Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 4

4
B: BHOKISI RECHITENDERANO RAKATORWA NAVAFIRISITIA
Kupambwa kwebhokisi rechitenderano Zvaitaurwa naSamueri zvaisvika munzeve dzavanhu vose vomuIsiraeri
1VaIsiraeri vakaenda kundorwisa vaFirisitia akanga vadzika matendhe avo kuAfeki. Ivo vakandodzika matendhe avo kuEbhenezeru. 2VaFirisitia vakarongana kuti vachirwisa vaIsiraeri. Pavakanga vavakurwisana vaIsiraeri vakakundwa navaFirisitia. VaFirisitia vakauraya vaIsiraeri vaikwana zviuru zvina mukurwisana kwavakaita. 3Pakadzokera varwi kumatendhe, vakuru vakuru vavaIsiraeri vakati, “Ko seiko Tenzi atikundisa navaFirisitia nhasi? Ngatiendei tindotora Bhokisi raTenzi reChitenderano kubva kuShiro kuti rive pakati pedu Tenzi atinunure mumaoko avavengi vedu.” 4Kwakatumwa vanhu kuShiro kundotora Bhokisi reChitenderano raTenzi Samasimbaose ane chigaro chake pakati pamaKerubhu. Uyewo vanakomana vaEri, Hofini naFinehasi vaiveko vaine Bhokisi reChitenderano raMwari iroro. 5Pakasvika Bhokisi reChitenderano raTenzi mumatendhe, vaIsiraeri vose vakadaidzira nezwi guru zvokuti pasi pakandengendeka. 6VaFirisitia pavakanzwa ruzha rwokuzhamba ikoko vakati, “Ruzha rukuru mumatendhe ava Hebheru ndorwei?” Pavakanzwa kuti Bhokisi raTenzi raunzwa kumatendhe, 7vaFirisitia vakatya, zvokuti vakati, “Kune mumwe mwari uku auya mumatendhe.” Vakati, “Pedu papera! Hatisati tamboona zvakadai. 8Pedu patiperera! Ndiani angatinunura mumaoko avamwari vakasimba vakadai? Ndivo vamwari vaya vakarova vaIjipiti neshamhu yenhamo dzakasiyana-siyana murenje. 9VaFirisitia, tsungai mwoyo. Ivai varume, mukasadaro munoswera mava varanda vavaHebheru sezvavakanga vari kwamuri. Ivai varume, murwe.” 10Saka vaFirisitia vakarwisa, vaIsiraeri vakakundwa. Mumwe nomumwe wavaIsiraeri akatizira kumba kwake. Pakafiwa zvokufiwa zviya. Pakafa varwi vetsoka vavaIsiraeri zviuru makumi matatu. 11Bhokisi raMwari rakapambwa. Vanakomana vaEri Hofini naFinehasi vakauraiwa.
Kufa kwaEri
12Musi iwoyo mumwe murume muBhenjamini akatiza achibva kuhondo, akamhanyira kuShiro. Akanga abvarura-bvarura hanzu dzake aine ivhu mumusoro. 13Paakasvika Eri akanga agere pachigaro chake parutivi penzira akatarisa nzira nokuti mwoyo wake waityira Bhokisi raMwari. Murume uya paakapinda muguta, akataurira vanhu zvakanga zvaitika, guta rose ndokubva rati mhere kwetsu. 14Eri paakanzwa mhere iya akati, “Ko mhere iyoyi ndeyei?” Murume iyeyu akamhanyira kundoudza Eri. 15Eri akanga ava namakumi mapfumbamwe amakore namakore masere okuberekwa. Maziso ake akanga apera, asisaoni. 16Murume uya akati kuna Eri, “Ndini ndabva kuhondo uko. Ndatiza hondo nhasi uno.” Eri akabvunza achiti, “Ko zvafamba seiko ikoko mwanangu?” 17Nyakuuya neshoko uya akapindura achiti, “VaIsiraeri vaita rumwe rumwe kutiza vaFirisitia. Hondo yedu yakatakazhwa. Uyewo vanakomana venyu Hofini naFinehasi vafa, uyezve Bhokisi raMwari rapambwa.” 18Paakangodoma Bhokisi raMwari, Eri akanga agere pachigaro munyasi mesuo guru akabva ati namanhede re-ezu pasi gwajara, mutsipa ndokubva wati pipfu, ndiye sarai. Zviripo ndezvokuti vakanga akwegurawo, uye akanga akafuta. Akanga atonga vaIsiraeri kwamakumi mana amakore.
Kufa kwomudzimai waFinehasi
19Muroora wavo mudzimai waFinehasi akanga akazvitakura ava padyo nokusununguka, paakanzwa shoko rokuti Bhokisi raMwari rapambwa, uye kuti vatezvara vake nomurume wake vafa, mimba yakarwadza akati bvucha akasungukuka nokuti mimba yakarwadza. 20Paakanga ava kufa, vakadzi, vananyamukuta vaimubatsira pakusununguka vakamuti, “Tsunga mwoyo, wapiwa mwana mukomana.” Asi iye haana chaakapindura kana kuratidza kuita mwoyo nazvo. 21Akatumidza mwana iyeyo zita rokuti Ikabhodhi, achiti “Mbiri yeIsiraeri yaenda,” pamusana peBhokisi raMwari rakapambwa, uyewo napamusana pavatezvara vake nomurume wake. 22Akati, “Mbiri yabva muIsiraeri nokuti Bhokisi raMwari ratorwa.”

Zvasarudzwa nguva ino

1 Samueri 4: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda