chete murume anenge angofemera kusvika kwaari, rinobva ramuuraya. Ndini ndoga mwanakomana wababa vangu, zvokufa handidi ini. Ndinozeza ini kuita chinhu chinoshungurudza mwoyo wababa vangu naamai vangu chingavasvitse muguva. Havana mumwe mwana mukomana angazovaviga.” 15Mutumwa ndokuti, “Wava kutokanganwasu zano rawakapiwa nababa vako? Inga wani vakakukurudzira kusarudza mukadzi wokumhuri yokwababa vako. Chinzwa unzwe munun'una! Rega kunge uchazvinetsa nezvedhimoni iroro, muroore zvako. Ndinotsidza kuti nhasi chaiye mauro achapiwa kwauri kuti ave mukadzi wako. 16Pamunenge chete mangopinda mumba menyu, unotora mwoyo nechiropa chezihove riya woisa tunhindi twaizvozvi izvi parusenzi runenge ruchitsva. 17Panondimuka utsi, dhimoni richarinhuhwidza robva ranyatsoti hutu kutiza. Hapazomboita njodzi yokuti mweya wakaipa wacho uonekwe padyo nomusikana iyeyo. 18Zvino, musati mazivana kudaro munosimuka monamata muchikumbira Tenzi Wedenga kuti akunzwirei nyasha akudzivirirei. Usatye zvako, akagara akanzi ndowako uyu kubvira pakutanga chaipo. Ndiwe unotomununura. Iye achakutevera. Ndinotsidzirawo kuti achakuberekera vana vachaita savanun'una vako chaivo. Rega kumbozeza.” 19Tobhiya paakanzwa Rafaeri ataura izvozvi anzwisisawo kuti Sara ainge ari hanzvadzi kwaari, ariwo hama yokumhuri yokwababa vake akamuda zvokumudawo zviye zvokubva aperera mwoyo wake wose maari.
Zvasarudzwa nguva ino
Tobhiti 6: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapistaging.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapistaging.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fen.png&w=128&q=75)