Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 13

13
B: MAMBO SAURO ANOTANGA KUTONGA
Kugadzirira hondo kwaIsiraeri kurwisa vaFirisitia
1Sauro akanga ava namakore...#13:1 Namakore... MuchiHebheru, makore acho haana kudomwa kuti mangani. paakatangisa kutonga. Akatonga Isiraeri kwamakore...#13:1 Kwamakore... namaviri haisiyo nhamba izere. Amai venhamba dzacho havana kuiswa. namaviri.
2Sauro akasarudza zviuru zvitatu zvavarume muIsiraeri. Zviuru zviviri zvaivavo zvaiva naSauro kuMikimashi munyika yamakomo yeBhetieri. Vamwe vacho chiuru chimwechete vaingewo vaina Jonatani kuGibhea rokwaBhenjamini. Vamwe vose akavati vadzokere kwavo vaende zvavo kumisha yavo. 3Jonatani akakurira chikwata chavarwi vavaFirisitia chaiva kuGibhea, vaFirisitia ndokuzvinzwa. Sauro ndokuridza hwamanda munyika iyi yose achitiwo, “VaHebheru vose ngavanzwe zviri kuno!” 4VaIsiraeri vose ndokunzwa kuti Sauro akarwisa chikwata chavarwi vavaFirisitia uyewo kuti vaFirisitia vatova nedaka navaIsiraeri. Vanhu vakakokorodzwa kuna Sauro kuGirigari.
5VaFirisitia vakaunganidzana kuti vachirwisa vaIsiraeri. Vaiva nezviuru makumi matatu engoro dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo zviuru zvitanhatu, varwi vavo vachinge jecha rokumahombekombe kwegungwa kuwanda. Vakakwira vakadzika matendhe avo kuMikimashi kumabvazuva kweBhetiavheni. 6Varume vomuIsiraeri pavakaona kuti vava parumano, (izvozvo vakanga zvino vakokeranwa) vakahwanda mumapako nomudzininga nomumatombo nomumakomba nomudzinhare. 7Vamwe vaHebheru vakayambuka Jorodhani vakapinda munyika yokwaGadhi neGireadhi.
Sauro akanga achiri kuGirigari vose vaaiva navo vakanga vachidedera nokutya. 8Akamirira Samueri mazuva manomwe, nokuti ndiyo nguva yakanga yatarwa naSamueri. Asi Samueri haana kunge asvika kuGirigari. Vanhuwo vakanga voita rumwe rumwe kusiya Sauro. 9Sauro ndokuti, “Uyai nechibayiro chomupiro wokupisa pano pandiri pamwechete nechibayiro chemipiro yokuwadzana.” Sauro akabva apira mupiro wokupisa. 10Achangoti pedzei kupira mupiro wokupisa iwoyo, Samueri ndiye vhu. Sauro akaenda kundomuchingura nokumukwazisa. 11Samueri akati, “Ko ndochii ichochi chawaita?” Sauro akati, “Pandakaona varwi vangu vava kuita rumwe rumwe kundisiya, imiwo usina kuuya mumazuva atakanga tatarirana kuuya uye hondo yavaFirisitia yaungana kuMikimashi, 12ndakati, ‘Zvino vaFirisitia vachadzamara vondivinga kuGirigari kuno ndisati ndakumbira rubatsiro kuna Tenzi,’ ndozvakandisvitsa pakupira mupiro wokupisa.”
13Samueri ndokuti kuna Sauro, “Waita zvoupenzi, hauna kuchengeta mutemo waTenzi, Mwari wako waakakupa. Dai wanga wauchengeta Tenzi angadai azotsigisa umambo hwako hweIsiraeri kuti huvepo narini wose. 14Asi zvino umambo hwako hauchaenderera mberi. Tenzi atotsvaka mumwe murume wepamwoyo pake. Saka Tenzi atomusarudza kuti ave mutungamiriri wavanhu vake nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanzi naTenzi uite.”
15Samueri akasimuka kuGirigari ndokuenda kuGibhea kwaBhenjamini. Sauro akaverenga vanhu vaiva naye vakasvika mazana matanhatu avarume. 16Sauro nomwanakomana wake, Jonatani, pamwechete navanhu vavaiva navo vakanga vari kuGibhea kwaBhenjamini, izvozvo vaFirisitia vakanga vakadzika matendhe avo kuMikimashi. 17Mumatendhe evaFirisitia makabuda zvikwata zvitatu zvavarwi vokundopamba. Chimwe chakaenda kuOfura kudunhu reShuaru, 18chimwe chikwata chikananga kuBhetihoroni. Chimwewo chikananga kumuganhu wakatarisana nenyika yebani reZebhoimu chakananga kurenje.
19Izvozvo munyika yose yeIsiraeri makanga musina kana mhizha yokupfura simbi nokuti vaFirisitia vaityira kuti vaHebheru vangadaro vakazvigadzirira mapakatwa namapfumo. 20MuIsiraeri wose aitodzika kuvaFirisitia kundorodzerwa muromo wegejo rake kana badza rake kana demo rake kanawo jeko rake. 21Kuti muromo wegejo rake kana kuti badza rake rirodzwe aitobvisiswa mari yesirivha yamashekeri inorema magiramu masere. Kutiwo demo rirodzwe kana kuti mhayo yokutinhisa zvipfuwo iiswe muromo wesimbi aitobvisa mari yesirivha yamashekeri inorema magiramu mana. 22Naizvozvowo musi wehondo iyi pavanhu vaiva naSauro naJonatani hakuna kana nomumwe wavo aiva nebakatwa kana pfumo zvaro muchanza. Asi Sauro nomwana wake, Jonatani ndivo chete vaiva nazvo. 23Chimwe chikwata chavarwi vechiFirisitia chakandogaririra chiri kumupata wokuMikimashi.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Samueri 13: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda