1 Samueri 8
8
II: SAMUERI NASAURO
A: CHICHEMO CHAVAISIRAERI CHOKUDAWO KUTONGWA NAMAMBO
1Kuzoti Samueri akwegura, akagadza vanakomana vake kuti vave vatongi veIsiraeri. 2Dangwe racho aiva mukomana ainzi Joeri, wechipiri ari Abhiya, vaiva vatongi kuBheerishebha. 3Asi vanakomana vake havana kutevedzera tsika dzababa vako. Asi kutoti vakatsauka mugwara racho vapindwa nomweya wokuda kupfuma nenzira dzisina kunaka. Vakagamuchira pfumbamuromo, vachirega kutonga zviri pamurao. 4Ipapo vakuru vakuru vose veIsiraeri vakakokorodzana vakaenda kuna Samueri kuRama 5vakasvikoti kwaari, “Chionaika imi makwegura. Uye chimwe nechichi ndechokuti vanakomana venyu havasi kutevedzera tsika dzenyu. Zvino chitisarudzirai mambo wokutitonga sezvakangoitawo mamwe marudzi ose.” 6Asi chichemo chavo chokuti, “Tisarudzirei mambo wokutitonga,” hachina kufadza Samueri, ndokubva anamata kuna Tenzi. 7Tenzi akati kuna Samueri, “Gamuchira zvako zvose zvavari kukumbira nokuti haasiri iwe wavari kuramba, asi wavari kuramba chaiye kuti ave mambo wavo, ndini. 8Sezvavaingoita kubvira pandakavaburitsa muIjipiti kusvikira pari nhasi zvokundiramba vachindonamata vamwe vamwari ndizvozviwo zvavava kuita kwauri. 9Zvino gamuchira zvako chichemo chavo. Asi chete, nyatsovayambira chaizvo uvaisire pachena zvichaitwa namambo achavatonga.” 10Saizvozvo Samueri akarondedzera zvose zvaakanga audzwa naTenzi kuvanhu vaimukumbira mambo. 11Akati, “Zvichaitwa namambo achakutongai ndezvizvi: achatora vana venyu achivaita varwi vengoro dzake dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo, vamwe vari vokumhanya vachitungamirira ngoro yake. 12Achazvisarudzira vamwe kuti vaite vatungamiriri vake pachake vezvikwata zvina varwi chiuru vamwewo chavarwi makumi mashanu mashanu. Vamwe vachange vari vokurima nokukohwa mumunda make, nokugadzira zvombo zvake zvehondo nemidziyo yose yengoro dzake dzehondo. 13Achatora vanasikana venyu achivapa basa rokugadzira mafuta okuzora anonhuhwirira nokubika chingwa nezvimwewo zvokudya. 14Achatora minda yenyu yakanakisisa pamwechete neminda yemigirepisi neyemiorivhi achiipa zvake machinda ake. 15Achakubvisisaiwo mutero wechegumi chakewo zvake chembesanwa dzenyu nechewaini achichipa makurukota ake namachinda ake. 16Achatorawo zvake varanda venyu vechirume nevechikadzi, navana venyu majaya, namadhongi enyu kuti aitise basa rake. 17Achatorawo mutero wechegumi pahwai nembudzi dzenyu. Iyemi pachenyu muchava varanda vake. 18Panguva iyoyo muchazochema pamusana pamambo wenyu iyeyo wamunenge mambozvisarudzira iyemi pachenyu.” Asi Tenzi haakupindurei pazuva iroro.
19Asi vanhu vakaramba kunzwa zvavakaudzwa naSamueri. Vakati, “Kwete! Tiri kuda kutongwa namambo 20kuti tiitewo samamwe marudzi ose aya, titongwewo namambo wedu iyeyo apote achititungamirira nokuzotirwirawo muhondo.” 21Samueri akati anzwa zvose zvakataurwa navanhu akandozvitaurirawo kuna Tenzi. 22Tenzi akati kuna Samueri, “Gamuchira zvako chichemo chavo uvape mambo.” Samueri akaudza vaIsiraeri vose kuti, “Munhu wose ngaadzokere kuguta rokwake.”
Zvasarudzwa nguva ino
1 Samueri 8: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.