2 Nhoroondo 23
23
Kupandukirwa kwaAtariya
(2 Madzi 11:4–16)
1Kuzoti mava mugore rechinomwe, Jehoyadha akatsunga mwoyo akaita chitsidzirano navatungamriri vezana ava vanoti Azariya mwanakomana waJerohamu naIshimaeri mwanakomana waJehohanani naAzariya mwanakomana waObhedhi naMaaseya mwanakomana waAdhaya naErishafati mwanakomana waZikiri. 2Vakabvongodza nyika yokwaJudha vachikokorodza vaRevhi mumaguta okwaJudha ose navakuru vakuru vemadzinza eIsiraeri vakauya kuJerusaremu.
3Gungano rose rakaita chibvumirano namambo vari mumba yaMwari. Jehoyadha akati kwavari, “Hoyu mwanakomana wamambo! Regai achitonga sokutaura kwakaita Tenzi pamusoro pevanakomana vaDhavhidhi. 4Zvamunofanira kuzoita ndezvizvi: vapristi nevaRevhi vaya pazvikwata zvitatu zvinouya kuzoita basa musi weSabata; chikwata chimwechete ngachichengetedze pamisuo mikuru, 5chimwe chive pamuzinda wamambo, chimwe chiri paSuo Guru roUgaro, vanhu vose vave muzvivanze zvepamba yaTenzi. 6Ngakurege kuva nomunhu anopinda mumba yaTenzi kunze kwevapristi nevaRevhi vanoshandamo, vangapinde zvavo nokuti vanhu vakatsaurwa vatsvene. Asi vanhu vose ngavachengete zvakatemwa naTenzi. 7VaRevhi vanofanira kukuta vakatenderedza mambo mumwe nomumwe akabata mumaoko zvombo zvake zvehondo. Kuwana anenge angofemera kupinda mumba macho ngaauraiwe. Ivai namambo paanopinda napaanobuda.”
8VaRevhi nevose vokwaJudha vakaita zvose zvakanga zvanzi nomupristi Jehoyadha zviitwe. Mumwe nomumwe wavo akauya navanhu vake vakanga vasingafanire kuuya pabasa musi weSabata navaye vakanga vachifanira kuva pabasa musi weSabata pamusana pokuti mupristi Jehoyadha haana kunga ati zvikwata zvacho zviende. 9Mupristi Jehoyadha akaisa mumaoko avakuru vakuru vehondo nenhoo huru nediki dzaimbenge dziri dzamambo Dhavhidhi dzaiva mumba yaMwari. 10Akaronga vanhu vose kuti vachengetedze mambo, munhu wose akabata mumaoko chombo chake chehondo kubvira kumaodzanyemba kwemba kusvikira kuchamhembe kutenderedza atari nemba yamambo. 11Akabva aburitsa mwanakomana wamambo akamudzika ngundu youmambo akamupa bumbiro romutemo akazivisa kuti ndiye mambo. Jehoyadha navanakomana vake vakabva vamuzodza mafuta vachimugadza vakati, “Mambo ngazvirambe zvakadaro!”
12Pakanzwa Atariya zhowezhowe ravanhu vaimhanya vachirumbidza mambo akaenda kumba yaTenzi kuvanhu. 13Paakatarisa akaona hoyo mambo amire pedyo nomusimboti wake kumusuo, vakuru vakuru vehondo nevokuridza mabhosvo vamire namambo, vanhu vose venyika iyi vachipembera kufara, mabhosvo achirira, vaimbi vachiridza midziyo yokuimbisa vachitotungamirira pakupemberera kwacho; Atariya akabvarura hanzu neshungu dzake akadaidzira achiti, “Kwapandukwa! Kwapandukwa!”
14Mupristi Jehoyadha akaudza vakuru vakuru vokutungamirira hondo kuti, “Mubvisei mumitsetse yevachengetedzi mumuburitse muuraye nebakatwa ani naani anenge woda kutsigirana naye.” Izvozvo mupristi aiti haafaniri kuurayirwa mumba yaTenzi.
15Nokudaro vakamubata akapfuura nepaSuo Guru reMabhiza repamuzinda wamambo vakamuurayirapo.
Kugadziridza mamiriro ezvinhu kwakaitwa naJehoyadha
(2 Madzi 11:17–20)
16Jehoyadha akaitisa chibvumirano pakati pake navanhu vose namambo chokuti vave vanhu vaTenzi. 17Vanhu vose ivavo vakaenda kumba yaBhaari vakaipaza. Atari dzake nezvifananidzo zvake vakazvipwanya-pwanya vakauraya Matani mupristi waBhaari pamberi peatari dzacho. 18Jehoyadha akabva aisa vokugaririra pamba paTenzi vachitungamirirwa navapristi vechiRevhi navaRevhi vakanga varongwa naDhavhidhi kuti vave vokuona nezvemba yaTenzi kuti vapote vachipira mipiro yokupisa kuna Tenzi sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi vachipembera kufara nokuimba maererano nezvakanga zvanzi naDhavhidhi zviitwe. 19Akaisa vachengetedzi vepamisuo mikuru pamisuo mikuru yepamba paTenzi kuti parege kupinda ani zvake anenge akan'ora nenzira ipi neipi zvayo. 20Akatora vakuru vakuru vehondo navamwe vakuru vakuru namasadunhu avanhu navanhu vose venyika iyi vakandotora mambo kumba yaTenzi vakadzika naye vakapfuura napasuo guru roKumusoro rokumuzinda wamambo. Vakagarisa mambo pachigaro choumambo. 21Vanhu vose venyika iyi vakapembera kufara, muguta mukava norunyararo mushure mokunge Atariya aurayiwa nebakatwa.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Nhoroondo 23: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapistaging.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.