2 Nhoroondo 27
27
Jotamu mambo wokwaJudha
(2 Madzi 15:32–38)
1Jotamu akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore gumi namatanhatu ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Jerusha mwanasikana waZadhoki. 2Jotamu akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwawo nababa vake Uziya, chete uyu haana kuzopindira mune zvomuTemberi yaTenzi. Asi vanhu vakanga vachiri kungoita zvakaipa.
3Akavaka Suo Guru roKumusoro repamba paTenzi. Akavakiridza zvakanyanya kwazvo Madziro eOfero. 4Akavakawo maguta kunyika yokwaJudha yamakomo, mumasango akavaka maguta etsvingo nenharire. 5Akarwisana namadzimambo avaAmoni akavakurira. Gore iroro vaAmoni vakatera mutero wamatani mana esirivha, nechiuru chamatani ekoroni nechiuruwo chematani ebhari. VaAmoni vakabvisa mutero mumwechetewo mugore rechipiri nerechitatu racho. 6Saizvozvo Jotamu akava namasimba pamusana pokuti akaruramisa makwara ake pana Tenzi, Mwari wake. 7Dzimwe nyaya dzezvaJotamu nehondo dzaakarwa namaitiro ake, zvakanyorwa muBhuku reMadzimambo okwaIsiraeri newokwaJudha. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatangisa kutonga. 8Akatonga kwemakore gumi namatanhatu ari muJerusaremu. 9Jotamu akazovatawo oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake. Vakamuviga muguta raDhavhidhi. Mwanakomana wake, Ahazi ndiye akazotonga panzvimbo yake.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Nhoroondo 27: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.