Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vatesaronika 2

2
Basa raPauro muTesaronika
1Hama dzangu imi pachenyu munoziva kuti kukushanyirai kwedu kwakanga kusiri kusina maturo. 2Kunyange zvedu takambenge tatambudzika uye tanyadziswa kuFiripi, sokuziva kwenyu, takaita chivindi muna Mwari wedu; takakuparidzai Shoko Rakanaka raMwari pakati pavanhu vairwisana zvikuru nezvataiita. 3Kukukurudzirai kwedu hakubvi mune zvemanomano kana mune zvisina kuchena kana kuda kunyengedza. 4Asi sokuonekwa kwatakaitwa naMwari kuti takakodzera kuti Shoko Rakanaka riiswe mumaoko medu, naizvozvo tinotaura kwete kuti tifadze vanhu, asi kuti tifadze Mwari anoongorora zvatiri. 5Sezvamunoziva, hatina kushandisa mazwi okubata vanhu kumeso kana mazwi okufukidza kuda upfumi kwedu. Mwari angatipupurirewo. 6Hatina kutsvaka mbiri inobva kuvanhu, kungave kwamuri imi kana kunavamwe. Kunyange zvedu taigona, savapositori vaKristu, kunge takakuremedzai nezvokuita, 7asi taiva vanhu vanyoro pakati penyu saamai vanoyamwisa vari kuchengeta vana vavo. 8Saizvozvo pamusana pokukudai zvakanyanya kwatinoita, hatina kungoda kuti tigoverane chete zveShoko Rakanaka raMwari, asi kuti tiitewo upenyu hwedu nemi nokuti imi makanga mava vapamwoyo chaivo kwatiri.
9Hama, imi munoyeuka kushanda nokushingaira kwedu. Takashanda siku nesikati kuti tirege kuwana nomumwe wenyu watinoremedza patainge tichiparidza Shoko Rakanaka raMwari. 10Imi, pamwechete naMwari, munotova zvapupu zvokuti maitiro edu kwamuri vatendi, takanga tiri vatsvene zvakadii, takarurama zvakadii tisina chatingapomerwe zvakadii. 11Imi munoziva kuti ini, sababa ana vana vake, 12ndakakukurudzirai mumwe nomumwe wenyu ndichikunyaradzai nokukukurudzirai kuti mugare upenyu hunokodzerana naMwari anokudaidzirai kuti mupinde muumambo hwake nomumbiri yake.
13Tinotendawo Mwari nguva dzose pamusoro pezvizvi zvokuti pamakagashira shoko raMwari ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi sezvariri, seshoko raMwari riri kushanda mamuri imi vatendi. 14Imi hama, makasanganawo nezvakawira masangano aMwari okuJudhea muna Kristu Jesu nokuti imi makarwadziwawo nezvinhu zvakabva kuvanhu vomunyika menyu sezvavakaitwawo navaJudha. 15Vakauraya Tenzi Jesu navaporofita uye vakatitandanisa; vanotsamwisa Mwari vachiita zvinorwisana navanhu vose 16nokutidzivisa kutaura kune vechirudzi kuti vaponeswe. Naizvozvo vanotozadzikisa ukuru hwezvitadzo zvavo. Asi pokupedzisira Mwari avakuvavinga nehasha dzake.
Pauro anoshanyirazve Tesaronika
17Hama, patakamboti paradzaniswei kwechinguva pakuonana kwete mupfungwa, taitodisisa kwazvo tikaita shungu dzokukuonai uso nouso. 18Taida kuuya kwamuri. Iyeni Pauro ndaida kuuya kakatowanda, asi Satani akatidzivisa. 19Ko chitarisiro chedu chii norufaro rwedu chii kana chiremba chedu chokudada nacho pamberi paTenzi wedu Jesu paanouya chii? Hamusirimi here, 20nokuti imi ndimi mbiri yedu norufaro rwedu?

Zvasarudzwa nguva ino

1 Vatesaronika 2: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda