1 Samueri 7
7
1Varume vokuKiriatijearimu vakauya vakatora bhokisi raTenzi rechitenderano vakaenda naro kumba kwaAbhinadhabhu pachikomo. Vakagadza mwana wake Ereazari kuti achengete bhokisi raTenzi rechitenderano.
Kutonga kwaSamueri nyika yeIsiraeri
2Bhokisi raTenzi rechitenderano rakagara muKiriatijearimu kwenguva ndefu kubvira musi waraiswa ikoko. Rakasvitsa makore makumi maviri, vaIsiraeri vose vakachema kuna Tenzi.
3Samueri akataurira vaIsiraeri vose achiti, “Kana mada zvokudzokera kuna Tenzi nomwoyo wose motorasa vamwari vasirivo pamwechete nezvifananidzo zvavamwari vanaAshitaroti zvamunazvo, muise mwoyo yenyu kuna Tenzi munamate iye oga. Iye achakununurai mumaoko avaFirisitia.” 4Naizvozvo vaIsiraeri vakarasa vamwari ivavo vanaBhaari navanaAshitaroti vakanamata Tenzi chete.
5Ipapo Samueri akazoti, “Unganidzai vaIsiraeri vose kuMizipa, ndigokunamatirai kuna Tenzi.” 6Nokudaro vakaungana kuMizipa vakateka mvura vakaidururira pasi pamberi paTenzi, vakatsanya musi iwoyoyo vakareurura vachiti, “Takatadzira Tenzi.” Samueri akatonga vaIsiraeri ari kuMizipa.
7Kuzoti vaFirisitia vanzwa kuti vaIsiraeri vakanga vaunganidzana kuMizipa, madzishe echiFirisitia akakwira ikoko kundorwisa vaIsiraeri. Izvozvi pazvakasvikawo munzeve dzavaIsiraeri vakatya vaFirisitia. 8VaIsiraeri vakati kuna Samueri, “Musamborega zvenyu kuramba muchitinamatira kuna Tenzi Mwari wedu kuti atinunure mumaoko avaFirisitia.” 9Samueri akatora hwayana ichiri kuyamwa akaipira kuna Tenzi sechibayiro chinopiswa mutumbi wose. Samueri uyu akateterera kunamatira vaIsiraeri kuna Tenzi, Tenzi ndokumupindura. 10Samueri achingunopira chibayiro ichocho kudaro, nokokowo vaFirisitia ndiye tutururu vhu kusvika kuzorwisa vaIsiraeri. Asi musi iwoyo Tenzi akatinhira nomutinhiro mukuru kwazvo nechepamusoro pavaFirisitia akavakangaidza, vaFirisitia vakadzvamutswa navaIsiraeri. 11VaIsiraeri vakabudira vaFirisitia muMizipa vakadzingirirana navo vachivaita rumwe rumwe kuuraya nzira yose kusvikira munyasi meBhetikari.
12Samueri akatora dombo akarimisa pakati peMizipa neSheni akaritumidza zita rokuti, “Dombo rerubatsiro”#7:12 Rerubatsiro: muchiHebheru zita irori rinonzi Ebhenezeru. achiti, “Tenzi atibatsira kusvikira pari nhasi.” 13Nokudaro vaFirisitia vakakundwa vakarega kuzopindazve munyika yavaIsiraeri. Paupenyu hwose hwaSamueri ruoko rwaMwari rwairwisa vaFirisitia. 14VaIsiraeri vakatorazve maguta avakanga vatorerwa navaFirisitia kubvira kuEkironi kusvikira kuGati. VaIsiraeri ava vakatorazve nyika yavo mumaoko avaFirisitia. Pakati pavaIsiraeri navaAmori paivawo norugare.
15Samueri akatonga Isiraeri upenyu hwake hwose. 16Gore negore aipota achishanyira Bhetieri neGirigari neMizipa achitonga Isiraeri munzvimbo dzose idzodzi. 17Aizodzokera zvake kuRama nokuti ndokwaiva nomusha wake achitongawo mhosva dzavaIsiraeri ari ikoko. Akavakira Tenzi atari ikoko.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Samueri 7: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: