1 Samueri 6
6
Kudzorerwa kwebhokisi rechitenderano
1Bhokisi raTenzi rechitenderano rakagara munyika yavaFirisitia mwedzi minomwe. 2VaFirisitia vakadaidza vapristi nen'anga ndokubvunza vachiti, “Toita sei nebhokisi raTenzi rechitenderano? Tiudzeiwo kuti tingaridzosere kwarakabva riinei?” 3Ivo ndokuti, “Kana mava kudzosera bhokisi rechitenderano raMwari wavaIsiraeri, musaridzosere risina chinhu. Asi edzai napose pamunogona napo kumutumira mupiro wokuripa mhosva. Ndipo pamuchazorapwa, mobvawo maziva chikonzero changa chichiita kuti shamhu yake yokuranga irege kubva pamuri.” 4Ivo vakapindurawo vachiti, “Ko tomutumira mupiro wokuripa mhosva worudzii?” Ivo vakapindura vachiti, “Mamota endarama mashanu, nembeva dzendarama shanu, zvakaenzana nokuwandawo kwamadzishe avaFirisitia nokuti imi namadzishe enyu makawirwa nedenda rimwechetero. 5Saka gadzirai zvifananidzo zvamamota nezvembeva zvaparadza nyika muremekedze Mwari avaIsiraeri. Zvimwe angakurerutsirei akabvisa shamhu yake yechirango chake pamuri imi navamwari venyu nomunyika yenyu. 6Ko zvinobatsirei kuti imi muomese mwoyo sokuomesa mwoyo kwakaita Farao navaIjipiti? Mwari paakazenge avapusisa havana here kuzobvumira vaIsiraeri kuenda vakabva vasimuka vakaenda? 7Zvino gadzirai chikochikari chitsva mutore mhou dzichiri kuyamwisa dzisati dzambobopwa pajoko mudzisunge pachikochikari ichocho, mhuru dzadzo mudzibvise mumudzinge pana amai vadzo dzidzoserwe kumusha. 8Munotora bhokisi iroro raTenzi rechitenderano moriisa pachikochikari, motorawo zvinhu zviya zvakaumbwa nendarama zvamuri kumutumira zvomupiro wokuripa mhosva, mozviisa mune rimwe bhokisi, moisawo rimwe bhokisi iroro muchikochikari panyasi pebhokisi rechitenderano motinha mombe dzacho dziende nechikochikari dzoga, 9imi motarisa moona. Kana dzikadzokera naro kunyika kwaro kuBhetishemeshi zvinobva zvaratidza kuti ndiye akatipinza munhamo huru yakadai. Asi dzikarega kudaro tinobva taziva kuti haasiri iye akatiranga neshamhu yake, zvakangoitikawo zvazvo kwatiri.”
10Varume ivavo vakaita saizvozvo, vakatora mhou mbiri dzichiri kuyamwisa vakadzisunga pachikochikari vakapfigira mhuru dzadzo mudanga. 11Vakaisa bhokisi raMwari rechitenderano chikochikari. Vakaisawo rimwe bhokisi raiva nembeva dzendarama nezvifananidzo zvamamota zvendarama. 12Mhou idzi dzakati tande nomugwagwa chete ndokuramba dzakangoti nawo dzakananga kuBhetishemeshi dzikafamba dzichikuma. Asi hadzina kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe. Madzishe avaFirisitia akadzitevera kusvikira kumuganho neBhetishemeshi.
13Izvozvo vanhu vokuBhetishemeshi vaingunokohwa koroni yavo mubani. Pavakatarisa vakaona bhokisi rechitenderano vakapembera vachifarira kuriona. 14Chikochikari ichi chakasvikira kumunda waJoshuwa wokuBhetishemeshi chikasvikomira pamunda wake. Ipapo paiva noruware rukuru kwazvo. Vakatsemura mapuranga echikochikari ichocho vakapira mhou dziya kuna Tenzi sechibayiro chokupisa. 15VaRevhi vakaburutsa bhokisi raTenzi rechitenderano pamwechete nerimwe bhokisi raiva pedyo naro maiva nezvifananidzo zvendarama ndokuzviisa paziware riya. Musi iwoyo varume vomuBhetishemeshi vakapira zvibayiro zvokupisa nemipiro kuna Tenzi. 16Madzishe echiFirisitia mashanu akaonawo izvozvi ndokubva adzokera zvavo kuEkironi musi wakareyo.
17Izvi ndizvo zvifananidzo zvamamota endarama zvakatumirwa kuna Tenzi somupiro wokuripa mhosva navaFirisitia: chimwe chaimiririra Ashidhodhi, chimwe Gaza chimwe Ashikeroni, chimwe Gati, chimwe Eikroni. 18Zvifananidzo zvembeva zvendarama zvakanga zvakakwaniranawo namaguta ose amadzishe mashanu avaFirisitia, ose ari maguta akavakirirwa tsvingo pamwechete nemisha yakanga isina tsvingo. Ziware riya, ravakaisa bhokisi raTenzi rechitenderano ririko sechapupu nanhasi uno riri kwaJoshuwa wokuBhetishemeshi mumunda wake.
19Asi Mwari akauraya vamwe varume vomuBhetishemeshi nokuti vakanga vadongorera mubhokisi raTenzi rechitenderano. Akauraya makumi manomwe avanhu pamakumi mashanu ezviuru. Vanhu vakachema nokuti Tenzi akanga arakatisa kuuraya vamwe vavo.
Bhokisi rechitenderano kuKiriatijearimu
20Varume vomuBhetishemeshi vakachemedzeka vachiti, “Ndianiko angafemerewo zvake kuva pana Tenzi, Mwari mutsvene iyeyu? Ko zvino toritumira kunaaniko kuti abve zvake kuno kwatiri?” 21Vakatumira nhume kuvagari vokuKiriatijearimu kundoti, “VaFirisitia vakadzora bhokisi raTenzi rechitenderano. Dzikai kuno muritore mukwire naro kwenyu ikoko.”
Zvasarudzwa nguva ino
1 Samueri 6: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: