Tobhiti 7
7
VII: RAGUERI
1Akati vachipinda muguta reEkibhatana, Tobhiya akati, “Mukoma Azariya ibvai matitungamirira kuhama yedu kwaVaRagueri.” Iye akamuratidza nzira inoenda kumba kwaRagueri wavakawana agere zvake padivi pomusuo wokupinda muruvanze rwake. Ndiye akatanga kukwazisa Ragueri, iyewo ndokudaira achiti, “Svikai svikai zvenyu! Tichikukwazisaika hama!” 2Akabva amupinza mumba make, ndokuti kuna vadzimai vake Edhina, “Jaya iri, kubva rafanana nehama yangu Tobhiti kudai!” 3Edhina akavati, “Munobva kupiko?” Iye akati, “Tiri vanakomana vokwaNafutari vaye vakatapwa vakaendeswa kuNinivhe.” 4“Munoziva here hama yedu Tobhiti?” “Hongu.” “Vakadii zvavo?” 5“Aiwa vapenyu zvavo, varipo zvavo.” Tobhiya akabva atizve, “Ndivo baba vangu ivavo.” 6Ragueri akabva ati kwaku kumira ndokumutsvoda akasvimha misodzi. 7Kuzoti pfungwa dzadzokera pamwechete akati, “Mwana, Mwari ngaakukomborere! Una baba munhu chaiye anonzi munhu! Kuipa kwazvo chete ndokwokuti munhu akarurama kudaro, azere namabasa akanaka, kuita bofu.” Akati mbunde mbunde naTobhiya akasvimha misodzi. 8Mudzimai wake Edhina akasvimhawo misodzi kumuchema, ndozvimwechetezvo zvakaitawo Sara. 9Ragueri akabaya hwai yomudanga make, akanyatsovagamuchira kwazvo nomwoyo wose.
Vakazvishambidza muviri vakagara zvavo pasi pakudya pateburu. Tobhiya akazoti kuna Rafaeri, “Nhai mukoma Azariya, ndikumbirirewo kuna Ragueri kuti andipewo hanzvadzi yangu Sara.” 10Ragueri akazvinzwawo zvaitaurwa izvi ndokuti kuno jaya iri, “Idya zvako unwe, mauro iwo ano aya, unyatsofara paunodira. Hapana mumwe ane mvumo yokuroora mwanasikana wangu Sara. Hakuna mumwe kunze kwako iwe hama yangu. Kunyange dai zvisina kuita saizvozvi, pachezvangu ini, handina mvumo yokumuroodza kune mumwe munhu zvake sezvo iwe uriwe hama yake yepadyo. Asi chiripo zvacho ndechokuti, mwanangu ndinofanira kukudurira chokwadi. 11Ndakamboedza kumutsvakirawo murume kanotosvika kanomwe mukati mehama dzedu, vose zvavo vaingofa mauro acho okutanga kupinda naye mumba. Pari zvino mwanangu idya zvako unwe, Tenzi achawana zvaachakuitira.” Tobhiya akavagamha achiti, “Handisi kuzodya kana kunwa kusvikira matondiudza zvamafunga nezvangu.” Ragueri ndokuti, “Zvakanaka sokunyorwa kwazvakangoitwa muBhuku raMosesi watomupiwa, dengawo ratotema kuti ndewako. Saka iniwo ndaisa hanzvadzi yako mumaoko mako. Kubvira iye zvino matova hanzvadzi nehanzvadzi. Watomupiwa kubvira nhasi kusvikira narini wose. Tenzi Wedenga, ngaafadzwe nemi usiku hwanhasi mwanangu, akupei rugare.”
12Ragueri akadaidza mwanasikana wake Sara akamubata ruoko achimuturira mumaoko maTobhiya achiti, “Ndiri kumuisa mumaoko ako. Mutemo nomurao wakanyorwa muBhuku raMosesi unomutemera kuti apiwe kwauri kuti ave mukadzi wako. Chimutora zvako uende naye kumusha kumba kwababa vako pasina nechinombokurovesa nehana. Mwari Wedenga ngaaite kuti muve nerwendo rwakanaka murugare.” 13Akatendeukira kuna amai vake akavati, “Nditsvakireiwo bepa rokunyora.” Vakanyora chibvumirano chokuroora chaitsanangura maroodzero avakaita mwanasikana wavo somukadzi kuna Tobhiya maererano nezvakatemwa muMutemo waMosesi.
14Mushure maizvozvi vakazotanga kudya zvavo nokunwa.
15Ragueri akadaidza mudzimai wake Edhina akati, “Hanzvadzi, gadzirai mune imwe imba muendese musikana uyu imomo.” 16Amai ivava vakaenda vakawaridza mubhedha mumba iyoyi sezvakanga zvarehwa nomurume wavo, vakaenda nomwanasikana wavo imomo. Amai ava vakachema musikana uyu vakapukuta misodzi yavo vakati, 17“Tsunga mwoyo mwanangu! Dai Tenzi Wedenga achisandura waro nhamo yako kuti ruchiva rufaro! 18Tsunga mwoyo mwanangu!” Vakabva vabuda zvavo.
Zvasarudzwa nguva ino
Tobhiti 7: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: